bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 17
Ezekiel 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 18 →
1
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
2
“Iwe mwanakomana womunhu, rondedzera dimikira, utaure nomuenzaniso kuimba yeIsiraeri.
3
Iti zvanzi naTenzi Mwari, “Rimwe gondo guru rina mapapiro makuru rine minhenga mirefu yakawanda ina mavara-mavara rakaenda kuRebhanoni rikatanha musoro womuti womusidhari.
4
Rakatanha kapazi kapamusoro-soro chaipo rikakatakura kunyika yevemhindu dzokutengeserana. Rakanokaisa muguta ravashambadzi.
5
Gondo rakatorawo mhodzi yomunyikamo rikaidyara muvhu rakaorera, rakaidyara munyasi memvura zhinji sekusimwa kunoitwa kapazi komuti womusambangwena.
6
Mhodzi iya yakabuda ikava mugirepisi unoti unotanda napasi. Mapazi awo akakwira mudenga; akakura akananga kugondo riya. Midzi yawo yakadzika pasi. Saizvozvo wakava mugirepisi wakaita mapazi ukaita pfumvudza.
7
Asi pakanga paine rimwezve gondo guru rina mamapiro makuru rine minhenga yakawanda. Zvino mugirepisi uya wakanangisa midzi yawo kwariri mugirepisi wakarerekera mapazi awo kwariri kuti gondo riudiridze. Gondo iri rakautora ipapo
8
rikandousima pavhu rakanaka pane mvura yakawanda kuti uite mapazi akawanda ubereke muchero, uvewo mugirepisi wakanakisisa.
9
“Taura uti zvanzi naTenzi Mwari, ‘Ucharara here? Gondo irori haiudzuri here richiutyora mapazi awo. Zvokuti pfumvudza dzawo dzinouna. Haumboda ruoko rwakasimba kana kuti vanhu vakawanda vokuudzura nemidzi.’
10
Nhaimi, kana ukabviswa ipapa ukasimwa pamwe unorarama here? Haubva wanyatsouna here? Kana mhepo yokumabvazuva ikauvhuvhuta uchibva wauna panzvimbo ipapo pawasimwa.”
11
Izwi raTenzi rakazouya kwandiri richiti,
12
“Taurira imba yakapanduka iyi kuti, ‘Hamuzivi here zvinoreva zvinhu izvozvi? Vataurire kuti Mambo weBhabhironi akauya kuJerusaremu akatora mambo waro namachinda aro akaenda navo kuBhabhironi.’
13
Akatora mumwe wokumba huru semhodzi akaita chitenderano naye achimuita kuti apike nemhiko. Vakuru-vakuru vaakanga atora,
14
akavatorera kuti nyika iyo ininipiswe irege kusimudza musoro. Uye kuti nokuchengeta kwainenge yaita chitenderano chake naye ikwanise kuramba imire.
15
Asi akamupandukira nokutumira kwakaita nhume dzake kuIjipiti kuti imupe mabhiza nehondo huru. Achabudirira here? Munhu anoita zvakadai angapunyuke here? Anogona kutyora chitsidzirano achizopunyuka here?
16
“Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, munhu uyu akarega kufira mukati imomo meBhabhironi, munzvimbo yacho yamambo akamugadza umambo ane chitsidzirano chaakashora uye ane chitenderano naye chaakatyora handisirini.
17
Farao nehondo yake huru navanhu vazhinji haangagoni kumubatsira muhondo paye panenge paitwa mudhuri vatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza kuita chokupindamo nacho kuti vauraye vanhu vazhinji,
18
nokuti akazvidza mhiko akatyora chitenderano, asi akatosimudza ruoko kupika, pedzepo woita zvose izvi, haambopunyuki.”
19
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Hezvino ndakadai, ndikarega ini kuti chitsidzirano changu chaakashora, nechitenderano changu naye chaakatyora zvimupfukire, handisirini.
20
Ndichamukanda mambure angu omuti mbunde-mbunde kumubata ndigoenda naye kuBhabhironi ndigomupinza dare ikoko nemhosva yokusatendeseka kwake kwandiri.
21
Nyanzvi chaidzo dzevarwi vake vehondo vachafa nebakatwa; vanenge vapunyuka vachiti mwarara kumativi ose. Iwe uchabva waziva kuti ndini Tenzi ndazvitaura.”
22
Zvanzi naTenzi Mwari, “Iyeni pachangu ndichatanhawo pabazi rapamusorosoro chaipo pomuti murefu womusidhari bukira. Ndichatanha richiri idzva-idzva rapamusoro-soro penzvanzvana dzamapazi awo iyeni pachangu ndichirisima pamusoro pegomo rakakwirira refu-refu.
23
Ndicharisima pakakwirira mugomo reIsiraeri kuti uve nemapazi ubereke muchero uve musidhari wakanakisisa. Pasi pawo pachizogara mhuka dzamarudzi namarudzi, mumumvuri mawo shiri dzemhando nemhando dzichizoita matendere adzo.
24
Miti yose yesango ichaziva kuti ini Tenzi ndinopfupikisa muti murefu ndichirebesa muti mupfupi. Ndinoomesa muti munyoro ndichipfumvudzisa muti wakaoma. Ndini Tenzi ndazvitaura uye ndichazviita.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48