bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 40
Ezekiel 40
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 41 →
1
Mugore ramakumi maviri nechishanu rokutapwa kwatakaitwa pakutangisa pegore, pazuva rechigumi romwedzi iwoyo, mugore regumi nechina mushure mokunge guta rakurirwa, pazuva rakarero chairo, simba roruoko rwaTenzi rakauya pandiri akandiendesa ikoko.
2
Akandiendesa muzviratidzo zvaMwari kunyika yeIsiraeri akandigarisa pasi pagomo refu refu paiva nechimwe chakavakwapo chinenge guta kumaodzanyemba kwacho.
3
Paakandisvitsa ipapo, onei, hoyo mumwe murume aitarisika sendarira aine tambo yerineni norutsanga rwokueresa mumaoko make izvozvo akanga amire pamusuo weSuo Guru.
4
Murume iyeyo akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu tarisa nameso ako unzwe nenzeve dzako uise pfungwa dzako dzose pane zvandichakuratidza nokuti chawaunzirwa kuno, kuitira kuti ndikuratidze izvozvo. Zvaunenge waona zvose zvitaurire kumba yaIsiraeri.”
5
Ndakaona kuti paiva nerusvingo rwakatenderedza nhandare yose yeTemberi. Rutsanga rwokueresa rwakanga rwuri muruoko rwomurume uya rwaiva namakiyubhiti marefu matanhatu. Kiyubhiti racho iroro rimwechete, kureba kwaro kwaiita makumi mashanu amasendimita nemasendimita maviri. Akabvawo aera kureba korusvingo kuenda mudenga kukaita mamita matatu uye ukobvu hwaro hukaita maimita matatu.
6
Ndokubva aenda pamusuo weSuo Guru rakatarisa kumabvazuva akakwira napamatanho epo akaera pamusuo weSuo Guru pakaita mamita matatu kudzika.
7
Uye dzimba dzomumativi macho imwe neimwe yakaita mamita matatu kumativi ose. Padzimba idzodzo, nzvimbo yaiva pakati pemba nemba yaiita mamita maviri ane hafu. Kumusuo kweSuo Guru pedyo nekamba kapaSuo Guru kwokupedzesera mukati kakaita mamita matatu.
8
Akazoera kamba kapaSuo Guru pakaita mamita mana kudzika.
9
Magwatidziro acho rimwe nerimwe raiita mita imwechete izvozvo kamba keSuo Guru kakanga kari mukati kwokupedzesera.
10
Paivawo nedzimba nhatu dzomumativi macho uku nouku kweSuo Guru rokumabvazuva. Pahutatu hwadzo kudaro dzakanga dzakaenzana uye magwatidziro acho uku nouku akanga akaenzana.
11
Akazoerawo urefu hwapamusuo weSuo Guru hukaita mamita matanhatu ane hafu upamhi hweSuo Guru huchiita mamita mashanu.
12
Paiva nechokudzivirira nacho mberi kwedzimba dzomumativi idzodzo divi rimwe nerimwe richiita hafu yemita. Dzimba idzi dzaiva namativi akaenzana dzichiita mamita matatu rutivi rwega rwega.
13
Misuo yadzo yaiva yakatarisana dziri pakanyatsotarisana neSuo Guru zvokuti paakaera pacho kubva kuseri kwemba imwe kusvika kuseri kweimwe, pakaita gumi ramamita rine mamita maviri ane hafu.
14
Akaerawo kamba kaya, kakaita gumi remamita kufara. Uye kutenderera kamba ikako kapaSuo Guru, maingova munhandare.
15
Kubvira pamberi peSuo Guru rokupinda naro kusvikira kwokupedzisira kwekamba komukati kepaSuo Guru pakaita makumi maviri amamita ana mamita mashanu.
16
Nechomukati meSuo Guru kutenderera maiva namahwindo nechomukatiwo mekamba kapaSuo Guru ipapo maiva namahwindo uye pamagwatidziro acho pakanga paine mifananidzo yemirara.
