bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 1
1 Kings 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 2 →
1
Ɀino mambo Davidi wakaŋga akwegura, aʋa namakore mazhinji; ʋakamufukidza namacira, asi haana‐kudziyirwa.
2
Naiɀoɀo ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Ishe waŋgu mambo ŋgaatȿakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, aʋaceŋgete, aʋate pacifuʋa cenyu, kuti ishe waŋgu mambo ʋadziyirwe.
3
Ipapo ʋakatȿaka musikana wakanaka panyika yose yaIsraeri, ʋakawana Abishagi muShunami, ʋakamuisa kunamambo.
4
Uyu musikana wakaŋga akanaka kwaɀo, akaceŋgeta mambo, akamushandira, asi mambo haana‐kupinda kwaari.
5
Ɀino Adonia mŋanakomana waHagiti wakaɀikudza, akati: Ini ndicaʋa mambo; akaɀigadzirira ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza, naʋarume ʋanamakumi mashanu kuzomhanya pamberi pake.
6
Asi ɓaɓa ʋake ʋakaŋga ʋasina‐kutoŋgomuraira paʋupenyu bgake bgose, ʋaciti: Unoitireiko kuɗaro? Wakaŋga ari murume wakanaka kwaɀo pamuʋiri wake; wakaŋga aciteʋera Absaromi pakuɀarwa kwake.
7
Akaraŋgana naJoabi, mŋanakomana waZeruya, naAbiatari muprista, iʋo ʋakateʋera Adonia, ʋakamuɓatsira.
8
Asi Zadoki muprista, naBenaya mŋanakomana waJehoyada, naNatani muprofita, naShimei, naRei, nemhare dzakaŋga dzinaDavidi, haʋana‐kuteʋera Adonia.
9
Adonia akaɓaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabge reZohereti, raiʋa paEni‐rogeri, akaɗana hama dzake dzose iʋo ʋanakomana ʋamambo, naʋarume ʋose ʋaJuda, ʋaranda ʋamambo;
10
asi haana‐kuɗana Natani muprofita, naBenaya, nemhare, naSoromoni munuŋuna wake.
11
Ipapo Natani akataura naBati‐sheba mai ʋaSoromoni, akati: Hauna‐kunzwa here kuti Adonia mŋanakomana waHagiti, woɓata ʋushe, asi Davidi ishe weɗu haaɀiziʋi?
12
Naiɀoɀo ɀino ʋuya ndikupe zano, kuti urwire ʋupenyu bgako, noʋupenyu bgomŋanakomana wako Soromoni.
13
Enda upinde kunamambo Davidi, uti kwaari: Ishe waŋgu mambo, hamunakupikira murandakadzi wenyu here, mukati: Ɀirokwaɀo, Soromoni mŋanakomana wako, ndiye ucanditeʋera paʋushe, iye ucagara pacigaro caŋgu coʋushe? Ɀino Adonia unoɓatireiko ʋushe?
14
Ɀino tarira, iwe uciri pakutaura namambo, ini ndicapinda ʋo shure kwako, ndicisimbisa mashoko ako.
15
Bati‐sheba akapinda kunamambo mumba; ɀino mambo wakaŋga akwegura kwaɀo, Abishagi muShunemi waishandira mambo.
16
Ipapo Bati‐sheba akakotama, akanamata kunamambo. Mambo akati: Unoreʋeiko?
17
Iye akati kwaari: Ishe waŋgu, imi makapikira murandakadzi wenyu naJehova Mŋari wenyu, mukati: Ɀirokwaɀo, Soromoni mŋanakomana wako ndiye ucanditeʋera paʋushe, ndiye ucagara pacigaro caŋgu coʋushe.
18
Asi ɀino tarirai, Adonia woɓata ʋushe; asi imi ishe waŋgu mambo, hamuɀiziʋi.
19
Iye waɓaya nzombe, nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akaɗana ʋanakomana ʋose ʋamambo, naAbiatari muprista, naJoabi mukuru wehondo, asi haana‐kuɗana Soromoni muranda wenyu.
20
Ɀino ishe waŋgu mambo, meso aʋaIsraeri ʋose anotarira kwamuri, kuti muʋaʋudze kuti ndianiko unofanira kukuteʋerai pakugara pacigaro coʋushe cashe waŋgu mambo.
21
Kana musiŋgaɗaro, kana ishe waŋgu mambo aʋata namadziɓaɓa ake, ini nomŋanakomana waŋgu Soromoni ticaidzwa ʋatadzi.
22
Ɀino wakati acataura namambo, Natani muprofita akapinda ʋo.
23
Ʋakaʋudza mambo, ʋakati: Natani muprofita waȿika. Iye wakati apinda pamberi pamambo, akakotamira pasi neciso cake pamberi pamambo.
24
Ɀino Natani akati: Ishe waŋgu, mambo, makareʋa here kuti Adonia ucakuteʋerai pakuɓata ʋushe, ucagara pacigaro cenyu coʋushe here?
25
Nokuti waɓuruka nhasi, akaɓaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akaɗana ʋanakomana ʋose ʋamambo, naʋakuru ʋehondo, naAbiatari muprista; tarirai, ʋodya nokunwa pamberi pake, ʋaciti: Mambo Adonia ŋgaararame!
26
Asi ini muranda wenyu, naZadoki muprista, naBenaya mŋanakomana waJehoyada, nomuranda wenyu Soromoni, haana‐kutiɗana.
27
Cinhu ici cinoitwa nashe waŋgu mambo here, mukasaziʋisa ʋaranda ʋenyu kuti ndianiko unofanira kukuteʋerai pakugara pacigaro coʋushe cashe waŋgu mambo?
