bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 15
Acts 15
Shona 2009?
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
1
Zvino vamwe vakaburuka Judhiya, vakadzidzisa hama, vachiti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamungaponeswi.
2
Asi Pauro naBharnabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBharnabhasi navamwe vavo vakwire Jerusarema kuvapositora navakuru pamusoro peshoko iri.
3
Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vakataura zvokutendevuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose.
4
Zvino vakati vasvika Jerusarema, vakagamuchirwa nekereke, navapositora, navakuru; vakarondedzera zvose zvakaitwa naMwari navo.
5
Asi vamwe vedzidziso yavaFarisi, vaitenda, vakasimuka, vakati, vanofanira kudzingiswa nokurairwa kuti vachengete murairo waMozisi.
6
Ipapo vapositora navakuru vakavungana kuti varangane pamusoro peshoko iri.
7
Zvino, nharo huru dzakati dzavapo. Peturo akasimuka akati kwavari: Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakandisanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reevhangeri nomuromo wangu, vatende.
8
Zvino Mwari, muzivi womoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu;
9
haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa moyo yavo nokutenda.
10
Naizvozvo zvino munoidzirei Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu?
11
Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaShe Jesu Kristu nomutovo mumwe navo.
12
Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakateerera vana Bharnabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni.
13
Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati: Varume, hama, nditeererei.
14
Simiyoni wakarondedzera mutangire waMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake.
15
Namashoko avaporofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi:
16
Shure kwaizvozvi ndichadzoka, Ndivake tabhenekeri yaDhavhidhi, yakawa;Ndichavaka zve matongo ayo, Ndichiimutsa;
17
Ndizvo zvinotaura Ishe, Navahedheni vose vakadamwa nezita rangu,
18
Mabasa ake ose kubva pakuvamba kwenyika anozikamwa kunaMwari.
19
Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendevukira kunaMwari;
20
asi tivanyorere kuti varege zvakashatiswa nezvifananidzo, novupombwe, ne zvakadzipwa, neropa.
21
Nokuti Mozisi kubva pamarudzi ekare, waiva navanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achirabwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.
22
Ipapo vapositora, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vasanangure varume pakati pavo, vavatumire Antiokia pamwe chete naPauro naBharnabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama.
23
Vakanyora mwadhi, vakaituma navo, yaiti: vapositora navakuru kuhama, dzokuvahedheni paAntiokia, napaSiria, napaKirikia; Mufaro!
24
Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kuraira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu vachiti munofanira kudzingiswa nokuchengeta murairo.
25
takati nomwoyo mumwe zvakanaka kuti tisanangure varume, tivatumire kwamuri, pamwe chete naBharnabhasi naPauro, vadikamwa vedu;
26
vanhu vakazvidza vupenyu bwavo nokuda kwezita raShe wedu Jesu Kristu.
27
Zvino tatuma Judhasi naSirasi, ivo vanozokuvudzai vamene izvozvi nomuromo.
28
Nokuti Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kunezvinhu izvi zvakafanira,
29
zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, novupombwe; kana mukazvidzora pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.
30
Zvino vakati vaendiswa, vakaburukira Antiokia; vakavunganidza vanhu vazhinji,vakavapa mwadhi.
31
Ivo vakati vairava, vakafara zvikuru pamusoro pokuvaraidzwa.
32
Judhasi naSirasi, vaiva vaporofita vamene, vakavaraidza hama namashoko mazhinji, nokuvasimbisa.
33
Vakati vagara'ko nguva, vakaendiswa nehama nomufaro, vakaenda kunavakanga vavatuma.
34
[Kunyange zvakadaro Sirasi wakavona zvakanaka kugarapo.]
35
Pauro naBaranabasi vakagara Antiokia, vachidzidzisa nokuparidza shoko raShe, navamwe vazhinjivo.
36
Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, Pauro akati kunaBharnabhasi: Ngatidzoke zve tindoshanyira hama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raShe, tivone kuti vakadini.
37
Zvino Bharnabhasi wakanga achida kutora Johwanivo, wainzi Marko;
38
asi Pauro wakati hazvina kunaka kumutora iye, wakambovasiya paPamfiria, akasaenda navo kubasa.
39
Ipapo kupesana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bharnabhasi akatora Marko, akaenda Kupro nechikepe;
40
asi Pauro wakasanangura Sirasi; akenda, akaiswa nehama panyasha dzaShe;
41
akagura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28