bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 1
Acts 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
1
Rondedzero yokutanga ndakaiita Teofiro, nezvose Jesu zvaakatanga zvose kuita nokudzidzisa,
2
kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira noMweya Mutsvene kuvapositora vaakanga asanangura;
3
vaakazviratidzavo kwavari ari mupenyu shure kokutambudzika kwake neuchapupu uzhinji, husingagoni kurambwa, achivonekwa navo mazuva anamakumi mana, achitaura zvinhu zvovushe bwaMwari;
4
zvino avungana navo, akavaraira kuti varege kubva Jerusarema asi vamirire chivimbiso chaBaba, chamakanzwa neni;
5
nokuti Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene kusati kwapfuura mazuva mazhinji.
6
Naizvozvo ivo vakati vavungana, vakamubvunza vachiti: Ishe, muchadzosera vushe kuvaIsraeri nenguva ino here?
7
Akati kwavari: Hazvisi zvenyu kuziva nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo;
8
Asi muchagamuchira simba, Mweya Mutsvene avuya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu kose paJerusarema neJudhiya rose neSamaria, nokumugumo wenyika.
9
Zvino wakati areva izvozvi, akakwidzwa, vakatarira negore rikamubvisa pazviso zvavo.
10
Zvino vachitarisisa kudenga, achikwira, zvino tarira, varume vaviri vamire navo nenguvo chena;
11
ivovo vakati: Imwi varume veGariri, makamirireiko makatarira kudenga? iyeyu Jesu, unobviswa kwamuri, \add achikwidzwa\add* kudenga, uchavuya saizvozvo nenzira yamunomuona achienda nayo kudenga.
12
Zvino vakadzokera Jerusarema, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedo neJerusarema, \add chinhambwe\add* cherwendo rwesabata.
13
Vakati vapinda, vakakwira muimba yepamusoro, apo pavaigara, Peturo naJohwani naJakobho naAndiriya, Firipi naTomasi, Bhatironomiyo naMatewu, Jakobho waAerfeo naSimoni Zeroti, naJudhasi waJakobho.
14
Ava vose vakatsungirira nomoyo mumwe mukunyengetera nokukumbira, pamwe navakadzi, naMaria mai vaJesu, uye navanun'una vake.
15
Zvino namazuva iwayo Peturo wakasimuka pakati pevadzidzi, kwaiva nechaunga navanhu pamwechete vanenge zana namakumi maviri, akati:
16
Varume hama, zvakafanira kuti rugwaro urwu rwuzadziswe, Mweya Mutsvene warwakagara wataura nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, wakanga ari mutungamiriri wavaya vakabata Jesu.
17
Nokuti wakanga achiverengwa pamwe chete nesu, akagamuchira mugove wake pabasa iri.
18
Zvino munhu uyu wakatenga munda nomubairo wezvisakarurama, akawa nemusoro, akaparuka napakati, ura hwake hwese hwukabvajukira kunze.
19
Zvikanzwika navose vaigara Jerusarema; kusvikira nharaunda iyo yatumidzwa norurimi rwavo \add kuti\add* Akeridhama, ndokuti: Nharaunda yeropa.
20
Nokuti zvakanyorwa mubhuku raMapisarema, \add zvichinzi\add*: Musha wake ngauitwe dongo, kurege kuva nomunhu unogaramo; vuye: Mumwe ngaatore vutariri bwake.
21
Naizvozvo zvakafanira pavarume vaifamba nesu nguva yose, apo Ishe Jesu aipinda nokubuda pakati pedu,
22
kutanga parubhabhatidzo rwaJohwani, kusvikira pazuva raakabviswa kwatiri, achikwidzwa, mumwe wavo unofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwe chete nesu.
23
Zvino vakamisa vaviri: Josefa, wainzi Bhasabha, wakatumidzwavo Jusito, naMatiasi.
24
Vakanyengetera, vachiti: Ishe, munoziva moyo yavose, sarudzai pavaviri ratidzai kuti wamunosanangura kunaivava vaviri ndoupi
25
kuti apiwe chikamu pabasa novuapositora uhwu, Judhasi hwaakatorerwa nokudarika, kuti iye aende panzvimbo yake.
26
Zvino vakavapa mijenya ikabata Matia; akaverengwa pamwe chete navapositora vanegumi nomumwe.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28