bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 20
Ezekiel 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 21 →
1
Mugore rechinomwe mumwedzi wechishanu pamusi wechigumi wemwedzi iwoyo, vamwe vakuru vakuru veIsiraeri vakauya kuzoda kunzwa kuti Tenzi anoti kudii. Vakasvikogara mberi kwangu.
2
Ipapo izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,
3
“Iwe mwanakomana womunhu taurira vakuru vakuru veIsiraeri ava uvaudze kuti, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chamavinga pano apa kuda here kuzonzwa kuti ndinoti kudii?’ Zvino hezvinoi ndakadai, ndizvo zviri kureva Tenzi, zvokuti imi muuye kuzonzwa kuti ini ndinoti kudii handizvidi.
4
Iwe mwanakomana womunhu wotovatongaka! Vatonge vazivise unyangadzi hwakan'ora hwamadzibaba avo uchivaudza kuti,
5
Zvanzi naTenzi Mwari, pazuva randakasarudza Isiraeri, ndakatsidza nemhiko kumbeu yemba yaJakobho ndichizvizivisa kwavari munyika yeIjipiti. Ndakatsidza nemhiko kwavari ndichiti ndini Tenzi, Mwari wenyu.
6
Pazuva iroro ndakatsidza kwavari nemhiko kuti ndichavaburitsa munyika yeIjipiti ndichivaendesa kunyika yandakavatsvakira, nyika youchi nomukaka, nyika yakakurumbira kwazvo kupinda nyika dzose zvadzo.
7
Izvozvo ndakavati kandai pasi zvinhu zvounyangadzi hwakan'ora zvamunofarira kuona nameso enyu ani naani zvake wenyu murege kuzvin'oresa nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti, ini ndini Tenzi, Mwari wenyu.
8
Asi vakandipandukira vakarega kunditeerera. Mumwe nomumwe wavo haana kukanda pasi zvinhu zvinosemesa zvavaifarira kuona nameso avo kana kusiyana nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti. Ipapo ndakafunga zvokuvavirukira nehasha, ndipedzere hasha dzangu pavari mukati menyika yeIjipiti.
9
Asi ndakaitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi mavakanga vagere nokuti ndakanga ndazvionesa kwavari ndichivazivisa kuti ndichazoburitsa vaIsiraeri munyika yeIjipiti.
10
Ipapo ndakavaburitsa munyika yeIjipiti ndikavaunza murenje.
11
Ndakavapa mirao yangu ndikavarayiridza mitemo yangu yokuti munhu anenge aichengeta ararame nayo.
12
Ndakavapawo mazuva angu eSabata sechiratidzo pakati pangu navo kuti vazive kuti ini Tenzi, ndini ndinovaita kuti vave vatsvene.
13
Asi imba yaIsiraeri yakandipandukira murenje. Havana kutevedza mirao yangu asi vakaramba mitemo yangu yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Masabata angu vakan'oresa zvikuru. Ndipo pandakafunga zvokuti ndipedzere hasha dzangu pavari murenjemo kuti ndibva ndanyatsovatsakatisa.
14
Asi ndakaitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi vakanga vaona nameso avo ndichivaburitsa.
15
Uyewo ndakapika kwavari murenje nemhiko kuti handisi kuvasvitsa kunyika yandakanga ndavapa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi nyika yakakurumbira kwazvo kupinda nyika dzose
16
nokuti vakaramba zvirongwa zvangu vakarega kutevedza zvirevo zvangu vakan'oresa masabata angu nokuti vakanga vatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata.
17
“Zvakadaro zvazvo ndakavaitira tsiye nyoro ndikarega kuvaparadza kana kubva ndanyatsovatsakatisa murenjemo.
18
Ndakatiwo kuvana vavo murenje, musatevedze mirao yamadzibaba enyu kana kuteerera mitemo yavo kunyange kuzvin'oresa nezvifananidzo zvavo zvokunamata.
19
Ini Tenzi, ndini Mwari wenyu, tevedzai mirao yangu muchenjerere kuteerera mitemo yangu
20
muerese masabata angu kuitira kuti uve somucherechedzo pakati pangu nemi mugoziva kuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu.
21
“Asi vana vavo vakandipandukira vakarega kutevedza mirao yangu uye havana kuitira mitemo yangu hanya yokuichengeta yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Vakan'oresa masabata angu. Ndipo pandakafunga kuti ndivavirukire nehasha ndipedzere hasha dzangu pavari murenje imomo.
22
Asi ndakadzora ruoko rwangu, ndichiitira kuti zita rangu rirege kun'oreswa mumaziso avanhu vechirudzi.
23
Uyezve ndakavapikira murenje kuti ndichavaparadzira mukati memarudzi ndichivaendesa kudzinyika
24
nokuti havana kuchengeta mitemo yangu asi kuti vakaramba mirao yangu vakan'oresa masabata angu izvozvo meso avo akanga angova pazvifananidzo zvokunamata zvamadzibaba avo.
25
Uyewo ndakavapa mirao yakanga isina kunaka nemitemo yaiita kuti vatadze kuwana upenyu.
26
Ndakavan'oresawo nezvipo zvavo izvozvo ndichiita kuti vapire nomoto somupiro matangwe avo ose echikomana kuitira kuti vadumbirwe nazvo. Ndakazviita kuti vazive kuti ini ndini Tenzi.
