bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 25
Acts 25
Shona 2009?
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
1
Zvino Festo wakati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuvura, akakwira Jerusarema, achibva Kesaria.
2
vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamhangarira Pauro kwaari, vakamunyengetera,
3
vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusarema, kuti vamuvandire vamuvuraye panzira.
4
Asi Festo wakapindura, achiti Pauro wakachengetwa Kesaria, uye kuti iye amene wakanga okurumidza kuenda'ko.
5
Akati: Avo vanesimba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kunechinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva.
6
Akagara pakati pavo mazuva asingapfuvuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akaraira kuti vavuye naPauro.
7
Wakati asvika, vaJudha vakabva Jerusarema, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa.
8
Zvino Pauro akazvidavirira, akati: Handina kutadzira murairo wavaJudha, kana tembere, kana Kesari.
9
Zvino Festo achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati: Unoda here kukwira Jerusarema, undotongwa'ko pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi?
10
Ipapo Pauro akati: Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemivo zvakanaka.
11
Zvino kana ndinemhosva kana kuti ndakaita chinhu chakafanira rufu handirambi kufa; asi kana pasinechinhu chechokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakunomunhu ungandiisa mumavoko avo.Ndinozviisa kunaKesari.
12
Ipapo Festo akataurirana namakurukota, akapindura, akati: Wazviisa kunaKesari; kunaKesari uchaenda.
13
Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, mambo Agripa naBernike vakasvika Kesaria kuzokwazisa Festo.
14
Vakati vagara mazuva mazhinji, Festo akaisa mhosva yaPauro kunamambo, achiti: Kunomumwe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasungwa;
15
ndichiri paJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamumhangarira, vachikumbira kuti atongerwe rufu.
16
Ndikavapindura, ndikati; haizi tsika yavaRoma kutongera munhu rufu, uyo unopomerwa asati ambotarisana navanomupomera, akapiwa chinguva yokuzvipindurira pamusoro penyaya yaanopomerwa.
17
Zvino vakati vavungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikaraira kuti vavuye nomurume uyo.
18
Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo;
19
asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, nomumwe Jesu wakanga afa, wainzi naPauro mupenyu.
20
Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunzire wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusasrema kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo.
21
Pauro wakati azviisa kuna mambo mukuru ndikaraira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.
22
Ipapo Agripa akati kunaFesto; Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.
23
Fume mangwana Agripa wakati asvika naBhenike, vashonga kwazvo, vakapinda mumba maitambirwa mhaka, navatungamiriri vakuru, navakuru veguta, vakavuya naPauro varairwa naFesto.
24
Zvino Festo akati: Mambo Agripa, nemwi varume vose vaneni, munovona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusarema napano, vakadanidzira, vachiti: Haafaniri kuva mupenyu.
25
Asi ini ndakawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye zvaakakumbira kuiswa kunamambo mukuru, ndakati, ndichamutuma.
26
Asi handineshoko kwaro rechokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake, saka ndavuya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imwi mambo Agripa, kuti kana abvunzisiswa nemi, ndigova nezvandinganyora.
27
Nokuti kwandiri zvakaita sezvisina kufanira kutuma musungwa, mhosva dzaakakwirirwa nadzo dzisingaziviswivo.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28