bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 8
Acts 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
1
Sauro wakanga achitenda kuvurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhiya neSamaria, vakasara vapositora bedzi.
2
Varume vakarurama vakaviga Stefano, vakamuchema zvikuru.
3
Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutirongo.
4
Zvino avo vakaparadzirwa, vakapotenyika, vachiparidza shoko.
5
NaFiripi wakaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu.
6
Vanhu vazhinji vakateerera nomoyo mumwe zvairebwa naFiripi, vachinzwa nokuvona zviratidzo zvaakanga achiita.
7
Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nenzwi guru; navazhinji vakanga vakawoma mitezo navaikamhina vakaporeswa.
8
Mufaro mukuru ukavapo paguta iro.
9
Zvino kwakanga kunomumwe murume, wainzi Simoni, waiva n'anga kare paguta iro, waishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru.
10
Vose, vaduku navakuru, vakamuteerera, vachiti: Uyu munhu isimba guru raMwari,
11
Vakamuteerera, nokuti wakanga avashamisa novun'anga bwake nguva huru.
12
Zvino vakati vatenda Firipi, wakaparidza mashoko ovushe bwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi.
13
Naiye Simoni akatendavo, ndokubhabhatidzwavo, akagara naFiripi; akashamiswa, achivona zviratidzo namabasa esimba makuru, akanga achiitwa.
14
Zvino vapositora vaiva paJerusarema, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Peturo naJohwani kwavari.
15
Ivo vakaburukira'ko, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene;
16
nokuti wakanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raShe Jesu bedzi.
17
Ipapo vakaisa mavoko avo pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.
18
Zvino Simoni wakati achivona kuti Mweya Mutsvene wapiwa nokuiswa kwamavoko avapositora, akavuya kwavari nemari,
19
achiti: Ndipei nenivo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa mavoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.
20
Zvino Peturo akati kwaari: Sirivheri yako ngaiparadzwe pamwechete newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari.
21
Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.
22
Naizvozvo tendevuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti zvimwe ukangamwirwe murangariro womwoyo wako.
23
Nokuti ndinovona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.
24
Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire zvikuru imwi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.
25
Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raShe, vakadzokera zve Jerusarema, vachiparidza evhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.
26
Zvino mutumwa waShe akataura naFiripi, akati: Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusarema ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.
27
Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waichengeta fuma yake yose, wakanga avuya Jerusarema kuzonamata;
28
wakanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya.
29
Mweya akati kunaFiripi: Swedera, urambire pangoro iyo.
30
Firipi akamhanyira'ko, akamunzwa achirava muporofita Isaya, akati: Unonzwisisa zvaunorava here?
31
Iye akati: Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri? Akakumbira zvikuru kunaFiripi kuti akwire, agare naye.
32
Zvino paakanga achirava paRugwaro paiti: Wakaiswa pakubayiwa segwai; Segwayana rinyerere pamberi pomuvevuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake;
33
Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; Ndianiko ucharondedzera rudzi rwake? Nokuti vupenyu bwake bwunobviswa panyika.
34
Muranda akapindura Firipi, akati: Ndinokumbira kwauri, undivudze kuti muporofita unoreva aniko achidaro? Unozvireva iye amene, kana mumwe?
35
Ipapo Firipi akashamisa muromo wake; akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu.
36
Zvino vakati vachifamba munzira akati: Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?
37
[Firipi akati: Kana uchitenda nomoyo wako wose, zvingaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.]
38
Akaraira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipi nomuranda; akamubhabhatidza.
39
Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waShe ukabvisa Firipi; muranda akasazomuvona zve; nokuti wakafamba rwendo rwake, achifara.
40
Asi Firipi wakawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza evhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28