bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 33
Ezekiel 33
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 34 →
1
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
2
“Iwe mwanakomana womunhu, taurira vanhu vokwako uti kwavari, ‘Ini ndikauisa hondo yebakatwa munyika, ivo vanhu vakatora munhu pakati pavo vakamuita nharirire.
3
Kana iye akaona hondo yebakatwa ichiuya munyika, akaridza hwamanda achiyambira vanhu,
4
munhu anenge anzwa kurira kwehwamanda akarega kuzvichenjererawo zvake, hondo yebakatwa ikamutora, munhu iyeyo rufu rwake nderwokuzviparira.
5
Akanzwa kurira kwehwamanda asi haana kuzvichenjerera; rufu rwake nderwokuzviparira. Dai akazvichenjerera angadai akazviponesa upenyu.
6
Asi kana nharirire ikaona bakatwa richiuya, munhu iyeyo akarega kuridza hwamanda, zvokuti vanhu vanosara vasina kuyambirwa, hondo yebakatwa iya youya yotora mumwe wavo. Munhu iyeyo akatorwa muhuipi hwake; ini mhosva yake ndichaiisa panharirire iyoyo.’
7
“Saizvozvo iwe mwanakomana womunhu, ndakuita nharirire yemba yokwaIsiraeri. Ukangonzwa shoko pamuromo pangu unofanira kupa vanhu yambiro inobva kwandiri.
8
Kana ndikati kumutadzi iwe muipi uchafa chete, iwe worega kutaurira akaipa kuti apinduke pauipi hwake, muipi iyeyo achafa muuipi hwake asi mhosva yorufu rwake ndichaiisa pauri.
9
Asi ukayambira akaipa kuti apinduke pauipi hwake asi iye worega zvake kupinduka panzira yake, achafira muuipi hwake asi iwe unenge wazviponesa upenyu.
10
“Iwe mwanakomana womunhu taurira imba yokwaIsiraeri kuti, ‘Imi makati kukanganisa kwedu nezvitadzo zvedu zviri patiri, takagara nazvo. Torarama sei?’
11
Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, handifarire rufu rwomutadzi asi kuti mutadzi apinduke panzira yake ararame. Tendeukai, tendheukai panzira dzenyu dzakaipa, ko munodirei kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri.
12
Iwe mwanakomana womunhu, taurira vanhu vokwako kuti, ururami hwomunhu mururami haugoni kumuponesa kana akapara chitadzo. Kutadza kwomutadzi hakusiriko kunomuputsira pasi kana akapinduka kuuipi hwake. Mururami haagoni kurarama noururami hwake kana atadza.
13
Kunyange ndikati kumunhu wakarurama achararama, zvino iye wovimba noururami hwake wondotadza zvake, hapana zvakarurama zvaakaita zvinozomborangarirwa. Achafa muuipi hwaanenge aita.
14
Uyewo kunyange ndikati kumunhu akaipa unofanira kutofa asi iye opinduka kuchivi chake oita zviri pamutemo zvakarurama,
15
ngatitii muipi anodzorera rubatso, achidzorerawo zvaanenge apamba, achitevedzawo mutemo wehunhu asingaiti chitadzo anofanira kuti atorarama, haafaniri kufa.
16
Hapana chitadzo chake chicharangarirwa kana kuchipirwa mhosva. Anenge aita zviri pamutemo uye zvakarurama. Anofanira kurarama.
17
“Asi vanhu vokwako vanoti nzira dzaTenzi hadzina kururama, nzira dzavo dziri idzo dzisina kururama.
18
Kana mururami akapinduka paururami hwake oita zvakaipa, achafa pamusana paizvozvo.
19
Kana mutadzi akapindukawo pakuipa kwake, akaita zviri pamutemo nezvakarurama, anofanira kurarama pamusana paizvozvo.
20
Asi imi munoti, ‘Nzira dzaTenzi hadzina kururama.’ Imi imba yaIsiraeri, ini ndichatonga mumwe nomumwe wenyu maererano nezviito zvake.”
21
Mugore regumi nechipiiri rokunge vanhu taendeswa kuutapwa, mumwedzi wegumi pazuva rechishanu racho romwedzi, mumwe murume akanga apunyuka kuJerusaremu akauya kwandiri akati, “Guta rakurirwa.”
22
Simba roruoko rwaTenzi rakanga riri pandiri mauro acho munhu uya akatiza hondo asati asvika. Panguva yaakazosvika Mwari akanga atozarura muromo wangu mangwanani. Saizvozvo muromo wangu wakazaruka, ndakanga ndisisiri chimumu.
23
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
24
“Iwe Mwanakoamana womunhu, vagari venzvimbo idzi dzave matongo munyika yeIsiraeri vanoramba vachiti, ‘Abhurahamu aingova munhu mumwechete asi nyika iyi yaiva yake. Asi isu takatowanda, saka nyika yakapiwa kwatiri kuti ive yedu.’
25
Naizvozvo iti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari munodyaka imi nyama ineropa muchanamata zvifananidzo zvokunamata, muchiuraya vanhu, ndimi mungaite kuti nyika ive yenyu here?
26
Munovimbaka namapakatwa imi, muchiita zvinosemesa mumwe nomumwe wenyu achin'oresa mukadzi womumwe. Ndimi mungati nyika ive yenyu here?
27
Vataurire kuti zvanzi naTenzi Mwari, hezvino ndakadai, ivo vari mumatongo ivavo vachauraiwa nehondo yebakatwa. Vanenge vari musango ndichavapa kuzvikara vadyiwe nezvikara. Vanenge vari munhare kana mumapako vachafa nedenda.
28
Ndichaita kuti nyika ive renje risina chinhu, kuzvikudza kwavo nesimba zvipere. Makomo eIsiraeri achava renje zvokuti hapana anozopfuura nomo.
29
Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi, pandinenge ndaita kuti nyika iyoyi ive renje risina chinhu pamusana pezvose zvandisingadi zvavakaita.
30
“Asi kana zviri zvako, iwe mwanakomana womunhu, zvavanhu vanokunyeya pamadziro edzimba napamisuo yedzimba vachitaurirana mumwe nomumwe vachiti douya unzwe shoko riri kubva kuna Tenzi,
31
izvozvi vachauya kwauri sokuuya kunongoita vanhu, vogara mberi kwako savanhu vangu, vachiteerera zvauri kutaura asi havambozviita. Zviripo ndezvokuti vanoratidza rudo rukuru zvepamuromo chete asi mwoyo wavo uri pane zvavangawane chete.
32
Tarisa uone, iwe wakaita somunhu anoimba dzimbo dzorudo nezwi rakanakisa uchiridza chaunoridza. Nokuti vanonzwa zvaunotaura asi havazviiti.
33
Kana izvozvi zvaitika—kuitika zvichatoitika—ipapo ndipo pavachaziva kuti muporofita akanga ari pakati pavo.”
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48