bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 22
Ezekiel 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 23 →
1
Uyewo izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
2
“Iwe mwanakomana womunhu tonga guta iri guta remhosva yokudeura ropa, ritonge. Ritaurire zviito zvaro zvose zvinosemesa.
3
Unofanira kuti, zvanzi naTenzi Mwari, “Guta rokudeura ropa mukati maro nguva yako yazosvika; iyewe nyakugadzira zvifananidzo zvokunamata zvokuzvin'oresa!
4
Une mhosva iwe pamusana peropa rawakadeura ukan'oreswa nezvifananidzo zvokunamata zvawakaita. Ipapo wakaita kuti zuva rako risvike, nguva yako yamakore awakatarirwa yasvika. Naizvozvo ndakuita kuti uve chiseko zvacho kumarudzi nechinhu chinoshoreka munyika dzose zvadzo.
5
Vepedyo nevokure newe vachakunyomba, iwe nhunzvatunzva izere mheremhere.
6
“Tarisa uone, machinda eIsiraeri, mumwe nomumwe sokugona kwake, anokarira kudeura ropa.
7
Vanhu vava kuzvidza baba naamai mauri iwe guta, vava kutorera mari vaenzi nenzira dzokusevenzesa chisimba mukati mako. Vanhu vava kuitira zvakaipa nherera nechirikadzi mauri iwe.
8
Munozvidza zvinhu zvangu zvinoera muchin'oresa mazuva angu eSabata.
9
Mauri iwe, vanhu vari kudeura ropa namakuhwa avo, uye vanhu vari mauri iwe vanodyira mumakomo vava kuita zvinhu zvisina hunhu mukati mako.
10
Mauri iwe vanasikana vari kufeva namadzibaba avo. Mauri iyewe varume vari kumanikidza kugara navakadzi vari panguva yavo yokutevera.
11
Mumwe anoita zvinhu zvinosemesa nomudzimai womumwe, mumwewo achiita upombwe hunotonyadzisa nomuroora wake. Mumwezve murume mauri iwe anotadza nehanzvadzi yake, mwana wababa vake chaiye.
12
Mauri vanhu vanogamuchira chiokomuhomwe chokuti vadeure ropa. Munokweretesa mari nechimbadzo muchitarisira kuti idzoke yabereka muchizviwanira zvinhu nokutorera vamwe nenzira dzokushandisa chisimba mukandikanganwa.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
13
“Chinzwa, naizvozvo ini ndinorova pasi nechibhakera changu ndichikomekedza nezvokuwana zvinhu nokubiridzira kwamunoita uye ndichikomekedza nezveropa rinodeurwa pakati pako.
14
Naicho chivindi chako ichochi ungapamire here, kana kutokwinyirirawo kwazvo namaoko ako iwe mumazuva andinenge ndanangana newe? Ini Tenzi ndini ndataura uye ndichazviita.
15
Ndichakutii mwarara mukati memarudzi ndichiita kuti mupararire nedzinyika. Ndicharoromesa zvakaora mauri.
16
Muchava vanhu vakan'ora mukuona kwamarudzi. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.”
17
Shoko raTenzi rakauyazve kwandiri rikati,
18
“Iwe mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri yangova marara zvawo outare kwandiri. Vose zvavo, vaita sesirivha nendarira noutare hwerata nesimbi nomutobvu zviri muvirira romoto vangova marara hawo outare.
19
Ndokusaka zvanzi naTenzi Mwari, mose zvenyu zvamava marara zvawo outare kudai naizvozvo, chinzwai, ndichakuunganidzai pakati peJerusaremu.
20
Sokuunganidza kunoitwa sirivha nendarira nesimbi nomutobvu noutare hwerata muvirira romoto zvigovhutirwa moto kuitira kuti zvinyongodeke, ndokuunganidza kwandichakuitai ndakashatirwa ndakatsamwa ndichakurongererai imomo ndikunyongodesei.
21
Ndichakuunganidzai ndigokuvhutirai nemoto chaiwo wehasha dzangu. Muchanyongodeka mukati mawo.
22
Sokunyongodeka kunoita sirivha muvirira ndiko kunyongodeka kwamuchaita mukati mawo. Ndipo pamuchaziva kuti ini Tenzi ndini ndakuvirukirai nehasha.”
23
Izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,
24
“Iwe mwanakomana womunhu iti kunyika iyi uri nyika isina kuchenurwa, isina kuniwa nemvura pazuva rehasha.
25
Machinda, mukati mayo vakaita seshumba dziri kuwomba dzichibvambura-bvambura nyama. Vakapfuudza upenyu hwavanhu. Vakapamba upfumi nezvinhu zvakakosha. Vakaita kuti vazhinji vave chirikadzi mukati mayo.
26
Vapristi vayo vakatyoranisa mutemo wangu, vakan'oresa zvinhu zvangu zvinoera; havana kusiyanisa chinhu chinoera nechinhuwo zvacho. Havanawo kudzidzisa kusiyana kwezvan'ora nezvisina. Masabata angu havana kuaitira hanya zvokuti ndava chinhu chakan'ora pakati pavo.
27
Machinda, mukati mavo, vava mhumi zvadzo dzinobvambura-bvambura nyama nokudeura ropa vachiparadza upenyu vachizviwanira zvinhu nenzira dzisina kutendeka.
28
Uye vaporofita vayo vanodzurura nesuko vachiona zviratidzo zvenhema vachishopera chiporofita chamanyepo vachiti zvanzi naTenzi Mwari; iye Tenzi asina chaataura.
29
Vanhu venyika iyoyi vanotorera vanhu zvinhu nechisimba uye vanopamba. Vanoonesa nhamo varombo navasina chavanacho; vanoitira zvakaipa mueni zvisina ruenzaniso.
30
Zvino ndakatsvaga pakati pavo munhu angavake rusvingo, anomira pakakoromoka pamberi pangu, akamiririra nyika kuitira kuti ndirege kuiparadza. Asi hapana wandakawana.
31
Ipapo ndakavavirukira nehasha ndikavaroromesa nomoto wehasha dzangu. Maitiro avo ndakati avapfukire.” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48