28
Ipapo mambo Davidi akapindura, akati: Ndiɗanirei Bati‐sheba. Iye akapinda kunamambo, akamira pamberi pamambo.
29
Ɀino mambo akapika, akati: NaJehova mupenyu, iye wakadzikinura ʋupenyu bgaŋgu panjodzi dzose,
30
ɀirokwaɀo, seɀandakakupikira naJehova Mŋari waIsraeri, ndiciti: Ɀirokwaɀo, Soromoni mŋanakomana wako ucanditeʋera paʋushe, ucagara pacigaro caŋgu coʋushe panɀimbo yaŋgu; ɀirokwaɀo ndicaɀiita nhasi.
31
Ipapo Bati‐sheba akakotamira pasi neciso cake, akafugamira mambo, akati: Ishe waŋgu mambo Davidi ŋgaararame nokusiŋgaperi.
32
Mambo Davidi akati: Ndiɗanirei Zadoki muprista, naNatani muprofita, naBenaya mŋanakomana waJehoyada. Iʋo ʋakapinda kunamambo.
33
Mambo akati kwaʋari: Endai naʋaranda ʋashe wenyu, mutaȿise Soromoni mŋanakomana waŋgu pahesera raŋgu, mumuɓurusire Gihoni;
34
Zadoki muprista naNatani muprofita ʋamuzodze ipapo, aʋe mambo waIsraeri; muridze hwamanda, muciti: Mambo Soromoni ŋgaararame.
35
Ɀino mukwire mucimuteʋera, iye aʋuye kuzogara pacigaro coʋushe, nokuti ucaʋa mambo panɀimbo yaŋgu; ini ndakaraira kuti aʋe mucinda waIsraeri nowaJuda.
36
Ipapo Benaya mŋanakomana waJehoyada, akapindura mambo, akati: Ameni! Jehova, Mŋari washe waŋgu mambo, unoɗaro ʋo.
37
Jehova seɀaaiʋa nashe waŋgu mambo, saiɀoɀo ʋo ŋgaaʋe naSoromoni, akurise cigaro cake coʋushe, cipfuʋure cigaro coʋushe cashe waŋgu mambo Davidi.
38
Ipapo Zadoki muprista, naNatani muprofita, naBenaya mŋanakomana waJehoyada, naʋaKereti naʋaPereti ʋakaɓuruka, ʋakataȿisa Soromoni pahesera ramambo Davidi, ʋakamuisa Gihoni.
39
Ɀino Zadoki muprista akatora gonaŋombe ramafuta paTente akazodza Soromoni. Ʋakaridza hwamanda, ʋanhu ʋose ʋakati: Mambo Soromoni ŋgaararame!
40
Ɀino ʋanhu ʋose ʋakakwira, ʋakamuteʋera; ʋanhu ʋakaridza nyere, ʋakafara nomufaro mukuru; naiɀoɀo nyika ikawuŋga nenzwi radzo.
41
Ɀino Adonia naʋose ʋakaŋga ʋakokwa naye, ʋakaɀinzwa, ʋapedza kudya. Ipapo Joabi wakati acinzwa inzwi rehwamanda, akati: Mhere‐mhere iyi inoitirweiko muguta, ɀaranyoŋganiswa?
42
Wakati acataura, Jonatani mŋanakomana waAbiatari muprista, akaȿika; Adonia akati kwaari: Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unoʋuya namashoko akanaka.
43
Ipapo Jonatani akapindura, akati kunaAdonia: Ɀirokwaɀo ishe weɗu mambo Davidi wakagadza Soromoni paʋushe.
44
Ʋuye mambo wakatuma Zadoki muprista, naNatani muprofita, naBenaya mŋanakomana waJehoyada, naʋaKereti naʋaPereti, ʋakamutaȿisa pahesera ramambo;
45
ʋuye Zadoki muprista, naNatani muprofita ʋakamuzodza paGihoni kuti aʋe mambo; ʋakabva ipapo, ʋakakwira nomufaro, naiɀoɀo guta rinowuŋga. Ndiyo mhere‐mhere yamanzwa.
46
Ɀino Soromoni wogara pacigaro coʋushe.
47
Ʋuye ʋo, ʋaranda ʋamambo ʋakaenda kuzokudza ishe weɗu mambo Davidi, ʋaciti: Mŋari ŋgaakurise zita raSoromoni, ripfuʋure zita renyu, akurise cigaro cake, cipfuʋure cigaro cenyu coʋushe; mambo akakotama panhoʋo dzake.
48
Ʋuye ɀe mambo wakataura akati: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, wakagadza mumŋe nhasi kuti agare pacigaro caŋgu coʋushe, meso aŋgu aciɀiʋona.
49
Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋakakokwa naAdonia ʋakatya, ʋakasimuka, mumŋe nomumŋe akaenda hake.
50
Adonia akatya nokuɗa kwaSoromoni, akasimuka, akandoɓata nyaŋga dzeartari.
51
Ɀino Soromoni akaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai, Adonia unotya mambo Soromoni, nokuti wandoɓata nyaŋga dzeartari, akati: Mambo Soromoni ŋgaandipikire nhasi, kuti haaŋgaʋurayi muranda wake nomunondo.
52
Ipapo Soromoni akati: Kana akazoʋa munhu kwaye, ruvudzi rwake kunyaŋge rumŋe haruŋgawiri pasi; asi kana ɀakaipa ɀikawanikwa maari, ucafa.
53
Naiɀoɀo mambo Soromoni akatuma ʋanhu, ʋakandomubvisa paartari. Akaʋuya, akanamata kunamambo Soromoni. Soromoni akati kwaari: Enda kumba kwako.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22