17
Akazondisvitsa munhandare yokunze, onei, imomo maiva nedzimba uye nekahuva kakanga kakatenderera nhandare iyoyo. Paiva namakumi matatu edzimba dzakanga dzakatarisana nekahuva ikako.
18
Zvino kahuva kacho kaitevedzana namativi emisuo mikuru kachitevedza kureba kwakaita misuo mikuru yacho. Ndokacho kaiva kahuva kapazasi.
19
Akazoera chinhambwe chinotangira nechomukati kumberi kweSuo Guru rezasi kusvikira kumberi kwenhandare yomukati pakaita makumi mashanu amamita.
20
Akanditungamirira nokuchamhembe ndakaona pane Suo Guru raiva rakatarisa kuchamhembe riri rokunhandare yokunze. Akariera urefu hwaro noupamhi hwaro.
21
Dzimba dzaro dzomumativi dzakanga dzakati uku nhatu uku nhatu uye magwatidziro acho nekamba karo zvakanga zvakaenzana sezvakanga zvakangoitawo Suo Guru rokutanga. Urefu hwaro hwaiita makumi maviri amamita ana mamita mashanu, kufara kwaro kuchiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu.
22
Mahwindo aro nekamba kapamusuo, nemirara iya yokuvezera yakanga yakaenzana neiya yokuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva. Raiva namatanho manomwe okukwira kwariri. Kamba karo kapamusuo kaive nechomukati.
23
Sezvakanga zvakangoitawo kumabvazuva, paiva pakatarisana neSuo Guru pakanga paine Suo Guru rokupinda munhandare yomukati. Iye ndokuera achibva pane rimwe Suo Guru kusvikira kune rimwe pakaita mamita makumi mashanu.
24
Akazonditungamirirawo nokumaodzanyemba, onei, kune Suo Guru. Akaera magwatidziro aro nekamba kepamusuo paro zvakanga zvakaenzana nezvemimwe misuo mikuru.
25
Maiva namahwindo kuritenderera mariri uye nomukamba karo kapamusuo samahwindo emimwe yacho. Urefu hwaro hwakaita makumi maviri amamita namamita mashanu, kufara kwaro kuchiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu.
26
Paivawo namatanho manomwe okukwira nawo kuSuo Guru racho. Kamba karo kapamusuo kainge kari nechomukati uye raiva nemifaninidzo yemirara pamagwatidziro paro rakati rumwe rutivi murara rumwewo murara.
27
Paivawo neSuo Guru kuchamhembe kwenhandare yomukati. Iye akaera kubvira paSuo Guru rimwe kusvikira kune rimwe akananga kumaodzanyemba pakaita makumi mashanu amamita.
28
Pedzezvo akandiunza munhandare yomukati tapinda neSuo Guru rokumaodzanyemba. Akabva aera Suo Guru rokumaodzanyemba, rakanga rakangoenzana nemimwe.
29
Dzimba dzaro dzomumativi namagwatidziro aro nakamba karo kapamusuo zvakanga zvakangoenzana nemimwe. Mariri makanga mune mahwindo kuritenderera uye nomukamba karo kepamusuo kuritenderera. Urefu hwaro hwakaita makumi maviri ana mamita mashanu, upamhi hwaro huchiita mamita gumi namaviri ane hafu.
30
Paivawo notumba twepamusuo kutenderera tuchiita mamita makumi maviri namashanu kureba uye upamhi huchiita mamita maviri ane hafu.
31
Kamba karo kapamusuo kakanga kakatarisana nenhandare yokunze, pamagwatidziro aro paine mifananidzo yemirara. Matanho aro okukwirisa kwariri akanga ari masere.
32
Akazoenda neni kunhandare yomukati kumabvazuva akaera Suo Guru iroro, rakanga rakangoenzanawo nemimwe.
33
Dzimba dzaro dzomumativi namagwatidziro aro nakamba karo kapamusuo zvakanga zvakangoenzana sezvimwe. Uye raiva namahwindo mariri kuritenderera nomukamba kacho kapamusuo. Urefu hwaro hwaiva makumi mashanu amamita noupamhi hwaro hwaiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu.
