bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 21
Acts 21
Shona 2009?
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
1
Zvino takati taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama, tikasvika Kose; fume mangwana tikasvika Rodhe; tikabvapo, tikasvika Patara.
2
Takati tawanapo chikepe, chaiyambukira Finikia, tikapinda mukati macho, tikaenda.
3
Takati tavona Kupro, tikaisiya kuruboshwe, tichienda Siria, tikasvika Tire; nokuti chikepe chaifanira kututunura mutoro ipapo;
4
zvino takati tawanapo vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati nomweya kunaPauro kuti arege kukwira Jerusarema.
5
Zvino takati tapedzapo mazuva tikabva, tikaenda; ivo vose, navakadzi navana, vakatiperekedza kusvikira tabuda paguta; ipapo tikafugama pamhenderekedzo, tikanyengetera.
6
Tikawonekana, isu tikaenda kuchikepe, ivo vakadzokera kumusha kwavo.
7
Isu takati tapedza rwendo tichibva Tire, tikasvika Toremai, tikakwazisa hama, ndokuswera zuva rimwe navo.
8
Fume mangwana isu taiva veboka raPauro tikabvapo, tikasvika Kesaria; ipapo tikapinda mumba maFiripi, Muevhangeri, mumwe wavanomwe, tikagara naye.
9
Iye wakanga anavakunda vana, mhandara, vaiporofita.
10
Zvino takati tichigarapo mazuva mazhinji, mumwe muporofita, wainzi Akabho, akaburuka achibva Judhiya,
11
akavuya kwatiri, akatora bhanire raPauro, akazvisunga makumbo namavoko ake, akati: Mweya Mutsvene unoreva kudai: Saizvozvo vaJudha paJerusarema vachasunga murume, mwene webhanire iri, nokumuisa pamavoko avahedheni.
12
Takati tichinzwa izvozvo, isu navamwe vaipapo tikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kukwira Jerusarema.
13
Ipapo Pauro akapindura, akati; Munoiteiko, muchichema nokuputsa moyo wangu? Nokuti ini handina kuzvigadzirira kusungwa bedzi, asi kunyange kufira zita raShe Jesu paJerusarema.
14
Zvino wakati achiramba kukundwa, tikanyarara, tikati: Kuda kwaShe ngakuitwe.
15
Mazuva iwayo akati apera, tikarongedza, tikakwira Jerusarema.
16
Navamwe vadzidzi veKesaria vakaenda nesu, vakavuya vo nomumwe, wainzi Naasoni, mudzidzi wakare weKupro, wataindogara naye.
17
Zvino takati tichisvika Jerusarema, hama dzikatigamuchira nomufaro.
18
Fume mangwana Pauro akapinda nesu kunaJakobho; navakuru vakanga varipo vose.
19
Akavakwazisa, ndokuvarondedzera, chimwe nechimwe, zvakaitwa naMwari pakati pavahedheni nebasa rake.
20
Ivo vakati vazvinzwa, vakakudza Mwari, vakati kwaari: Hama, unovona kuti zvuru zvingani zvavaJudha vanotenda; vose vanoshingairira murairo;
21
zvino vakavudzwa kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pavahedheni, kuti varambe Mozisi, uchiti, varege kudzingisa vana vavo, kana kufamba netsika dzomurairo.
22
Zvino todiniko? Vachanzwa havo kuti wasvika.
23
Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri: Tinavarume vana vakazvisunga nokupika;
24
uvatore, uzvinatse pamwe chete navo, uvaripire, vagovevura misoro yavo; ipapo vose vachaziva, kuti haazi mashoko echokwadi, avakavudzwa pamusoro pako; asi kuti iwevo unofamba zvakanaka uchichengeta murairo umene.
25
Asi kana vari vahedheni vakatenda, takavanyorera kuti vasachengeta zvinhu zvakadai, asi kuti vazvidzore panezvakabayirwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa novupombwe.
26
Ipapo Pauro akatora varume avo, akazvinatsa pamwe chete navo nezuva rakatevera, akapinda mutembere kuti azivise kupera kwamazuva okunatsa, kusvikira mumwe nomumwe abayirwa chibayiro.
27
Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha veAsia vakamuvona mutembere, vakamutsa vanhu vazhinji, vakamubata.
28
vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa vanhu kose-kose zvinopesana navanhu, nomurairo, nenzvimbo ino, uye zve vakavuya navaGiriki mutembere, akasvibisa nzvimbo ino tsvene.
29
Nokuti vakanga vavona Trofimo muEfeso, anaye muguta, vakati zvimwe Pauro wapinda naye mutembere.
30
Ipapo guta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwe chete; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere, mikova ikazarirwa pakarepo.
31
Zvino vakati vachitsvaka kumuvuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru chamazana, kuti Jerusarema rose ranyonganiswa.
32
Iye akatora pakarepo varwi navakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari: ivo vakati vachivona mukuru wechuru chemazana navarwi, vakarega kurova Pauro.
33
Zvino mukuru wechuru chemazana akaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe namaketani maviri; akabvunza kuti ndiani, uye kuti waiteiko.
34
Zvino vamwe pakati pavazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe chinhu; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi nokuda kwebopoto, akaraira kuti vamuise kuimba yavarwi.
35
Wakati achisvika pazvikwiriso, akaita sokutakurwa navarwi, nokuda kwesimba ravanhu vazhinji;
36
nokuti vanhu vazhinji vakatevera, vachidanidzira, vachiti: Mubvisei!
37
Zvino oda kupinzwa muimba yavarwi, Pauro akati kumukuru wechuru chamazana; Ko ndingataura nemwi here? Iye akati unoziva chiGiriki here?
38
Ko hauzi uya muIjipiti, wakadeya kukanganisa vanhu panguva yapfuvura, akaenda navavurayi vanezvuru zvina kurenje here?
39
Ipapo Pauro akati: Ini ndiri muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira. Ndinokumbira kuti munditendere nditaure navanhu.
40
Zvino wakati amutendera, Pauro akamira pazvikwiriso, akaninira vanhu noruvoko rwake; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura norurimi rwechiHebheru, achiti:
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28