bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Acts 14
Acts 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
1
Zvino paIkonio vakapinda pamwechete vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinji-zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda.
2
Asi vaJudha vasina kuteerera, vakamutsa moyo yavahedheni, kuti vavenge hama.
3
Naizvozvo vakagarapo nguva refu, vachitaura munaShe vasingatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akavapa simba kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe namavoko avo.
4
Asi vanhu vazhinji veguta vakapesana, vamwe vakava kuvaJudha, vamwe kuvapositora.
5
Zvino vahedheni, navaJudha, navabati vavo vakati vachivavarira kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe;
6
ivo vakazviziva, vakatizira Ristra neDerbe, aiva maguta eRikaonia, nokunyika yakapoteredza;
7
vakaparidzira evhangeri ikoko.
8
Zvino paRistra paigara mumwe murume wakanga asinesimba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.
9
Iye wakanzwa Pauro achitaura; zvino iye wakati achimutarisisa, akavona kuti unokutenda kuti ungaporeswa,
10
akati nenzwi guru: Mira kwazvo netsoka dzako. Iye akavhazuka, akafamba.
11
Vanhu vazhinji vakati vavona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikaonia, vachiti: Vamwari vaburukira kwatiri, vakaita savanhu.
12
Bharnabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merkurio, nokuti ndiye waiva mutauri mukuru.
13
Ipapo muprista waJupiteri waiva netembere yake pamberi peguta, akavuya pamasuvo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, anavanhu vazhinji naye.
14
Zvino vapositora, Bharnabhasi naPauro, vakati vachinzwa izozvo, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira.
15
vachiti: Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semivo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaizvozvo zvisinamaturo, mutendevukire kunaMwari mupenyu wakaita denga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.
16
Iye, panguva dzakapfuvura wakatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.
17
Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza moyo yenyu nezvokudya nomufaro.
18
Nokutaura kwavo saizvozvo, vakatambura kwazvo kudzivisa vanhu kuti varege kuvabayira.
19
Ipapo vaJudha vakabva Antiokia neIkonio, vakasvika, vakamutsa moyo yavanhu vazhinji, vakataka Pauro namabwe, vakamukwevera kunze kweguta vachiti wafa.
20
Asi vadzidzi vakati vamukomba, iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Dhebhe naBharnabhasi.
21
Vakati vaparidza evhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Ristra, neIkonio, neAntiokia,
22
vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivaraira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda vushe bwaMwari namatambudziko mazhinji.
23
Vakavasanangurira vakuru pakereke imwe neimwe, vakanyengetera, vachitsanya, vakavaisa kunaShe, wavaitenda.
24
Vakagura nePisidia, ndokusvika Pamfiria.
25
Vakati vaparidza shoko paPerga, vakaburukira Ataria.
26
Vakabvapo, vakaenda Antiokia nechikepe, apo pavakanga vaiswa panyasha dzaMwari kubata basa ravakanga vapedzisa zvino.
27
Vakati vasvika, vakavunganidza kereke, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, uye kuti wakanga azarurira vahedheni mukova wokutenda.
28
Vakagara nguva huru navadzidzi.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28