bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 18
Ezekiel 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 19 →
1
Shoko raTenzi rakauya kwandirizve richiti,
2
“Zvinoreveiko kuramba muchingodzokorora tsumo iyi panyika yeIsiraeri yokuti, “Vabereki vakadya magirepisi anovava vana ndivo vakaita ugugu.
3
“Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, zvetsumo iyoyi haichazomboshandiswa nemi muIsiraeri.
4
Chinzwai, munhu ari wose zvake ndowangu. Munhu angave baba kana mwana ndowangu. Munhu anenge apara chitadzo ndiye achafa.
5
“Kana munhu akarurama achiita zvakarurama nezviri pamwero,
6
asingandodyira pamakomo kana kutarisa zvifananidzo zvokunamata zvemba yaIsiraeri, asingatadze nomudzimai womumwe, kana kugara nomukadzi panguva yake yokutevera,
7
asingadzvinyiriri mumwe anodzorera zvikwereti kwaakwereta, asingapambi munhu uye anopa chokudya kune ane nzara, anopfekedza vasina chokupfeka,
8
anokweretesa asingati mari yake inofanira kudzoka yabereka imwe mari asingabati zvinhu zvakaipa, anoitira munhu nomunhu zvino ruenzaniso
9
anotevera mitemo yangu achinyatsochengeta mirawo yangu, mururami. Anofanira kurarama, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
10
“Asi akabereka mwana mukomana, gororo, muurayi,
11
anoita zvinhu zvakaita sezvizvi zvokuti anodyira pamakomo, anotadza nomudzimai womumwe,
12
anodzvinyirira varombo navari muushai, anopamba asingadzoreri zvikwereti, anotarisa zvifananidzo zvokunamata anoita zvinosemesa
13
anokweretesa achiti mari yake idzoke yabereka imwe mari, achiita chimbadzo; munhu akadaro anofanira kurarama here? Haafaniri kurarama. Akaita zvinhu zvose izvi zvinosemesa, anofanira kutoti afe, uye kuve nezvinomupfukira.
14
“Ngatitii anoita mwana mukomana anoona zvose zvakaipa zvinoitwa nababa vake otya orega kuzvitevedzera,
15
oita munhu asingadyiri pamakomo kana kutarisa zvifananidzo zvokunamata zvemba yaIsiraeri, asingatadzi nomudzimai womumwe,
16
asingatadziri mumwe, asinganetsi nechikwereti, kupamba asingapambi, asi achipa vane nzara vasina chokupfeka achivapfekedza,
17
asingabati zvinhu zvouipi asingati chikwereti chake ngachibereke kana kuita chimbadzo, ari anochengeta zvirongwa zvangu achifamba mumirao yangu haafaniri kufira uipi hwababa vake. Anofanira kurarama.
18
Asi baba vake, pamusana pokuti vaiita zvechisimba vachipamba vanhu zvinhu, vachiita zvisina kunaka pakati pevanhu vokwake, achafa pamusana peuipi hwake.
19
“Asi imi mungati, ko mwana wake anoregerei kutambudzika pamusana pouipi hwababa vake? Apa mwana akaita zviri pamutemo uye zvakarurama akanyatsochengeta mirao yangu yose anofanira kuti ararame.
20
Munhu anoita chitadzo ndiye anofanira kuti afe. Mwana haafaniri kutambudzika nokuda kwohwutadza hwababa vake kana babawo kutambudzika nokuta kweuipi hwemwana wake. Mururami achawana mubayiro woururami, muipi achiwanawo mubayiro wouipi.
21
“Asi kana munhu akaipa akasiyana nezvitadzo zvake zvose zvaakapara oita zviri pamutemo zvakarurama, anofanira kurarama, haafe.
22
Hakuna kana chimwechete chaakakanganisa chinozorangarirwa. Pamusana pezvakarurama zvaanenge aita izvozvo, anofanira kurarama.
23
Ndinofarira rufu rwomuipi here?” Ndizvo zviri kubvunza Tenzi Mwari, “Ndisingatofarira kuti atendeuke kunzira dzake agorarama?
24
“Asi kana mururami akasiyana noururami hwake oita zvakaipa achiita zvinhu zvinosemesa zvimwechetezvo zvinoitwa nowakaipa, angararame here ipapo? Hakuna kana nechimwe chezvakarurama zvaakamboita chinozomborangarirwa. Pamusana pemhosva yaanayo younyengedzi uye nechitadzo chaakapara, anofanira kufa.
25
“Imi ndipo pamuri kuti maitiro aTenzi haana ruenzaniso. Chinzwai zvino, imi imba yaIsiraeri! Maitiro angu haana ruenzaniso nhai? Handiti kuita kwenyu ndiko kusina ruenzaniso?
26
Mururami kana akasiyana noururami hwake oita zvakaipa anofa nokuda kwaizvozvo. Uipi hwaanenge aita ndihwo hunoita kuti afe.
27
“Uye kana akaipa, akasiyana nouipi hwaakaita oita zviri pamutemo, zvakarurama achazviponesa upenyu hwake
28
nokuti anenge afunga akabva asiyana nezvikanganiso zvose zvaakakanga aita anofanira kutorarama, haafi.
29
Asi imba yaIsiraeri ndipo pamuri kuti maitiro aTenzi haana ruenzaniso. Nhaimi vemba yaIsiraeri, maitiro angu haana ruenzaniso here? Handiti kuita kwenyu imi ndiko kusina ruenzaniso?
30
“Naizvozvo ndichakutongai mumwe nomumwe maererano namaitiro ake, imi vemba yaIsiraeri, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Tendeukai musiyane nezvikanganiso zvenyu zvose uipi hungadaro hukakuparadzai.
31
Kandai pasi zvikanganiso zvenyu zvose zvamakapara kwandiri muwane mwoyo mutsva nomweya mutsva. Madireiko kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri?
32
Chikonzero ndechokuti handifariri kuti ani naani zvake afe.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Saka pindukai murarame.”
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48