bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 9
Acts 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
1
Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuvuraya vadzidzi vaShe, wakaenda kumuprista mukuru,,
2
akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamaseko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, avuye navo Jerusarema vakasungwa.
3
Zvino wakati ari parwendo, oswedera pedo neDhamaseko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose,
4
akawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?
5
Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [zvinokuremera kupfura zvibayiso.
6
Iye achidedera nokutya, akati: Ishe, munoda kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, uchandovudzwa zvaunofanira kuita.
7
Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa inzwi, asi vasingavoni munhu.
8
Zvino Sauro akasimuka pasi; asi achisvunudza meso ake, haana kuvona chinhu; vakamubata ruvoko, vakaenda naye Dhamaseko.
9
Akaita mazuva matatu, asingavoni, asingadyi, asingamwi chinhu.
10
Zvino paDhamaseko pakanga panomumwe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe!
11
Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu unonzi Sauro weTaso; nokuti tarira, unonyengetera;
12
naiye wakavona murume, unonzi Ananiasi achipinda, achiisa mavoko ake pamusoro pake, kuti avone zve.
13
Zvino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti wakaitira vatsvene venyu paJerusarema zvakaipa zvizhinji;
14
napano unesimba raakapiwa navaprista vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.
15
Asi Ishe, akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsraeri;
16
nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.
17
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa mavoko ake pamusoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakazviratidza kwauri munzira yawakavuya nayo, wakandituma, kuti uvone zve, uzadzwe noMweya Mutsvene.
18
Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akavona zve; akasimuka, ndokusimbiswa.
19
Akagara navadzidzi paDhamaseko mamwe mazuva.
20
Pakarepo akaparidza Kristu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari.
21
Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati: Ko uyu haazi iye waiparadza vaidana kuzita iri paJerusarema here, akavuyira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvaprista vakuru?
22
Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamaseko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu.
23
Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuvuraye.
24
Asi kurangana kwavo kwakazikamwa naSauro. Vakarindavo masuvo masikati novusiku, kuti vamuvuraye.
25
Zvino vadzidzi vake vakamutora vusiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu.
26
Zvino wakati asvika Jerusarema, akaidza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose vasingatendi kuti wava mudzidzi.
27
Zvino Bharnabhasi akamutora, akaenda naye kuvapositora, ndokuvarondedzera kuti wakavona Ishe munzira, uye kuti wakataura naye, uye kuti wakaparidza nezita raJesu paDhamaseko asingatyi.
28
Akagara navo paJerusarema, achifambidzana navo,
29
akaparidza nezita raShe asingatyi. Akataura nokuita nharo navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaidza kumuvuraya.
30
Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzikamuburusira Kesaria, ndokumutumira Taso.
31
Zvino kereke yakanga inorugare paJudhiya rose neGariri, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa noMweya Mutsvene.
32
Zvino Peturo wakati achipota nyika kose, akaburukiravo kuvatsvene vakanga vagere Ridha,
33
Akawanapo mumwe munhu, wainzi Eneasi, wakanga avete panhovo makore masere, akawoma mitezo.
34
Peturo akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka,, uwarure nhovo dzako! Akasimuka pakarepo.
35
Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuvona, vakatendevukira kunaShe.
36
Zvino paJopa pakanga panomukadzi waiva mudzidzi, wainzi Tabhita, ndokuti Dorkasi, kana zvichishandurwa. Iye wakashingaira zvikuru pamabasa akanaka nezvipo.
37
Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro,
38
Zvino Ridha zvawakanga uri pedo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Peturo uripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti: Usanonoka hako kuvuya kwatiri.
39
Ipapo Peturo akasimuka, akaenda navo. Wakati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokupfeka nenguvo, dzavakanga vaitirwa naDorkasi, achiri navo.
40
Zvino Peturo akavabudisira panze vose, akafugama, akanyengetera, ndokutendevukira kumutumbi, akati: Tabhita, muka! Akasvunura meso ake; zvino wakati achivona Peturo, akagara.
41
Akamubata noruvoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu.
42
Zvikazikamwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kunaShe.
43
Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kunomumwe Simoni, musuki wamatebwe.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28