34
Kamba karo kapamusuo kakanga kakatarisana nenhandare yokunze. Raivawo nemifananidzo yemirara pamagwatidziro aro yakati mumwe uku mumwe uku. Matanho aro okukwirisa kwariri akanga ari masere.
35
Akandisvikisawo kuSuo Guru rokuchamhembe akariera. Rakanga rakaenzanawo nemimwe.
36
Dzimba dzaro dzomumativi namagwatidziro aro nakamba karo kapamusuo zvakanga zvakangoenzana. Uye raiva namahwindo mariri kuritendererera. Urefu hwaro hwaiva makumi maviri amamita ana mamita mashanu noupamhi hwaro hwaiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu.
37
Kamba karo kapamusuo kakanga kakatarisana nenhandare yokunze. Raivawo nemifananidzo yemirara pamagwatidziro aro yakati mumwe uku mumwe uku. Matanho aro okukwirisa kwariri akanga ari masere.
38
Paivawo nemba ine gonhi rayo mukamba karo kapamusoro kumagwatidziro eSuo Guru racho paigezerwa mupiro wokupisa.
39
Zvino mukamba kacho kapaSuo Guru paiva namateburu maviri kumativi ose ari maviri. Ndipo paiurayirwa mupiro wokupisa nomupirowo wokuripira zvitadzo uyewo mupiro wokuripa mhosva.
40
Nechokunze kwekamba ikako kepamusuo pokupinda napo kuSuo Guru rokuchamhembe, paivawo namateburu maviri. Kune rimwe divi rakamba ikako keSuo Guru pakanga pana mateburu maviri.
41
Kwaiva namateburu mana mukati macho namateburu manawo nechokunze kudivi rimwe reSuo Guru. Ose pamwechete aiva mateburu masere pakanga pachiurayirwa zvibayiro.
42
Paivawo namamwe mateburu mana amabwe akavezwa pokuitira mupiro wokupisa, imwe neimwe ichiita makumi mashanu amasendimita kureba iine pamusoro pakaenzana mativi mana ose, divi roga roga richiita makumi manomwe emasendimita ana masendimita mashanu. Ipapo ndipo pairongedzerwa midziyo yokuurayisa mipiro yokupisa uye nezvibayiro.
43
Paivawo nezvokupaikira zvakanga zvakaita sechanza kureba zvaiva zvakarovererwa zvakatenderedza zviri nechomukati.
44
Akazonditora kunze ondipinza munhandare yomukati, onei, pane dzimba mbiri munhandare yomukati imomo. Imwe yaiva kudivi rokuSuo Guru rokuchamhembe yakatarisa kumaodzanyemba imwewo yacho iri kudivi rokuSuo Guru rokumaodzanyemba yakatarisa kuchamhembe.
45
Iye akanditi, “Imba iyo yakatarisa kumaodzanyemba, ndeyavapristi vebasa rokuona nezveTemberi.
46
Imbawo iyo yakatarisa kuchamhembe, ndeyavapristi vebasa rokuona nezveatari, ivava ava ndovanakomana vokwaZadhoki, ndivo voga pakati pavanakomana vokwaRevhi vangaswedere kuna Tenzi kuzomushandira.”
47
Akaerawo nhandare ikaita mamita makumi mashanu kureba, upamhi huriwo makumi mashanu amamita, yakaenzana mativi ose ari mana. Atari yakanga imire pamberi peTemberi.
48
Pedzepo akandiunza kukamba kapamusuo peTemberi akabva aera magwatidziro akamba kepamusuo kacho. Kakaita mamita maviri ane hafu uku nouku. Kufara kweSuo Guru iroro kwaisvitsa mamita manomwe. Mumativi meSuo Guru masvingo akanga achiita mita imwechete nehafu uku nouku.
49
Urefu hwekamba kapamusuo ikako hwaiita gumi ramamita, kufara kwako kuchiita mamita matanhatu. Paiva namatanho gumi okukwirisa kwariri, paine misimboti pedyo namagwatidziro uku nouku.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48