bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 44
Ezekiel 44
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 45 →
1
Akazondidzosera kuSuo Guru rokunze kweNzvimbo Inoera rakatarisa kumabvazuva rakanga rakapfigwa.
2
Tenzi akati kwandiri, “Suo Guru iri richaramba rakapfigwa. Harifaniri kumbozarurwa. Hapana anofanira kumbopinda nepo nokuti Tenzi, Mwari weIsiraeri ndipo paapinda napo. Naizvozvo rinofanira kugara rakapfigwa.
3
Jinda chete, ndiro ringagarepo zvaro richidya chingwa pana Tenzi. Richapinda nenzira yokukamba kapamusuo kapaSuo Guru rigobuda nenzira imwecheteyo.”
4
Akandiunza nenzira yokuSuo Guru rokuchamhembe kumberi kweTemberi. Ini ndikatarisa ndikaona kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazara muTemberi yaTenzi ndikawira pasi nouso.
5
Tenzi ndokubva ati kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu pfundira mumwoyo mako ucherechedze nemeso ako unzwe nenzeve dzako zvose zvandichakutaurira zvinonangana nemirao yose yeTemberi yaTenzi nemirao yayo yose, uzvichengetedze mumwoyo mako kuti ndavanani vanobvumirwa kupinda pamusuo weTemberi uye kuti ndavanaani vasingabvumirwi muNzvimbo Inoera.
6
Uti kuvapanduki, imba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari imi vemba yaIsiraeri zvose zvounyangadzi hwenyu hwakan'ora ngazvipere,
7
zvokubvumira vatorwa, vanhu vane mwoyo nomuviri isina kudzingiswa kuti vave muNzvimbo yangu Inoera vachiin'oresa pamunopira kwandiri zvokudya zvangu namafuta neropa. Makatyora chitenderano changu pamusoro pezvounyangadzi hwenyu.
8
Panze pokuti imi muite basa rokuchengeta munzvimbo yangu inoera makatoisa imi vatorwa kuti ivo ndivo vave nebasa rokuchengetedza muNzvimbo yangu Inoera.
9
“Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari hapana mutorwa asina kudzingiswa mumwoyo kana pamuviri wake, pavatorwa vose zvavo vari pakati pavaIsiraeri anobvumirwa kupinda muNzvimbo yangu Inoera.
10
“Asi vaRevhi vakaenda kure neni, vachirasika kwandiri, vachitevera zvifananidzo zvavo zvokunamata paye pakaenda Isiraeri mutome vachawanawo mubayiro wokurangwa.
11
Kushanda muNzvimbo Inoera vachashandawo zvavo, vachitarirawo zvapamisuo mikuru yapaTemberi; vachishandawo muTemberi, vachibayawo chibayiro chomupiro wokupisa, nechibayiro chavanhu. Vachaita mabasa vachibatsira vanhu.
12
Pamusana pokuti vakavaitira mabasa pamberi pezvifananidzo zvavo zvokunamata vakave chipingamupinyi chokuipa kuimba yaIsiraeri saka ndakapika kuti vachawana mubayiro wavo wokurangwa. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
13
Havafaniri kusvika pedyo neni vachindiitira basa roupristi kana kusvika pane zvinhu zvangu zvose zvinoera, kana pedyo nezvinhu zvinoeresesa asi kutoti vanofanira kunyara nazvo pamusana pounyangadzi hwavo hwakan'ora.
14
Kunyange zvakadaro zvavo ndichavasarudza kuti vaite basa rokuchengetedza muTemberi, kuita mabasa omo anofanira kuitwa imomo.
15
“Asi vapristi vechiRevhi, vanakomana vokwaZadhoki vanoita basa rokuchengetedza Nzvimbo yangu Inoera pakatetereka vanhu veIsiraeri mutome vachibva kwandiri, ndivo vachauya kwandiri vachindishandira. Ndivo vachandiitira basa rokupira kwandiri mafuta neropa. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
16
Ivava ndivo vachapinda muNzvimbo yangu Inoera, uye ndivo vachasvika paAtari yangu kuzondishandira. Ndivo vachandiitira basa rokuchengetedza zvinhu.
17
Pavanopinda paSuo Guru renhandare yomukati, vanofanira kupfeka hanzu dzerineni. Havafaniri kuva nechii zvacho chewuru pavari pavanenge vachiita basa kumisuo mikuru yomunhandare yomukati nomuTemberi.
18
Vanofanira kupfeka nguwani dzerineni mumusoro mavo, muchiuno mavo vakasungira mabhurukwa erineni. Havafaniri kupfeka chose chose chinokonzera dikita.
19
Uye pavanobuda kunhandare yokunze kuvanhu, vanofanira kubvisa magemenzi avanga vachishanda vakapfeka voarongedza mudzimba dzinoera vopfeka mamwe magemenzi nokuti vangadaro vakaitisa vanhu zvinhu zvino muko namagemenzi avo iwayo.
20
Havafaniri kuveura musoro wavo kana kurega vhudzi ravo richireba. Chavo chete kugerwa vachichekererwa vhudzi ravo.
21
Hapana mupristi anofanira kunwa waini paanopinda munhandare yomukati.
22
Havafaniri kuroora chirikadzi kana mukadzi akarambwa, asi mhandara chete yorudzi rwemba yaIsiraeri kana chirikadzi yomupristi.
23
Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu mutsauko wezvinoera nezvisingaeri vachivaratidza kusiyanisa zvakan'ora nezvisina kun'ora.
24
Panenge paita gakava, ivava ndivo vachava vatongi vacho vachitonga maererano nemirawo yangu. Vanofanira kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu pamazuva angu makuru akatarwa uye vanofanira kueresa maSabata angu.
25
Havafaniri kuzvin'oresa nokuenda pedyo nechitunha chomunhu kusiya chete nechitunha chababa kana chaamai kana chomwanakomana kana chomwanasikana kunyange chomukoma kana munun'una kana chehanzvadzisikana isina kuroorwa vanogona zvavo kuzvin'oresa.
26
Asi kana azvichenura ngavamuverengere mazuva manomwe.
27
Pazuva raanosipinda muNzvimbo Inoera, munhandare yomukati kundoshanda muNzvimbo Inoera, anofanira kupira mupiro wake wokupirira zvitadzo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
28
“Havafaniri kuva nenhaka, ini ndini nhaka yavo. Saka usavape nyika muIsiraeri, ini ndini nyika yavo.
29
Vanofanira kudya mupiro wembesanwa nomupiro wokupirira zvitadzo nomupiro wokuripira mhosva nechose zvacho chinenge chateketererwa kuna Mwari muIsiraeri, chichava chavo.
30
Michero yose yokutanga yemhando dzose zvadzo nomupiro wose wemhando dzose pazvinhu zvose zvamunopira zvichava zvavapristi. Munofanirawo kupa kumupristi upfu hwakamanzika kuitira kuti imba yako iwane chikomborero.
31
Vapristi havafaniri kudya chinhu chipi nechipi chakafa choga, ingava shiri kana mhuka yafa yoga kana yabvamburwa-bvamburwa.”
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 45 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48