bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 34
Ezekiel 34
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 35 →
1
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
2
“Iwe mwanakomana womunhu porofita wakanangana navafudzi veIsiraeri, porofita uti kwavari, kuvafudzi ivava uti, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Nhaimi vafudzi veIsiraeri, imi munozvifudza zvenyu. Vafudzi havafaniri kufudza hwai here?’
3
Munodyaka imi mafuta muchizvipfekedza zvenyu newuru, muchiuraya zvenyu hwayana dzakakodzwa asi kufudza hwai musingafudzi.
4
Dzakarukutika hamuna kudzisimbisa, dzinorwara hamuna kudzirapa, dzakatyoka makumbo hamuna kudzisunga kasekete, dzinotetereka hamuna kudzidzora, dzakarasika hamuna kudzitsvaga. Uye makadzitonga nechisimba nehasha.
5
Naizvozvo dzangopararira zvadzo pamusana pokuti pakanga pasina mufudzi dzikava zvadzo chokudya chezvikara zvose zvesango.
6
Hwai dzangu dzakapararira, dzakateterekera mumakomo mose nomuzvikomo zvose zvirefu. Hwai dzakapararira nenyika yose dzisina anodzironda kana kudzitsvaka.
7
“Naizvozvo imi vafudzi chinzwai shoko raTenzi.
8
Zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, pamusana pokuti hwai dzangu dzakava zvadzo nyama, hwai dzangu dzakava chokudya chezvikara zvose zvesango pamusana pokuti pakanga pasina mufudzi uye pamusana pokuti vafudzi vangu havana kutsvaka hwai dzangu asi vafudzi vakatozvifudza ivo pachavo asi hwai dzangu havana kudzifudza,
9
naizvozvo imi vafudzi chinzwai shoko raTenzi;
10
zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chionai ndanangana navafudzi. Wandichabvunza wacho ndivo vafudzi. Ndichavamisa kufudza hwai dzacho zvokuzvifudza ivo vafudzi zvichapera. Ndichanunura hwai dzangu pamiromo yavo kuitira kuti dzirege kuva chokudya chavo.’
11
“Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, chionai, ini iyeni pachangu ndini ndicharonda hwai dzangu ndidzitsvake.
12
Sezvinongoita mufudzi anotsvaka hwai dzake kana dzimwe dzapararira ndizvozvo zvandichaita kutsvaka hwai dzangu. Ndichadzinunura munzvimbo madzakapararira, pamusi wamakuti nerima rakati kwirindindi.
13
Ndichadziburitsa mukati memarudzi ndichidzikokorodza mudzinyika uye ndichadziunza munyika yadzo. Ndichadzifudzira mumakomo eIsiraeri nomuzvitubu zvemvura nomunogara vanhu mose zvamo munyika iyoyi.
14
Ndichadzifudzira pamafuro akanaka uye napamusoro pamakomo marefu eIsiraeri pachange pari pamafuro adzo. Imomo dzicharara mumafuro akanaka, dzichifura mumafuro chaiwo manyoro mumakomo eIsiraeri.
15
Ini ndini ndichafudza hwai dzangu, ndini ndichadzirarisa pasi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
16
Dzinenge dzarasika ndichidzitsvaka ndichadzora dzinenge dzatetereka, dzinenge dzakuvara ndichidzisunga kasekete, dzinenge dzarukutika ndichidzisimbaradza. Asi dzakakora nedzakasimba ndichadzitarisa ndichidzifudza noruenzaniso.
17
“Kana zviri zvenyu imi danga rangu, zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, ini ndichatonga pakati pehwai nehwai napakati pehondohwe nezvikotora.
18
Hazvikwane here kwamuri kuti mufure mumafuro akanaka zvamunobva matsokodzera zvenyu mafuro mamwe ose netsoka dzenyu? Hazvikwane here kwamuri kuti mumwe mvura yakachena, zvamunobva mabvongodza imwe yose namakumbo enyu?
19
Hwai dzangu dzinofanira kudya zvamunenge matsokodzera netsoka dzenyu nhai, dzichinwa mvura yamunenge mabvongodza henyu namakumbo enyu?
20
“Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari kwavari, chinzwai, ini iyeni ndichatonga pakati pehwai yakakora nehwai yakaonda.
21
Imi zvamunosairira norutivi nebendekete muchibaya ndonda dzose nenyanga dzenyu kusvikira dzachiti mwarara kunze,
22
ndichanunura danga rangu hadzizovizve nyama yamagora, ndichatonga pakati pehwai nehwai.
23
Ndichadziisira mufudzi mumwechete. Achadzifudza, iye muranda wangu Dhavhidhi. Iyeyo ndiye achava mufudzi wadzo.
24
Ini Tenzi ndini ndichava Mwari wavo, muranda wangu Dhavhidhi ariwo jinda pakati pavo. Ini Tenzi ndini ndazvireva.
25
Ndichaitirana navo chitenderano chorugare ndigobvisa munyika zvikara zvesango kuitira kuti dzigozogara hadzo murenje pasina chinodziwana dzichirara zvadzo mumasango.
26
“Ndichaita kuti idzo nenharaunda yapachikomo changu zvive chikomborero. Ndichatumira mvura inonaya nomwaka wayo. Mvura yacho inonaya ichava chikomborero.
27
Izvozvo miti yomusango ichabereka michero yayo, nyika ichaberekawo michero yayo, vachagara pasina chinovawana. Vachaziva zvavo kuti ndini Tenzi pandichatyora zvikei zvejoko ravo ndichivanunura mumaoko mavanhu vanovaita varanda.
28
Havachazovizve nyama yemagora kumarudzi avanhu kana kuparadzwa nemhuka dzomunyikamo. Vachagara havo pasina chinovawana pasinawo chinovatyisa.
29
Ndichavaita kuti vave nenzvimbo yokurima ine mukurumbira zvokuti havazombopararizve neshangwa yenzara munyika imomo kana kuzonyarazve nokusveeredzwa namarudzi.
30
Ndipo pavachaziva kuti ini Tenzi, Mwari wavo ndinavo uye kuti ivo vemba yaIsiraeri, vanhu vangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
31
Imimi ndimi hwai dzangu, hwai dzomumafuro angu. Iniwo ndini Mwari wenyu” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48