bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Ezekiel 14
Ezekiel 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 15 →
1
Kwakazouya vamwe vavakuru vakuru veIsiraeri kwandiri vakasvikogara mberi kwangu.
2
Shoko raTenzi rikabva rauya kwandiri rikati,
3
“Iwe mwanakomana womunhu varume ava vakatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata vakazviisira chibingamupinyi chouipi hwavo mberi kwavo. Ndipo pandingazorega here vachidai kuuya kuneni kuzonzwa kuti ndinoti kudii?
4
Naizvozvo chivataurira uchivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari, ani zvake wemba yaIsiraeri anotorwa mwoyo nezvifananidzo zvokunamata zvake achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita, ini Tenzi ndini ndichamupa mhinduro iyeni zvichienderanawo nokuwanda kwezvifananidzo zvake zvokunamata.
5
Chandichadariro ndechokuti ndibate mwoyo yevemba yaIsiraeri vose vakasiyana neni pamusana pezvifananidzo zvavo zvokunamata.
6
“Naizvozvo chiti kumba yaIsiraeri, zvanzi naTenzi Mwari pindukai mufuratire zvifananidzo zvenyu zvokunamata mufuratire zvinhu zvenyu zvose zvinosemesa izvi.
7
Chiripo ndechokuti ani naani zvake wemba yaIsiraeri kana mumwe wevauyi vapfuuri zvavo muIsiraeri, anenge azvitsaura kwandiri achitorwa mwoyo nezvifananidzo zvake zvokunamata achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita kuzonzwa iye kuti ini ndinoti kudii, ini Tenzi ndini iyeni pachangu ndichamupa mhinduro.
8
Ndichanyatsoonana naye ndimuite muenzaniso uye setsumo ndimutsakatise pakati pevanhu vangu mugozoziva kuti ini ndini Tenzi.
9
“Kana muporofita akanyengedzeka akataura shoko ini Tenzi ndini ndinenge ndarasisa muporofita iyeyo. Ipapo ndichazomutambanudzira ruoko rwangu ndigomuparadza pakati pavanhu vangu veIsiraeri.
10
Izvozvo shamhu yavo yokuvaranga ichava pavari ivo, vacharangwa zvimwechetezvo, muporofita iyeyo nanyakutsvaka chiporofita wacho
11
kuitira kuti imba yaIsiraeri irege kuzosiyanazve neni kana kuzozvin'oresazve nezvikanganiso zvavo zvose, asi kuti vavewo vanhu vangu iniwo ndichiva Mwari wavo. Ndizvo zviri kutarura Tenzi Mwari.”
12
Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti,
13
“Iwe mwanakomana womunhu, kana nyika ikanditadzira nokuita kwayo kusina kutendeka ini ndikaisumudzira roruoko rwangu ndikaishayisa zvokudya ndaitumira shangwa yenzara ndichitsakatisa munhu nemhuka mairi,
14
kunyange zvazvo varume vatatu ava vanoti Nowa naDhanieri naJobhu vaivamo, chavaikwanisa chete kungozvinunura upenyu noururami hwavo ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
15
“Kanawo ndikaita kuti zvikara zvipinde nomunyika zvikaiparadza ikasara yangoitwa nyika zvayo isina chinhu zvokutoshaya kana nomumwe unodimura nomo zvichikonzerwa nezvikara izvozvo,
16
kunyange zvazvo ivava varume vatatu vaivamo, hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari havaikwanisa kununura vana vavo vakomana kana vasikana. Ivo bedzi ndivo vaitonunurwa asi nyika ichisara yangova nyikawo zvayo isina chinhu.
17
“Kana kuti ini ndikaunzira nyika iyoyo nhamo yebakatwa, ndigoti bakatwa ngaripinde nomunyika iyoyo ndikaparadza mairi munhu nemhuka,
18
kunyange zvazvo varume vatatu ava vaivamo, hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari havaimbogona kununura vana vavo vakomana kana vasikana, asi ivo voga ndovaitonunurwa.
19
“Kunyangewo ndikatumira denda munyika imomo ndopedzera pairi hasha dzangu neropa ndichiparadza mairi munhu nemhuka,
20
kunyangova dai Nowa naDhanieri naJobhu vaiva mairi hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutarura Tenzi Mwari vangadai vasingagone kununura mwana wavo mukomana kana musikana. Asi kuti chavaikwanisa chete kungozvinunura upenyu hwavo ivo nokururama kwavo.”
21
Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Ko kutozoti pandichatumira Jerusaremu shamhu dzangu ina dzinorwadza dzinoti bakatwa neshangwa yenzara nezvikara zvinorura nedenda kuti nditsakatise mairi munhu nemhuka,
22
kunyange zvazvo kukange kwasara mairi vanyakupunyuka rufu vokutungamirira vanakomana navanasikana pavanosvika kwauri uchiona nzira dzavo nokuita kwavo zvichakunyaradza mwoyo panhamo yose yandakaunzira Jerusaremu pamusana pezvose zvandakaiuyisira?
23
Vachakunyaradza mwoyo pauchaona nzira dzavo nokuita kwavo ndipo pauchaziva kuti hapana chandakanga ndaita pasina chikonzero pazvinhu zvose zvandakaita mariri” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48