bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 16
Acts 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
1
Akasvikavo paDerbe neRistra. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana womukadzi mutendi, waiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki.
2
Iye waipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRistra neIkonio.
3
Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki.
4
Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navapositora navakuru vapaJerusarema, kuti vazvichengete.
5
Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe.
6
Vakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, vambodziviswa noMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia.
7
Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisia, vakaidza kuenda Bitinia, asi Mweya haana kuvatendera.
8
Vakati vapfuvura Misia, vakaburukira Troa.
9
Chiratidzo chikavonekwa naPauro vusiku; murume weMakedhonia wakanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti: Yambukira Makedhonia, utibatsire.
10
Zvino wakati avona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari watidana kuti tindovaparidzira evhangeri.
11
Naizvozvo takabva Troa nechikepe, tikaruramira Samotrake; fume mangwana tikasvika Neapori;
12
tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro
13
Nezuva resabata tikabuda kunze kwesuvo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vavunganapo.
14
Zvino mumwe mukadzi, wainzi Ridia, mutengesi wenguvo tsvuku, womusha weTiatira, wainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura moyo wake, kuti ateererae zvaitaurwa naPauro.
15
Wakati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru; achiti: Kana muchiti ndakatenda kunaShe, pindai mumba mangu mugare. Akatitendisa.
16
Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasongana nomumwe musikana waiva nomweya wokuvuka, waiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.
17
Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.
18
Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendevuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Ukabuda nenguva iyeyo.
19
Zvino vatenzi vake vakati vachivona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira, kudare pamberi pavabati,
20
vakaenda navo kuvatongi, vakati: Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu,
21
vachiparidza tsika dzatisinakutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.
22
Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakava bvarurira nguvo dzavo, vakaraira kuti varobwe neshamhu.
23
Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti ava chengete kwazvo.
24
Iye akati arairwa kudaro, akavaisa mutirongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda.
25
Zvino panenge pakati povusiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera.
26
Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo mikova yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka.
27
Ipapo murindi wetirongo akapepuka, ndokuvona mikova yetirongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzvivuraya, achiti vasungwa vatiza.
28
Ipapo Pauro akadanidzira nenzwi guru, akati: Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.
29
Zvino wakati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, a chibvunda;
30
akavabudisira kunze, akati: Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
31
Vakati: Tenda kunaShe Jesu Kristu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.
32
Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make.
33
Akavatora nenguva iyeyo yovusiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake.
34
Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kunaMwari.
35
Zvino kwakati kwaedza, vatongi vakatuma mapurisa, vachiti: Sunungurai vanhu vaya.
36
Murindi wetirongo akavudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.
37
Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutirongo; zvino vodokutibudisa chinyararire here? Haiwa, kwete! Ngavavuye vamene vatibudise.
38
Mupurisa akavudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma;
39
vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, ndokukumbira kuti vabve muguta ravo.
40
Ipapo vakabuda mutirongo, vakapinda mumba maRidia; vakavona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28