bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 11
Acts 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
1
Zvino vapositora nehama, vaiva paJudhiya, vakanzwa kuti vahedheni vakagamuchiravo shoko raMwari
2
Zvino Peturo wakati akwira Jerusarema,vatendi vokudzingisa vakaita nharo naye,
3
vachiti: Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
4
Zvino Peturo akatanga kuvarondedzera zvose, zvichitevedzana, achiti:
5
Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa nomweya, ndikavona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika kwandiri;
6
ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikavona mhuka dzenyika dzinamakumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga,
7
ndikanzwavo inzwi richiti kwandiri: Simuka Peturo, baya, udye.
8
Asi ini ndikati: Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chinetsvina.
9
Asi inzwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti: Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachinakunaka.
10
Izvozvi zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwa zve kudenga.
11
Ipapo tarira pakarepo varume vatatu vamire pamberi peimba matakanga tiri vakanga vatumirwa kwandiri vachibva Kesaria.
12
Ipapo ndikakokerwa noMweya, kuti ndienda navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatuvo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu.
13
Iye akativudzavo kuti wakavona mutumwa amire mumba make, achiti: Tumira Jopa, udane Simoni, unonzi Peturo;
14
iye uchakuvudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.
15
Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro peduvo pakutanga.
16
Ini ndikarangarira shoko raShe, rokuti: Johwani wakabhabhatidza nemvura, asi imwi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.
17
Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, waigona kudzivisa Mwari?
18
Zvino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari vachiti: Zvirokwazvo, Mwari wakapa vahedhenivo kutendevuka kovupenyu.
19
Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paSitefano, vakaenda kusvikira paFenikia neKupuro, neAndiokia, vasingatauri shoko kumunhu, asi kunavaJudha bedzi.
20
Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veKupro neKurini ivo vakati vasvika Antiokia, vakataura kuvaGirikivo, vachiparidza Ishe Jesu.
21
Ruvoko rwaShe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendevukira kunaShe.
22
Mashoko avo akanzwika nekereke paJerusarema, vakatuma Bharnabhasi kuti aende Antiokia.
23
Iye wakati asvika, avona nyasha dzaMwari, akafara; akaraira vose kuti vanamatire Ishe nomoyo wakasimba;
24
nokuti waiva murume wakanaka, uzere noMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kunaShe.
25
Iye akaenda Taso achindotsvaka Sauro.
26
Zvino wakati amuwana, akavuya naye Antiokia. Ipapo vakavungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; paAndiokia vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu.
27
Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusarema, vakaenda Antiokia.
28
Mumwe wavo wainzi Agabho, akasimuka, ndokuvazivisa noMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKiraudhio.
29
Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhiya.
30
Vakaita kudaro, vakazvitumira naBharnabhasi naSauro kuvakuru.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28