bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 17
Acts 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
1
Zvino vakati vagura neAmfipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha.
2
Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro masabata matatu,
3
achivazarurira nokuvazivisa, kuti Kristu waifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, uye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu.
4
Vamwe vavo vakatendiswa, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji.
5
Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakavunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu.
6
Vakati vachivashaiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti: Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanovo,
7
Jasoni akavagamuchira; ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uri'ko, unonzi Jesu.
8
Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo.
9
Zvino, vakati vatora rubatso kunaJasoni navamwe, vakavarega.
10
Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheriya vusiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha.
11
Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
12
Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji.
13
Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBheriya, vakasvikavo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji.
14
Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimotio vakasarapo.
15
Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Atene; vakati varairwa kuvudza Sirasi naTimotio, kuti vakurumidze kuvuya kwaari, vakabva.
16
Zvino Pauro, achakavagarira paAtene, akanzwa shungu pamoyo, achivona kuti guta rizere nezvifananidzo.
17
Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasongana navo.
18
Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikuro navaStoiko, vakaita nharo naye; vamwe vakati: Ko uyu mutauri wezvisinamaturo unoda kureveiko? Vamwe zve vakati: Unenge muparidzi wavamwari vasingazikamwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.
19
ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati: Ngatinzwevo kuti dzidziso iyi itsva, inotaurwa newe, ndeyeiko?
20
Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko?
21
(Zvino vaAtene vose, navatorwa vaigarapo, vaingofarira chinhu chimwe chete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.)
22
Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati: imwi varume veAtene, pazvinhu zvose ndinovona kuti munonamata zvikuru.
23
Nokuti ndakati ndichipfuvura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawanavo aritari yakanyorwa izvi: KUNAMWARI USINGAZIKAmwI. Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai.
24
Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namavoko.
25
Haashumirwi namavoko avanhu, saachinge achishaiwa chinhu, zvaari iye amene unopa vose vupenyu, nokufema, nezvose;
26
wakaita neropa rimwe marudzi ose avanhu, achibva kunomumwe chete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yukugara kwavo;
27
kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu.
28
Nokuti maari tinovupenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti: Nokuti tiri rudzi rwakevo,
29
Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kufunga kuti vuMwari bwakafanana nendarama, kana sirivheri, kana ibwe, rakavezwa novumhizha kana kuchenjera komunhu.
30
Naizvozvo Mwari wakarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino unoraira vanhu vose kose-kose kuti vatendevuke.
31
Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kunavose, pakumumutsa kuvakafa.
32
Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati: Tichazokunzwa zve pamusoro paizvozvi,
33
Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo,
34
Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi wainzi Dhamari, navamwe pamwe chete navo.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28