bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 28
Acts 28
Shona 2009?
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
1
Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
2
Vanhu venyika iyi vakatiitira vunyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose nokuda kwemvura yakanga ichinaya uye nokuda kwechando.
3
Zvino Pauro wakati avunganidza svinga rovutsotso, akabwuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruvoko rwake.
4
Vanhu venyika iyo vakati vachivona chikara chakaremberera paruvoko rwake, vakataurirana, vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu muvurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.
5
Asi iye wakazuzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa.
6
Ivo vakati uchazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakavona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti: Iye ndimwari.
7
Zvino pedo ipapo paiva neminda yomukuru wechiwi, wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
8
Zvino baba vaPubhirio vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivhiri nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa mavoko ake pamusoro pavo, akavaporesa.
9
Izvo zvakati zvaitwa, navamwevo vechiwi, vairwara, vakavuya, vakaporeswa.
10
Vakatikudza nokukudza kukuru; tichizoenda vakaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishaiwa.
11
Mwedzi mitatu yakati yapfuvura, tikaenda nechikepe cheArekizandiria, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti Dioskuri.
12
Zvino tikaenda napaSirakuse, tikagara.po mazuva matatu.
13
Tikabvapo, tikapota ndokusvika Regio; zuva rimwe rikati rapfuvura, mhepo yaibva zasi ikasimuka, tikasvika Puteori nezuva repiri;
14
tikawanapo hama, dzakakumbira zvikuru kuti tigare nadzo mazuva manomwe; naizvozvo tikasvika Roma.
15
Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikavuya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTaberne Nhatu; Pauro akati adzivona idzo, akavonga Mwari, akatsunga moyo.
16
Zvino takati tapinda Roma, mubati wechuru akaisa vasungwa kumutungamiriri mukuru, Pauro akatenderwa kugara ari oga, anomurwi waimurinda.
17
Mazuva matatu akati apfuvura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vavungana, akati kwavari: Varume, hama, kunyange ndisina kuitira vanhu chinhu chakaipa, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusarema ndakasungwa, ndaiswa pamavoko avaRoma;
18
ivo, vakati vandibvunzisisa, vakada kundisunungura, nokuti pakanga pasinemhosva yorufu kwandiri.
19
Asi vaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuzviisa kuna Kesari; kusi kuti ndaiva nechinhu chokupomera rudzi rwangu.
20
Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuvonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa neketani iri nokuda kwetariro yavaIsraeri.
21
Vakati kwaari: Hatina kugamuchira mwadhi pamusoro pako, dzaibva Judhiya, uye hakunomumwe wehama wakasvika akativudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.
22
Asi tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kose-kose.
23
Zvino vakati vamutarira zuva, vakavuya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo vushe bwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurairo waMozisi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.
24
Vamwe vakatenda zvakataurwa, asi vamwe havana kutenda.
25
Zvino zvavakanga vasinganzwani, vakaenda, Pauro akataura shoko rimwe chete kwavari, rokuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka nomuporofita Isaya kunamadzibaba enyu,
26
achiti: Enda kuvanhu ava uti: Nokunzwa muchanzwa, musingatongonzwisisi nokuvona muchavona musingatongovonesesi.
27
Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongovona nemeso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemoyo yavo, Vatendevuke, Ndivaponese
28
Zvino zivai imi, kuti ruponeso urwu rwakatumirwa vahedheni; ivo vachanzwavo.
29
[Wakati ataura izvozvo, vaJudha vakaenda, vachiita nyaya huru pakati pavo.]
30
Iye akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari,
31
achiparidza vushe bwaMwari, achidzidzisa zvaShe Jesu Kristu, asingatongotyi, asingadziviswi nomunhu.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28