bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 26
Ezekiel 26
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 27 →
1
Mugore regumi nechiposhi, pazuva rokutanga romwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti:
2
“Iwe mwanakomana womunhu, guta reTire zvarakati nezveJerusaremu, ‘Hero Suo Guru revechirudzi rapazika, razarukireni regai ndichizvigutsa hangu sezvo raparadzwa kudai,’
3
naizvozvo Tenzi Mwari ati chinzwa iye zvino ndanangana newe Tire. Ndichakuunzira marudzi akawanda kuzorwisana newe segungwa ramutsa mafungu aro.
4
Vachaparadza tsvingo dzeTire vachiriga pasi nharirire dzaro. Ndichaparadza kubvisa ivhu raro mariri ndichiita kuti rive ruware zvarwo.
5
Tire richava mukati chaimo megungwa richiva nzvimbo zvayo yokuyanikira usvasvi. Ndinodaro nokuti ndini ndataura ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Uye richava sechinhu chokupamba kumarudzi.
6
“Vanasikana varo vari panyika huru vacharakatika kuurayiwa nebakatwa ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.
7
“Zvavepo ndezvokuti zvanzi naTenzi Mwari chinzwa, ndichaita kuti Tire ivingwe nomumwe wokuchamhembe, Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi, ndimambo wamadzimambo, iyeyo aina mabhiza nengoro dzehondo navarwi vamabhiza nehondo yavarwi vazhinji.
8
“Iye achauraya nebakatwa vanasikana vako vari munyika yomukati. Achakuisira rusvingo rwokukurwisa narwo agokuvakirira nevhu chinenge musana wenzou kurusvingo agokusumudzira denga zvaro renhoo.
9
Achanangisa kwauri iwe kuriridza kwezvombo zvake zvehondo zvinenge hondohwe zvokudhugumurisa tsvingo dzako iwe. Namatemo ake achapaza nharirire dzako.
10
Mabhiza ake achange akawanda zvokuti huruva yawo ichakuputira. Tsvingo dzako dzichazunguzika pamusana poruzha rwavamabhiza nengorowo zvadzo nengoro dzehondo dzamabhiza, paachapinda pamisuo mikuru yenyu somunhu anopinda muguta rapazwa rusvingo.
11
Nematsiko amabhiza ake achatsokodzera migwagwa yenyu yose achauraya vanhu vako nebakatwa Misimboti yako yakasimba iyoyo ichati pasi gwajata.
12
Vachapamba upfumi hwako. Vachakubvutira zvamunoshava nazvo upfumi vachapaza tsvingo dzako vachiwondomorera pasi mizinda yenyu yedzimba, matombo ako nemiti yako zvichanzi mukati memvura bvuva bvuva.
13
Ndichagumisa mimhanzi wenziyo dzako kurira kwezvipendani zvako hakuchazombonzwikazve.
14
Ndichakuita kuti uve ruware rusina chinhu. Uchava nzvimbo zvayo yokuyanikira mimbure hauchazombofa wakavakwazve nokuti ndini Tenzi ndataura.” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.
15
Tenzi Mwari ari kutaura akanangana neTire kuti nyika dzomumahombekombe megungwa hadzisi kuzondengendeka here nokuriridza kwokuputsika kwako, pachauraiwa vanenge vakuvadzwa mukati mako marakatiswa kuuraya vanhu?
16
Ipapo machinda okugungwa ose achabva pazvigaro zvawo zvouchangamire vagokatanura majasi avo vagobvisa magemenzi avo akarukirirwa. Vachaputirwa nokudedera, vachagara pasi vachiramba vachingodedera vadumbirwa nezvako.
17
Vachakuimbira ngondo vachikuti: “Kubva watonyangarika kudai mumakungwa iwe guta rembiri, waimbova nesimba guru nezvokugungwa iwe navagari vako waivhundutsa nyika dzose dzomukati.
18
Zvino zvitsuwa zvodedera pazuva rokuputsika kwako. Heeka, zvitsuwa zviri kugungwa zvakangaidzika nomupfuuriro wako.”
19
Chikonzero ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakuita kuti usare wava renje zvaro reguta samaguta asina ageremo pandichakuti ndondondo muhwenje hwegungwa, mvura zhinji igokuti fuse fuse.
20
Naizvozvo ndichakukanda pasi pamwechete navanoenda mugomba; kuvanhu vakare. Ndichati ugare munzvimbo yapasi pasi penyika, munzvimbo yamatongo akare-kare pamwechete navanodzika mugomba zvokuti hapana achaita musha mauri kana kuwanawo nenzvimbo mukati menyika yavapenyu.
21
Ndichakusvitsa pamugumo unosiririsa, pako panenge pakuperera, vanhu vachakutsvaka zvako asi hauzowanikwazve.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48