bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 4
Acts 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
1
Zvino vakati vachataura kuvanhu, vaprista nomukuru wetembere navaSajhusi vakavuya kwavari,
2
vashungurudzika kuti va vaidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa munaJesu.
3
Vakavabata, vakaisa mutirongo kusvikira kwaedza; nokuti akanga ava madekwana.
4
Asi vazhinji kunavakanzwa shoko vakatenda; uwandu hwavarume vanosvika zvuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo.
5
Zvino zvakaitika chifume kwakaungana vabati vavo, navakuru, navanyori paJerusarema;
6
naAnasi, muprista mukuru, naKayafasi, naJohwani, naArekizandira, nehama dzose dzomuprista mukuru vakavungana vose paJesursarema.
7
Vakavaisa pakati pavo, vakabvunza, vachiti: Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?
8
Zvino Peturo, akazadzwa noMweya Mutsvene, akati kwavari: imwi vabati vavanhu,navakuru vavaIsraeri.
9
kana isu tichibvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, \add kuti\add* wakaponeswa sei;
10
ngazvizikamwe kwamuri mose, nokuvanhu vose vaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera, iye wakamutswa naMwari kuvakafa, naye munhu uyu umire pano pamberi penyu apora.
11
Iri ndiro ibwe rakarashwa nemwi vavaki, rakazova musoro wekona.
12
Uyezve hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakunerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingaponeswa naro.
13
Zvino vakati vachivona kusatya kwaPeturo naJohwani, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu.
14
Vakavonavo munhu wakanga aporeswa amire navo, vakashaiwa chavanga\add zvi\add*pikisa.
15
Zvino vakati vavaraira kuti vabude parutivi kunze kwevungano, vakarangana pakati pavo,
16
vachiti: Tichavaita seiko navanhu ava? Nokuti chiratidzo chinoonekwa chaitwa navo kuratidza kuvanhu vose vagere Jerusarema, hatigoni kuzviramba.
17
Asi kuti zvirege kuramba zvichipararira pakati pevanhu, ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri.
18
Vakavadana, vakavaraira kuti varege kutongotaura kana kudzidzisa nezita raJesu.
19
Asi Peturo naJohwani vakapindura, vakati kwavari: Tongai henyu imwi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuteerera imwi kupfuvura Mwari.
20
Nokuti hatingaregi isu kurega kutaura zvatakavona, nezvatakanzwa.
21
Zvino vakati vawedzera kuvayambira, vakavaregedza, vasingawani chinhu chavangavarangira nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa;
22
nokuti munhu wakanga wakanga anamakore anopfuura makumi mana akaitirwa chiratidzo paari.
23
Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandopira zvose zvavakanga vavudzwa navaprista vakuru navakuru.
24
Ivo vakati vanzwa, vakasimudzira inzwi kunaMwari nomoyo mumwe, vakati: Tenzi, ndimwi Mwari makaita denga napasi, negungwa nezvose zviri mukati mazvo;
25
wamakareva nomuranda wenyu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti: Vahedheni vakaitireiko hasha, Navanhu vakafungireiko zvisina maturo?
26
Madzimambo enyika akasimuka, navabati vakavungana pamwe chete, kumirisana naShe naKristu wake.
27
Nokuti zvirokwazvo vose Herodhe, naPondio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsraeri vakaungana kumirisana naJesu Muranda wenyu mutsvene wamakazodza,
28
kuti zvose ruoko rwenyu nezano renyu zvazvakatema; nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutsvene.
29
Zvino, Ishe, tarirai kuyambira kwavo, mupe varanda venyu kuti vataure shoko renyu varingatongotyi,
30
Mukutambanudza ruvoko rwenyu kuporesa; neziratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu Mwanakomana wenyu mutsvene.
31
Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakanga vakavungana pairi ikazununguswa; vakazadzwa vose noMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.
32
Zvino chaunga chose chavaitenda vaiva nomoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusinomumwe waiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose.
33
Nesimba guru vapositora vakapa vuchapupu hwokumuka kwaJesu; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose.
34
Nokuti pakanga pasina pakati pavo waishaiwa, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakavuya nomutengo wezvakate ngeswa.
35
vakazviisa patsoka dzavapositora; mumwe nomumwe akagoverwa paakashaiwa napo.
36
NaJosefa, wakatumidzwa navapositora, Bhanabhasi, (ndokuti Mwanakomana wokunyaradza, kana zvichishandurwa), muRevhi, munhu weKupro parudzi rwake,
37
waiva nomunda, akautengesa, akavuya nemari akaisa patsoka dzavapositora.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28