bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 20
Acts 20
Shona 2009?
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
1
Bopoto rakati ranyarara, Pauro akadana vadzidzi, akavaraira, ndokuwonekana navo, akabva achida kuenda Makedhonia.
2
Akagura namativi enyika idzo, akaraira vatendi namashoko mazhinji, ndokusvika panyika yavaGiriki.
3
Akati agara mwedzi mitatu, rangano yakaipa ikaitwa navaJudha pamusoro pake, oda kuenda Siria nechikepe, akati ndodzokera napaMakedhonia.
4
Akaperekedzwa naSopatro weBheriya, mwanakomana waPiro; naAristarko naSekundo, veTesaronika; naGayo weDerbe, naTimotio; uye Tikiko naTrofimo veAsia.
5
Ivo vakatungamira, vakatimirira paTroa.
6
Isu tikabva Firipi nechikepe mazuva ezvingwa zvisinembiriso apfuvura; tikasvika kwavari paTroa namazuva mashanu; tikagarapo, mazuva manomwe.
7
Zvino nomusi wokutanga wevhiki, takavungana kuti timedure chingwa, Pauro akataurirana navo, achida kuenda mangwana; akaramba achiparidza shoko kusvikira pakati povusiku.
8
Kwakanga kunemwenje mizhinji muimba yokumusoro matakanga tavungana.
9
Zvino pahwindi pakanga pagere rimwe jaya, rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo, zvino Pauro, wakati achingoramba achiparidza, iye akabatwa nehope, akawira pasi, achibva paimba yechitatu yokumusoro, akasimudzwa afa.
10
Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati: Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.
11
Zvino wakati akwirazve kumusoro, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda.
12
Vakavuya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.
13
Asi isu takatungamira kuchikepe, tikaenda Aso, tichida kutora Pauro ipapo, nokuti wakanga araira saizvozvo, iye achida kufamba namakumbo.
14
Takati tasongana naye paAso, tikamutora, tikandosvika Mitirene;
15
tikabva ipapo nechikepe, fume mangwana tikasvika pakatarisana neKiyo; fume mangwana tikapfuvura napaSamo; fume mangwana zve tikasvika Mireto.
16
Nokuti Pauro wakanga achiti: Ndichapfuvura Efeso nechikepe, kuti arege kunonoka paAsia; nokuti wakanga achikurumidza kuti kana zvichibvira ave Jerusarema nezuva rePendekosita.
17
Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke.
18
Vakati vasvika kwaari, akati kwavari: imwi munoziva mugarire wangu pakati penyu nguva dzose, kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia;
19
ndichibatira Ishe nokuzvininipisa zvikuru, nemisodzi, namatambudziko akandiwira nerangano dzakaipa dzavaJudha;
20
kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose;
21
ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki, kuti vatendevukire kunaMwari, nokutenda kunaShe wedu Jesu Kristu.
22
Zvino tarirai, ndinoenda Jerusarema ndakasungwa pamweya ndisingazivi zvichandiwira ikoko;
23
asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti kusungwa nenhamo zvakandigarira.
24
Asi hakuna chimwe chezvinhu izvi chinondidzosera shure uye handiverengi kuti upenyu hwangu hunokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nomufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rokupupura kwazvo evhangeri yenyasha dzaMwari.
25
Zvino tarirai, ndinoziva kuti imwi mose, vandakafamba pakati penyu, ndichiparidza vushe bwaMwari hamuchazovoni chiso changu.
26
Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa ravanhu vose.
27
Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kose kwaMwari.
28
Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitwa vatariri varo noMweya Mutsene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.
29
Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.
30
Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.
31
Naizvozvo rindai, murangarire kuti makore matatu handina kurega vusiku namasikati kuraira mumwe nomumwe nemisodzi.
32
Zvino hama dzangu ndinokuisai kunaShe, neshoko renyasha dzake, iye unesimba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose.
33
Handina kuchochora sirivheri, kana ndarama, kana nguvo dzomunhu mumwe.
34
Hongu munoziva imwi mumene, kuti mavoko awa akabatira kushaiwa kwangu nokwavanhu vandaiva navo.
35
Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasinesimba, nokurangarira mashoko aShe Jesu, sezvaakataura amene achiti: Kupa kuna maropafadzo kupfuvura kugamuchira.
36
Wakati ataura izvozvo, akafugama, akanyengetera navo vose.
37
Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakawonekana naye nokumusveta,
38
vaneshungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazovoni chiso chake. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28