bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 7
Ezekiel 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 8 →
1
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
2
“Iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari kunyika yeIsiraeri, hokuno kuguma. Kuguma kwagogodzera kumativi mana enyika.
3
“Isiraeri zvino pako pakuperera, ndava kuzokuratidza kuti ndakakushatirirwa ndichakutonga maererano namaitiro ako, ndichikurangira zvinhu zvako zvose zvinosemesa.
4
Handichakuitira tsiye nyoro kana kukuitira tsitsi asi ndichakurangira nzira dzako zvinosemesa zviri pakati pako. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi.”
5
Zvanzi naTenzi Mwari, “Nhamo dzichavirikana. Heyo nhamo youya!
6
Kuparara kwauya, kwauya kuparara kwakumukirai!
7
Hoko kwauya! Mugumo wako wasvika iwe mugari wenyika ino, nguva yasvika, zuva raswedera, zuva rebongozozo kwete romupururu wokufara mumakomo.
8
Iye zvino ndava kukuvirukira nehasha ndipedzere hasha dzangu pauri ndichikutonga maererano namaitiro ako ndichikurangira zvinhu zvako zvose zvinosemesa.
9
Handichakuitira tsiye nyoro kana kukuitira tsitsi asi ndichakurangira nzira dzako idzodzo nezvinosemesa zviri pakati pako. Ipapo ndipo pauchazoziva kuti ini ndini Tenzi anorova.”
10
Hero zuva riya, hero rouya! Kuparara kwako kwasvika! Kushaya ruenzaniso kwapfumvudza, kuzvikudza kwatumbuka.
11
Utsinye hwakura kutoitawo kamuitiro chaiko kouipi. Hakuna nomumwe wavo achasara kana zvinhu zvavo zvakawanda kunyange upfumi hwavo kana kuzovawo nembiri pakati pavo.
12
Nguva iya yauya, zuva riya raswedera. Mutengi ngaarege hake kupembera kufara kunyange iye mutengesiwo kuchema nhamo nokuti hasha dzavirukira gungano ravo rose.
13
Chiripo ndechokuti mutengesi haasi kuzodzokera kune zvaakatengesa zviya vachiri vapenyu nokuti hasha dzawira gungano ravo rose hadzisi kudzokera shure uye pamusana pouipi hwake, munhu haakwanise kuzviponesa upenyu hwake.
14
Varidza bhosvo vakaita kuti vose vagadzirire. Asi hapana ari kusumuka kuenda kuhondo nokuti hasha dzangu dzavirukira gungano ravo rose.
15
Kunze uku kune bakatwa, mukati mune denda neshangwa yenzara. Vari musango vari kupera nebakatwa, vari mukati meguta vari kupera kufa neshangwa yenzara nedenda.
16
Kana vamwe vakapunyuka, vachava mumakomo senjiva dzomumakan'a, vose zvavo vachichema nhamo; munhu wese achichema uipi hwake.
17
Vose varukutika maoko, vose zvino mabvi yava mvura zvayo kurukutika.
18
Vava kupfeka masaga; kutya kwavabata. Vose uso, dzangova nyadzi dzoga, misoro yose, yangova miparavara.
19
Sirivha yavo vavakutoirasa mumigwagwa, ndarama yavo yaita sechinhu chakan'ora. Sirivha yavo nendarama hazvigoni kuvanunura pazuva rehasha dzaTenzi. Hazvigoni kupedza nzara yavo kana kuzadza matumbu avo nokuti ndozvakanga zviri chibingamupinyi nehonzeri youipi hwavo.
20
Zvishongo zvayo zvinoyevedza, vaizvishandisira mbiri isina maturo vachigadzira zvifananidzo zvavo zvokunamata zvsingadiwi naMwari nezvinhu zvavo zvinosemesa. Naizvozvo iniwo ndaita kuti zvinhu zvavo izvozvo zvive zvinhu zvakan'ora kwavari.
21
“Ndichaisa zvinhu izvozvo mumaoko mevechirudzi senyama yamagora uye kunavaipi vapanyika sechinhu chokupamba vagochin'oresa.
22
Ndichavafuratira kuitira kuti vanhu vagon'oresa nzvimbo yangu yakakosha. Makororo achapindamo vagoin'oresa
23
vagoita nyonganyonga. “Pamusana pokuti nyika yazara nemhosva dzokudeura ropa, gutawo rizere noutsinye.
24
Ndichaunza rudzi rwakaipisisa kuzovatorera dzimba dzavo. Zvokuzvikudza kwavo ndichazvipedza, nzvimbo dzavo dzinoera dzichin'oreswa.
25
Kudandaura nenhamo pakuchauya vachatsvaga rugare asi pachange pasina.
26
Nhamo dzichaita mututemutute, marehwarehwa asingaperi. Vachatsvagira chiporofita kumuporofita pasina; kumupristi zvomutemo zvinenge zvaparara, kuvakuru vakuru mazano kunenge kusisina.
27
Mambo achachema nhamo, jinda rozanga kuora mwoyo uye vanhu munyika varukutiswa maoko nokutya. Ndichavaitira zvinofambirana nokuita kwavo uye ndichavatonga nekatongero kavo. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48