bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 19
Acts 19
Shona 2009?
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
1
Zvino Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi,
2
akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here? vakati kwaari kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene uripo.
3
Akati: ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwupiko? Vakati: Norubhabhatidzo rwaJohwani.
4
Zvino Pauro akati: Johwani wakabhabhatidza norubhabhatidzo rwokutendevuka, achivudza vanhu kuti vatende kunaiye unozovuya shure kwake, iye Jesu Kristu.
5
Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raShe Jesu,
6
Zvino Pauro wakati aisa mavoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akavuya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita.
7
Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri.
8
Zvino wakapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko ovushe bwaMwari.
9
Asi vamwe vakati vachiwomesa moyo, vasingateereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji akabva kwavari, akataura navadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano.
10
Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raShe Jesu, vaJudha navaGiriki.
11
NaMwari akaita zvishamiso nemavoko aPauro,
12
nokudaro micheka nenguvo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda.
13
Zvino vamwe vaJudha, vavuki, vaipota-pota, vakaidza kudana zita raShe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.
14
Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, wainzi Sikevha, muprista mukuru, vaiita izvozvo.
15
Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imwi ndimi vana aniko?
16
Ipapo munhu waiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasinenguvo, vakuvadzwa.
17
Izvozvo zvakazikamwa navose vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita raShe Jesu rikakudzwa.
18
Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakavuya, vakazvirevurura, nokurondedzera mabasa avo.
19
Navamwe vazhinji vaiita zvovun'anga, vakavunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivheri anezvuru zvinamakumi mashanu.*
20
Naizvozvo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda.
21
Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedhonia neAkaya, achiti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundovona Romavo.
22
Zvino akatumira Makedhonia vaviri vavaimushumira, vanaTimoito naErasto, iye amene akagara Ezhiya nguva duku.
23
Zvino nenguva iyo bope guru rikavapo pamusoro peNzira iyo.
24
Nokuti mumwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, waifumisa zvikuru mhizha dzapo.
25
Akavavunganidza ivo pamwe chete navamwe vabati vezvakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana fuma yedu.
26
Zvino munovona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namavoko havazi vamwari.
27
Zvino njodzi ndiyo kuti habwuzi vumhizha bweduchetebwungazvidzwa, asi kuti tembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichashovorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe pavukuru bwake.
28
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!
29
Guta rikakanganiswa kwazvo; vakamhanyira nomoyo mumwe panzvimbo paitambwa, vabata Gayo naAristarko, varume veMakedhonia, vaiperekedza Pauro.
30
Zvino Pauro akada kupinda kuvanhu, vadzidzi vakasamutendera.
31
Navamwe vakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo paitambwa.
32
Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwe zve; nokuti vungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakavunganira.
33
Ipapo vakabudisa Arekisandro mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Areksandro akaninira noruvoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu.
34
Ipapo vakati vachivona kuti iye muJudha, inzwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru!
35
Zvino munyori weguta wakanyaradza vanhu, akati: Varume veEfeso, munhu ndoupiko usingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiro mushumiri wamwari kadzi mukuru Dhiana nowechifananidzo chakawa kubva kunaJupiteri.
36
Zvazvisingagoni kurambwa izvozvi, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nokusarangarira kwazvo.
37
Nokuti mavuya navarume ava, vasati vari mbavha dzetembere kana vamhuri vamwarikadzi wedu.
38
Zvino kana Dhemetrio nedzimwe mhizha dzinaye vanemhosva nomunhu, misi yokutonga iripo, navatongi varipo; ngavakwirirane havo.
39
Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu pamusoro pedzimwe mhosva, zvingatemwa pavungano yakafanira.
40
Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamusoro pebope ranhasi, zvakusinemhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamusoro pemhere-mhere iyi.
41
Wakati ataura izvozvo, akaendisa vungano.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28