bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 22
Acts 22
Shona 2009?
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
1
Varume, hama, namadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu pamberi penyu zvino.
2
Ivo vakati vachinzwa, kuti wotaura navo norurimi rwechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Iye akati:
3
Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi;
4
ndikatambudza veNzira Iyi kusvikira pakuvuraya, ndichisunga varume navakadzi nokuvaisa mutirongo.,
5
muprista mukuru sezaangandipupuriravo namakurukota ose; ndikapiwa mwadhi navo kuhama, ndikaenda Dhamaseko kuti ndiise Jerusarema avo vaigara'ko, vakasungwa, kuti varobwe.
6
Zvino ndakati ndichifamba, ndoswedera Dhamaseko, anenge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kose nechiedza chikuru, chaibva kudenga.
7
Ndikawira pasi, ndikanzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?
8
Ndikapindura, ndikati: Ndimi aniko Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza.
9
Zvino vaiva neni vakavona chiedza, vakatya asi havana kunzwa inzwi rowakataura neni.
10
Ndikati: Ndodiniko, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Dhamaseko; apo uchavudzwa zvose zvakatarwa kuti uzviite.
11
Zvino zvandakanga ndisingagoni kuvona nokupenya kwechiedza icho, ndikasesedzwa noruvoko navaiva neni, ndikasvika Dhamaseko.
12
Zvino mumwe murume, wainzi Ananiasi, munhu wainamata Mwari sezvinoreva murairo, waipupurirwa zvakanaka navaJudha vose vakanga vagerepo,
13
akavuya kwandiri akamira, akati kwandiri: Sauro, hama, chivona! Nenguva iyo ndikamuvona.
14
Iye akati: Mwari wamadzibaba edu wakakusanangura, kuti uzive kuda kwake, nokumuvona iye wakarurama, nokunzwa inzwi rinobva mumuromo make.
15
Nokuti iwe uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakavona nezvawakanzwa.
16
Zvino uchanonokereiko? Simuka, ubhabhatidzwe, usukwe zvivi zvako, udane zita raShe.
17
Zvino ndakati ndadzokera Jerusarema, ndichinyengetera mutembere, ndikaita sokubatwa nomweya,
18
ndikamuvona, achiti kwandiri: Kurumidza, ubve Jerusarema zvino-zvino, nokuti havangagamuchiri kupupura kwako pamusoro pangu.
19
Ipapo ndikati: Ishe, vanoziva vamene kuti ini ndaiisa mutirongo, nokurova mumasinagoge, avo vaitenda kwamuri;
20
vuye, musi wakadururwa ropa raStafano, chapupu chenyu, nenivo ndakanga ndimirepo, ndichibvumira, kuvurawa kwake ndikachengeta nguvo dzavaimuvuraya.
21
Ipapo akati kwandiri: Enda, ndichakutuma kure kuvahedheni.
22
Vakamuteerera kusvikira pashoko iro; ipapo vakadanidzira, vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nokuti haafaniri kurarama.
23
Vakadanidzira, vakakandira nguvo dzavo pasi, vachikushira ivhu kudenga,
24
mukuru wechuru chamazana akaraira, kuti aiswe kuimba yavarwi, achiti abvunzwe nokurobwa zvikuru, kuti azive mhosva yavaimupopotera kudai.
25
Zvino vakati vamusunga namakashu, Pauro akati kumukuru wezana, wakanga amirepo: Makatenderwa kurova munhu uri muRoma, asina kutongwa here?
26
Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda kumutungamiri mukuru, akati kwaari chenjerai zvamunoita, Nokuti munhu uyu muRoma.
27
Mutungamiri mukuru akavuya akati kwaari: Ndivudze, uri muRoma here? Akati: Hongu.
28
Mutungamiri mukuru akati: Ini ndakatenga simba iri rokuve muRoma nomutengo mukuru. Pauro akati: Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.
29
Zvino vakanga vomubvunzisisa, vakabva kwaari pakarepo, nomutungamiri mukuru wakatyavo achiziva kuti iye muRoma, uye nokuti wakanga amusunga.
30
Zvino fume mangwana, achida kuziva kwazvo kuti vaJudha vakamupomera mhosva yei, akamusunungura, akaraira kuti vaprista vakuru namakurukota ose vavungane, akaburusa Pauro, ndokumuisa pamberi pavo.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28