27
“Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu taurira imba yaIsiraeri uchivaudza kuti, zvanzi naTenzi Mwari hechinoi chimwezve chakaitwa namadzibaba enyu chokundishonha nokusatendeka kwandiri.
28
Ndinodaro nokuti pandakavaunza munyika yandakatsidza kuzovapa vaiti vakangoona chikomo chirefu kana muti wakasvibira, ipapo vaibva vatopira zvibayiro zvavo vachipa mipiro yavo inotsamwisa vachipwitititsirapo zvavo zvinonhuwirira uye vachiteurira ipapo mipiro yavo yokuteura.
29
(Ndakavati ndiko kui kunzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira kwamunoenda? Sakawo zita rapo rakanzi ‘Pakatunhumara.’ Kusvikira pari nhasi.)
30
Nezvo chiti kumba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari munodirei kuzvin'oresa sezvakaita madzibaba enyu muchiteterekera mutome kutevera unyangadzi hwavo hwakan'ora?
31
Pamunopira zvipo zvenyu nokubayira vanakomana venyu sechibayiro pamoto muchizvin'oresa nezvifananidzo zvenyu zvose zvokunamata kusvikira pari nhasi. Pakadai ndipo here pamungazoda kundinzwa kuti ini ndinoti kudii, nhai imba yaIsiraeri? Hezvino ndakadai ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari, handidi zvangu kuti imi muzobvunza kuti munzwe kuti ini ndinoti kudii!
32
“Zviri mumwoyo menyu izvozvo hazvisi kuzofa zvakaitika zvokufunga kuti tinoda kuve sevechirudzi kuti muite samarudzi ari mudzinyika uye kuti munamate zvimiti namatombo.
33
“Zvanzi naTenzi Mwari, ‘Hezvino ndakadai, ndikarega ini kukutongai muri mumaoko mangu shamhu yangu iri mudenga uye ndikaviruka nehasha, handisirini.
34
Ndichakubvisai mukati memarudzi iwayo ndigokukokorodzai munyika dzamunenge mapararira. Ndichazviita izvozvo namaoko angu aya shamhu yangu iri mudenga ndakaviruka nehasha.
35
Ipapo ndichakuunzai murenje revechirudzi ndigokupinzai dare takatarisana uso nouso.
36
Ndichakutongesai sokutongesa kwandakaita madzibaba enyu murenje renyika yeIjipiti,’ ndichakukwidzai dare ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
37
“Ndichakuitai kuti mupfuure napasi petsvimbo yangu ndichikuunzai muchisungo chechitenderano changu.
38
Ndichabvisa vapanduki pakati penyu navavo vanenge vandikanganisira. Ndichavaburitsa munyika mavari kumbogara asi havasi kuzopinda munyika yeIsiraeri. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.
39
“Asi kana zviri zvenyu, imimi vemba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari endaika zvenyu mumwe nomumwe kundonamata zvifananidzo zvake zvokunamata asi mushure maizvozvo kunyange zvazvo mukarega kunditeerera asi zita rangu rinoera hamusi kuzorin'oresazve nezvipo zvenyu nezvifananidzo zvenyu zvokunamata.
40
Zviripo ndezvokuti pagomo rangu rinoera gomo refu reIsiraeri, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, ipapo imba yose yavaIsiraeri vose zvavo vachandinamata munyika imomo. Ipapo ndichavagamuchira, ipapowo ndichati muite mudememudeme muchibvisa zvipo zvenyu zvakanakisisa nemipiro yenyu yose inoera.
41
Ndichakugamuchirai somupiro unonhuwirira pandichakubvisai mumarudzi ndichikukokorodzai kudzinyika kwamakapararira. Ndicharatidza kuera kwangu pakati penyu marudzi achiona.
42
Muchabva maziva kuti ndini Tenzi pandichakuunzai munyika yeIsiraeri, nyika yandakatsidzira kuzopa madzibaba enyu.
43
Imomo muchayeuka kuita kwenyu nezviito zvose zvamakazvin'oresa nazvo, muchatozvisema nezvakaipa zvose zvamakaita.
44
Uye muchaziva kuti ndini Tenzi kana ndava kuzoita nemi zvandinoita ndichiremekedza zita rangu, kwete zvinokodzerana nenzira dzenyu dzakaipa kana zviito zvenyu zvakaora, iyemi vemba yaIsiraeri,” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
45
Shoko raTenzi rakauyawo kwandiri rikati,
46
“Iwe Mwanakomana womunhu wochinangana nemaodzanyemba uparidze wakanangana namaodzanyemba uporofite wakanangana namaruwa amasango okuNegevhu.
47
Iti kusango rokuNegevhu, inzwai izwi raTenzi. Zvanzi naTenzi Mwari, chinzwa, ndichabatidza moto mauri ucharoromesa muti wose wakasvibira uri mauri nomuti wose wakaoma usingazodzimiki; rimi rinonganduka risingadzimuriki. Uchavavaidza uso hwose kubvira kumaodzanyemba dakara kuchamhembe.
48
Vose vose vachaona kuti Tenzi ndiye akabatidza moto iwoyo usingadzimuriki.”
49
Ini ndipo pandakati, “Aa-a nhai Tenzi Mwari inga vari kutaura nezvangu vachiti haasi munhu wokungotaura namadimikira here?”
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48