bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 3
Acts 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
1
Zvino Peturo naJohwani vakakwira pamwechete kutembere nenguva yokunyengetera yepfumbamwe.
2
Zvino mumwe murume, waikamhina kubva mudumbu ramai vake, waitakurirwa zuva rimwe nerimwe pamukova wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kunavaipinda mutembere.
3
Iye wakati achivona Peturo naJohwani voda kupinda mutembere, akakumbira chipo.
4
Zvino Peturo akamudzvokora, anaJohwani, akati: Titarire!
5
Akavadzvokora, achitarisira kugamuchira chinhu kwavari.
6
Ipapo Peturo akati: Sirivheri nendarama handina; asi icho chandinacho ndicho chandinokupa: Nezita raJesu weNazareta, simuka ufambe.
7
Akamubata ruvoko rworudyi, aka\add mu\add*simudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimbiswa.
8
Akavhazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutembere, akafamba achipembera achirumbidza Mwari.
9
Vanhu vose vakamuvona achifamba, achirumbidza Mwari.
10
Vakaziva, kuti ndiye waigarira zvipo pamukova Wakanaka wetembere; vakazadzwa nekukatyamara nokushamiswa nezvaakaitika kwaari.
11
Zvino murume waikamhina, wakanga aporeswa achakabatira Peturo naJohwani, vanhu vose vakamhanyira pamwechete kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vachishamiswa kwazvo.
12
Zvino Peturo wakati achivona \add izvozvo\add*, akapindura vanhu, \add akati\add*: Varume vaIsraeri, mashamisirweiko pamusoro pezvizvi? Munotidzvokorereiko, setinenge tamufambisa nesimba redu kana nokunamata kwedu Mwari?
13
Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye wakakudza Mwanakomana wake Jesu, wamakakumikidza imwi \add kuvatongi\add* mukamuramba pamberi paPirato, iye azvipira kumusunungura.
14
Asi imwi makaramba uyo Mutsvene, nohwakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muvurayi:
15
mukavuraya Muvambi wovupenyu; iye Mwari, waakamutswa kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake.
16
Nokutenda kuzita rake, munhu uyu wamunovona nowamunoziva, nezita rake ramusimbisa; vuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.
17
Asi zvino, hama dzangu ndinoziva kuti makaita nokusaziva, savabati venyuvo.
18
Asi zvinhu izvo Mwari zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu uchazotambudzika wakazvizadzisa.
19
Naizvozvo tendevukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva pamberi pechiso chaShe, dzisvike;
20
Uchatuma Jesu Kristu, wakaparidzwa kwamuri kare;
21
wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarebwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene vose kubva pakutanga kwenyika.
22
Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati: Ishe, Mwari wenyu, uchamumutsira Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamuteerera pazvose, zvaanotaura kwamuri.
23
Zvino zvichaitika, mweya mumwe nomumwe kana asingateereri Muporofita uyo, uchaparadzwa kwazvo pakati pavanhu.
24
Navaporofita vosevo kubva kunaSamueri, navakamutevera, naivo vose vakataura vakaporofitavo zvinhu izvozvi.
25
Imwi muri vanakomana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba edu, achiti kunaAbhurahamu: Muvana vako marudzi ose enyika acharopafadzwa.
26
Mwari wakatanga kukumutsirai imwi Mwanakomana wake Jesu, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28