bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 7
Acts 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
1
Ipapo muprista mukuru akati: Zvinhu izvi ndizvo nhai?
2
Iye akati: Varume, hama namadzibaba, teererai. Mwari wokubwinya wakazviratidza kunababa vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani,
3
akati kwavari: Buda munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.
4
Ipapo akabuda munyika yavaKaradhia, akagara Harani; zvino kubva ipapo baba vake vakati vafa, Mwari akamubvisa akamugarisa kunyika ino yamugere.
5
Asi haana kumupa nhaka mairi, kunyange paangatsika rutsoka rwake, asi wakamupikira kuti uchamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati a\add tongo\add*va nomwana.
6
Mwari akataura saizvozvo achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; uye kuti vacha\add va\add*ita varanda, nokuvavonesa nhamo makore anamazana mana.
7
Rudzi rwavachava varanda kwarwuri, ndicharutonga ini, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda vagondishumira panzvimbo iyi.
8
Akamupa sungano yedzingiso, Naizvozvo wakabereka Isaka, akamudzingisa zuva rorusere, Isaka Jakobho; naJakobho mateteguru anegumi namaviri.
9
Mateteguru zvaakanga anegodo vakatengesa Josefa, kuIjipiti; asi Mwari akava naye.
10
Akamusunungura pamatambudziko ake ose, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao, mambo weIjipiti; iye akamuita mutariri pamusoro peimba yake yose.
11
Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nedambudziko guru; madzibaba edu akashaiwa zvokudya.
12
Asi Jakobho, wakati anzwa kuti kunezviyo Ijipiti, akatuma pakutanga madzibaba edu.
13
Zvino rwechipiri Josefa wakaziviswa kuvakuru vake; rudzi rwaJosefa rukaratidzwa naFarao.
14
Zvino Josefa akavatumira kundodana baba vake Jakobho, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu.
15
Jakobho akaburukira Ijipiti, akazofa iye namadzibaba edu;
16
vakatakurirwa Shekemi, vakavigwa pabwiro bwakanga bwatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirivheri kuvanakomana vaEmori weShekemi.
17
Zvino nguva yechipikirwa chaMwari chaakanga apikira Abhurahamu, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti;
18
kusvikira mumwe mambo amuka muIjipiti, wakanga asina kuziva Josefa.
19
Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavarashira vacheche vavo, kuti varege kurarama.
20
Nenguva iyoyo Mozisi akaberekwa, wakanga akaisvonaka kwazvo kunaMwari; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake.
21
Zvino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana \add wake\add*.
22
Mozisi akadzidziswa vuchenjeri bwose bwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa.
23
Zvino wakati asvika makore anamakumi mana akazara zvikasvika mumoyo make kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.
24
Zvino wakavona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndoku\add mu\add*rwira, achitsiva wakanga achitambudzwa akavuraya muIjipiti.
25
Aifunga kuti zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari wakanga achida kuvaponesa noruvoko rwake; asi havana kunzwisisa.
26
Zvino fume mangwana wakazvionesa kwavari akavawana vachikakavadzana, akavayananisa nesimba, achiti: Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko?
27
Zvino iye wakanga achiitira muvakidzani wake zvisakarurama akamusundira kure, achiti: Ndianiko wakakuita mubati nomutongi wedu?
28
Unoda kundivuraya, sezvawakavuraya muIjipiti zuro kanhi?
29
Neshoko iri Mozisi akatiza, akandova mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.
30
Zvino makore makumi mana akati apera, kwakaonekwa kwaari murenje regomo reSinai mutumwa waShe, mumurazvo womoto mugwenzi.
31
Mozisi wakati achi\add zvi\add*vona, akashamiswa nezvaakavona; zvino akati achiswedera kuzocherekedza, inzwi raShe rikasvika kwaari \add richiti\add*:
32
Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, ipapo Mozisi akadedera akatya kucherekedza.
33
Zvino Ishe akati kwaari: Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene.
34
Ndaona nokuona kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovasunungura; zvino vuya ndikutume Ijipiti.
35
Uyu Mozisi wavakaramba,vachiti: Ndiani wakakuita mubati nomutongi? Ndiye Mwari waakatuma \add kuti ave\add* mutongi nomudzukunuri noruoko rwomutumwa naMwari, akavonekwa naye mugwenzi.
36
Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nepaGungwa Dzvuku, nomurenje, makore anamakumi mana.
37
Ndiyeye Mozisi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni uyu ndiye wamuchanzwa.
38
Ndiyeye wakanga ari kuvungano murenje, anomutumwa wakataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba edu vo, wakagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa.
39
Ndiye, wavakanga vasingadi kumutevera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemoyo yavo.
40
Vakati kunaAroni: Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mozisi uyu, wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.
41
Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakavuya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amavoko avo.
42
Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvakanyorwa mubhuku ravaporofita, zvichinzi: Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsraeri here?
43
Makatakura tabhenekeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remfani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.
44
Madzibaba edu aiva netabhenekeri yovuchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakaraira iye, wakataura naMozisi achiti aite nomufananidzo waakavona.
45
Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni,vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi.
46
iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara.
47
Soromoni akamuvakira imba.
48
Asi Wokumusoro haagari mudzimba dzakavakwa namavoko, sezvakarebwa nomuporofita, achiti:
49
Denga ndicho chigaro changu chovushe. Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi?
50
Ko ruvoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?
51
imwi vemitsipa mikukutu, musinakudzingiswa pamoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemivo.
52
Ndoupiko pakati pavaporofita, usinakutambudzwa namadzibaba enyu? Vakavuraya avo vaiparidza kuvuya koWakarurama, iye wamakapandukira nokumuvuraya zvino.
53
Iyemi, makapiwa murairo sezvawakarairwa navatumwa, mukasauchengeta.
54
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugeda-gedera meno.
55
Asi iye azere noMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akavona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruvoko rwurudyi rwaMwari,
56
akati: Tarirai, ndinovona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruvoko rworudyi rwaMwari.
57
Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwe chete;
58
vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro.
59
Vakataka Stefano, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.
60
Akafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi, Akati areva izvozvo, akavata rufu.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28