bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 2
Acts 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 3 →
1
Zvino zuva rePendekosita* rakati razadzisika, vose vakanga vari pamwechete nomoyo mumwe.
2
Pakarepo kukauya kutinhira kubva kudenga sokwemhepo inovhuvhuta nesimba, kukazadza imba yose mavakanga vagere,
3
kukavonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa dzinenge dzomoto, ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo.
4
Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, sokupiwa kwavakaita noMweya kutaura.
5
Zvino pakanga pagere paJerusarema vaJudha, varume vakarurama, vaibva kumarudzi ose avari pasi pedenga.
6
Zvino nokunzwikwa kokutinhira uku, chaunga chaungana pamwechete chakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe wakavanzwa vachitaura norurimi rwake.
7
Vakakatyamara vose vakashamiswa vakataura mumwe kunomumwe vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGariri here?
8
Zvino tinonzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo?
9
VaPatia, navaMedia, navaEramu navagari veMesopotamia naveJudhiya, neKapadokia, nePonto, neAsia,
10
neFrigia, nePamfiria, neIjipiti, namativi eRibia, ari pedo neKurini, navaeni veRoma, navaJudha, navakatendeukira kuvaJudha,
11
vaKrete, navaAraAbhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa anoshamisa aMwari.
12
Vakakatyamara vose, vakakahadzika vachiti mumwe kune mumwe: Izvi zvingava chiiko?
13
Asi vamwe vakasweveredza vachiti: Vaguta waini itsva.
14
Zvino Peturo amire navanegumi nomumwe, akasimudza inzwi rake akati kwavari: Varume imwi maJudha navose vagere Jerusarema, chinhu ichi ngachizikamwe kwamuri, muteerere mashoko angu.
15
nokuti ava havana kudhakwa sezvamunofunga imwi, nokuti inguva yechitatu yezuva,
16
asi ichi ndicho chiya chakarebwa nomuporofita Joweri \add achiti\add*:
17
Zvino zvichaitika mumazuva okupedzisira ndizvo zvinotaura Mwari, ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose; navanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; majaya enyu achavona zviratidzo, navatariri venyu vacharota hope.
18
Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavarandakadzi vangu, namazuva iwayo ndichadurura zvomweya wangu; uye vachaporofita.
19
Zvino ndichauyisa zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi; ropa, nomoto, nemhute yovutsi.
20
Zuva richashandurwa rive rima, nomwedzi uve ropa, risati rasvika zuva guru raShe rinembiri;
21
zvino zvichaitika \add kuti\add* aninani unodana zita raShe uchaponeswa.
22
Varume vaIsraeri, donzwai mashoko awa; Jesu weNazareta, murume wakapupurirwa naMwari pakati penyu namabasa esimba nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imwi mumene,
23
iye, wakakumikidzwa kwamuri nezano nokuziva zviri mberi kwaMwari, imwi makamutora, uye namavoko akaipa mukarovera nokuvuraya;
24
iye Mwari waakamutsa, asunungura marwadzo erufu, nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo.
25
Nokuti Dhavhidhi wakataura pamusoro pake: Ndakavona Ishe pamberi pangu nguva dzose; nokuti uri kuruoko rworudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
26
Naizvozvo moyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; uye kunyange, nenyama yangu ichazorora mutariro.
27
Nokuti hamungasiyi mweya wangu mugehena, hamungatenderi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora.
28
Makazivisa kwandiri nzira dzovupenyu; Muchandizadza nomufaro pamberi penyu.
29
Varume hama, regai nditaure kwamuri pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti vakafa vakavigwa, bwiro bwavo bwuri pakati pedu kusvikira zuva ranhasi.
30
Zvino zvaari muporofita, achizivavo kuti Mwari wakapika nemhiko kwaari kuti kunomumwe wezvibereko zvechivuno chake munyama, uchasimudza Kristu uchagadza pachigaro chake chovushe.
31
achivona zviri mberi, wakareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti mweya wake hauna kusiyiwa paHad, nenyama yake haina kuvona kuvora.
32
Uyu Jesu Mwari wakamumutswa, zvatiri zvapupu zvazvo tose.
33
Zvino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, agamuchira kunaBaba chipikirwa choMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunovona nezvamunonzwa ikozvino.
34
Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu,
35
kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.
36
Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti Mwari wakaita iyeyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Ishe naKristu.
37
Zvino vakati vachinzwa \add izvozvo\add*, vakabayiwa pamoyo, vakati kunaPeturo nokunavamwe vapositora: Varume, hama, tichaiteiko?
38
Ipapo Peturo akati kwavari: Tendevukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu nezita raJesu Kristu, kuti mukangamwirwe zvivi, zvino muchagamuchira Mweya Mutsvene.
39
Nokuti chipikirwa ndechenyu, nechevana venyu, navose vari kure, uwandu sehwevanozodamwa naShe, Mwari wedu.
40
Namamwe mashoko mazhinji, akapupura kwazvo akavasimudzira, achiti: Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.
41
Zvino avo vakagamuchira nomufaro shoko rake, vakabhabhatidzwa; uye nezuva iro vakawedzera mweya inenge zvuru zvitatu.
42
Vakatsungirira pakudzidzisa kwavapositora, napakuyanana, napakumedura chingwa, napaminyengetero.
43
Kutya kukawira mweya woga woga; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapositora.
44
Navaitenda vose vaiva pamwe chete, vakati zvinhu zvose ndezvavose;
45
vakatengesa fuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashaiwa napo.
46
Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutembere nomoyo mumwe, vachimedura chingwa imba neimba, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomoyo wakachena,
47
vachirumbidza Mwari, vachidikamwa navanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vaifanira kuponeswa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28