bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 5
Acts 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
1
Asi mumwe murume, wainzi Ananiasi, wakatengesa fuma yake anaSafira mukadzi wake,
2
akasara nemumwe mugove pamutengo, mukadzi wake achizvizivavo, akavuya nomumwe mugove, ndokuuisa patsoka dzavapositora.
3
Asi Peturo akati: Ananiasi, Satani wazadzireiko moyo wako, kuti unyengere Mweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvomutengo womunda?
4
Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usi musimba nazvo here? Nemhaka yeiko waisa mumoyo mako chinhu ichi? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kunaMwari.
5
Ananiasi, wakati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa.
6
Majaya akasimuka akamuputira ndokumutakurira kunze ndokumuviga.
7
Nguva dzinege senhatu dzakati dzapfuvura, mukadzi wake akapinda asingazivi zvaitwa.
8
Peturo akapindura, akati: Ndivudze kana makatengesa munda nemari yakadai? Iye akati: Hongu, neyakadai.
9
Peturo akati kwaari: Maita seiko zvamarangana kuidza Mweya waShe? Tarira, tsoka dzavaviga murume wako, pamukova, vachakutakuriravo kunze.
10
Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake.
11
Kutya kukuru kukawira kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi.
12
Uye namaoko avapositora kwakaitwa zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvakaitwa pakati pavanhu; vose vaiva nomoyo mumwe pabiravira raSoromoni.
13
Asi pakati pavamwe kwakanga kusinomunhu wakatsunga kuzvisanganisa kwavari; asi vanhu vaivakudza zvikuru
14
Vatendi vakawedzerwa vakawanda kwazvo kunaIshe zvaunga zviviri vakadzi navarume, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kunaShe.
15
Kusvikira vatakurira varwere munzira dzomumusha, vakaradzika pamibhedha napanhovo, kuti mumvuri waPeturo achipfuura ufukidze umwe wavo.
16
Uye kwakauyawo chaunga chemaguta akapoteredza Jerusarema, vachivuya navarwere, navaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vose.
17
Zvino muprista mukuru akasimuka, navose vaiva naye vaiva vechikamu chevaSajusi, vanegodo kwazvo;
18
vakabata vapositora vakavaisa mutirongo maipinzwa vanhu vose.
19
Asi mutumwa waShe wakazarura mikova yetirongo vusiku akavabudisa akati:
20
Endai, mumire muchitaura mutembere kuvanhu mashoko ose ovupenyu ubwu.
21
Vakati vachinzwa, vakapinda mutembere mangwanani, vakadzidzisa. Zvino muprista mukuru akasvika navaiva naye, vakakokera makurukota nevungano yose yavakuru vavana vaIsraeri; vakatumira \add vanhu\add* kutirongo kuti vavuye navo.
22
Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutirongo; vakadzoka, vakavavudza izvozvo,
23
tvachiti irongo zvirokwazvo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vamire panze pamikova; asi tati tichizarura, tikasawana munhu mukati.
24
Zvino Muprista nomukuru wetembere navaprista vakuru vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakahadzika pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini.
25
Ipapo mumwe munhu akasvika akavavudza achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutirongo, vamire mutembere, vachidzidzisa vanhu.
26
Zvino mutungamiriri wavarwi, navatariri, vakaenda, vakavuya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu kuti zvimwe vangatakwa namabwe.
27
Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. Muprista mukuru akavabvunza
28
achiti: Ko hatina kukurairai zvikuru kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu; muchida kuti ropa romunhu uyu rivuye pamusoro pedu.
29
Zvino Peturo navapositora vakapindura vakati: Tinofanira kuteerera Mwari panokuteerera vanhu.
30
Mwari wamadzibaba edu wakamutsa Jesu iye wamakavuraya imwi muchimuturika pamuti,
31
Mwari wakamusimudza iye noruvoko rwake rworudyi, \add ave\add* Mutungamiriri noMuponesi, kuti ape vaIsraeri kutendevuka nekangamwiro yezvivi.
32
Isu tiri zvapupu zvamashoko iwawa; noMweya Mutsvenevo, Mwari waakapa ivo vanomuteerera.
33
Zvino ivo vakati vanzwa vakafa neshungu, vakarangana kuvavuraya.
34
Ipapo mumwe muFarisi akasimuka pamakurukota, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa navanhu vose, akaraira kuti vapositora vabudiswe chinguva chiduku;
35
akati kwavari: Varume vaIsraeri, zvichenjererei maererano nezvamunoda kuitira vanhu ava.
36
Nokuti mberi kwemazuva awa kwakambomuka Tudasi, achizvikudza \add kuti\add* munhu, vanhu vanenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye akavurawa, navose vaimuteerera vakaparadzirwa, nokuparadzwa.
37
Shure komunhu uyu kukamuka Judhasi weGariri, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuteerera, vakaparadzirwa.
38
Zvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvasiye vakadaro, nokuti kana zano iri nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa.
39
Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwari.
40
Vakamuteerera; ipapo vakati vadana vapositora vakarova, vakavaraira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.
41
Ipapo vakabva pazviso zvamakurukota, vachifara, kuti vakafanirwa kunyadziswa nokuda kwezita rake.
42
Uye mazuva ose havana kurega kudzidzisa, nokuparidza zvaKristu Jesu, mutembere kana kudzimba dzavo.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28