bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 18
1 Kings 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 19 →
1
Ɀino mazuʋa mazhinji akati apfuʋura, shoko raJehova rikaȿika kunaEria negore recitatu, riciti: Enda undoɀiratidza kunaAhabi; ndigotuma mvura panyika.
2
Ipapo Eria akandoɀiratidza kunaAhabi. Ɀino nzara yakaŋga yanyanya kwaɀo paSamaria.
3
Ahabi akaɗana Obadia, iye wakaŋga ari mutariri weimba yake. (Ɀino Obadia wakaŋga acitya Jehova kwaɀo;
4
nokuti neŋguʋa iyo Izeberi yaakaparadza nayo ʋaprofita ʋaJehova, Obadia wakatora ʋaprofita ʋanezana, akaʋaʋanza makumi mashanu namakumi mashanu ɀe muɓako, akaʋapa ciŋgwa nemvura.)
5
Ɀino Ahabi akati kunaObadia: Famba nenyika, kumatsime emvura, nokuhoʋa dzose; ɀimŋe tiŋgawana ɓundo, tiraramise mabiza namahesera, tirege kurashikirwa neɀipfuwo ɀose.
6
Naiɀoɀo ʋakagoʋana nyika, kuti ʋafambe nayo; Ahabi akaenda ari oga kunorumŋe rutiʋi, Obadia akaenda ʋo ari oga kunorumŋe rutiʋi.
7
Ɀino Obadia wakati ari panzira, Eria akasoŋgana naye; akamuziʋa, akawira pasi neciso cake, akati: Ndimi here, ishe waŋgu Eria?
8
Iye akamupindura, akati: Ndini; enda undoʋudza ishe wako, uti: Tarirai, Eria uri pano.
9
Iye akati: Ndatadzeiko, ɀamoɗa kuisa muranda wenyu mumaʋoko aAhabi, andiʋuraye?
10
NaJehova Mŋari wenyu mupenyu, hapanorudzi kana ʋushe kwaasina‐kutuma iye ishe waŋgu kukutȿakai; kana ʋakati: Haapo pano, waipikisa ʋushe ubgo kana rudzi urwo, kuti haʋana‐kukuwanai.
11
Ɀino moti: Enda undoʋudza ishe wako, uti: Eria uri pano.
12
Ɀimŋe ndicaŋgobva kwamuri, Mŋeya waJehova ndokukuisai kwandisiŋgaziʋi; ɀino kana ndikandoʋudza Ahabi, akakushaiwai, ucandiʋuraya; asi ini muranda wenyu ndinotya Jehova kubva paʋuɗuku bgaŋgu.
13
Ishe waŋgu haana‐kuʋudzwa here ɀandakaita paŋguʋa iya Izeberi yaakaʋuraya nayo ʋaprofita ʋaJehova, kuti ndakaʋanza ʋaprofita ʋaJehova ʋanezana, makumi mashanu namakumi mashanu muɓako, ndikaʋapa ɀiŋgwa nemvura?
14
Ɀino moti: Cindoʋudza ishe wako, uti: Eria uri pano; iye ucandiʋuraya.
15
Eria akati: NaJehova wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, ndicaɀiratidza kwaari nhasi ɀirokwaɀo.
16
Naiɀoɀo Obadia akaenda kunaAhabi, akamuʋudza, Ahabi akandosoŋgana naEria.
17
Ɀino Ahabi wakati aciʋona Eria, Ahabi akati kwaari: Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsraeri?
18
Iye akati: Ini handina‐kutambudza Israeri; asi ndiwe neimba yaɓaɓa ʋako, nokuti makasiya mirairo yaJehova, mukateʋera ʋaBaari.
19
Naiɀoɀo ɀino cituma ʋanhu uʋuŋganidze ʋaIsraeri ʋose pagomo reKarmeri, naʋaprofita ʋaBaari ʋanamazana manna namakumi mashanu, naʋaprofita ʋamatanda okunamata nawo ʋanamazana manna ʋanodya patafura yaIzeberi.
20
Naiɀoɀo Ahabi akatuma ʋanhu kuʋana ʋaIsraeri ʋose, akaʋuŋganidza ʋaprofita pagomo reKarmeri.
21
Ɀino Eria akasweɗera kuʋanhu ʋose, akati: Mucaramba mucifuŋga mifuŋgo miʋiri kuȿikira riniko? Kana Jehova ari Mŋari, mumuteʋere, kana ari Baari, mumuteʋere iye. Asi ʋanhu haʋana‐kupindura shoko rimŋe.
22
Ipapo Eria akati kuʋanhu: Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuʋaprofita ʋaJehova, asi ʋaprofita ʋaBaari ʋanoȿika ʋarume ʋanamazana manna namakumi mashanu.
23
Naiɀoɀo ŋgaʋatipe nzombe mbiri, iʋo ʋaɀitsaurire nzombe imŋe, ʋaiguranye, ʋaiise pamsoro pehuni, asi ʋarege kuisa mŋoto pasi payo; neni ʋo ndicagadzira imŋe nzombe, ndiciiisa pamsoro pehuni, asi ndisiŋgaisi mŋoto pasi payo.
24
Ɀino imi muɗane zita ramŋari wenyu, ini ndiɗane ʋo zita raJehova; Mŋari unopindura nomŋoto, iye ŋgaaʋe Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ɀarebga ɀakanaka.
25
Ipapo Eria akati kuʋaprofita ʋaBaari: Ciɀitsaurirai nzombe imŋe, mutaŋge kuigadzira, nokuti muri ʋazhinji; muɗane zita ramŋari wenyu, asi murege kuisa mŋoto pasi payo.
26
Iʋo ʋakatora nzombe yaʋakaŋga ʋapiwa, ʋakaigadzira, ʋakaɗana zita raBaari kubva maŋgwanani kuȿikira masikati makuru, ʋaciti: Baari, tinzwei! Asi kwakaŋga kusinenzwi kana unopindura. Ʋakapoteredza artari yakaŋga yaʋakwa ʋacipembera.
27
Ɀino paŋguʋa yamasikati makuru Eria akaʋaseka, akati: Ƌanidzirai kwaɀo; nokuti mŋari, ɀimŋe uri pakufuŋga, ɀimŋe waenda kumŋe, ɀimŋe wafamba rwendo, kana ɀimŋe uʋete hake, unofanira kumutswa.
28
Ipapo ʋakaɗanidzira kwaɀo, ʋakaɀiceka netsika dzaʋo neminondo namapfumo, kuȿikira ropa ricidzutuka kwaʋari.
29
Masikati makuru akati apfuʋura, ʋakaprofita kuȿikira paŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana; asi kwakaŋga kusinenzwi kana unopindura, kana wakaŋga aciterera.
30
Ipapo Eria akati kuʋanhu ʋose: Sweɗerai kwandiri; ʋanhu ʋose ʋakasweɗera kwaari. Ɀino wakagadzira artari yaJehova yakaŋga yaputswa.
31
Eria akatora mabge anegumi namaʋiri akaenzana namarudzi aʋana ʋaJakobo, iye, wakaŋga aʋudzwa naJehova, ɀicinzi: Zita rako ricanzi Israeri.
32
Akaʋaka artari namabge iwayo nezita raJehova, akacera goroŋga rakakomba artari rakaŋga rakaenzana napaŋgadɀarwa ɀiyero ɀiʋiri ɀeɀiyo.
33
Akaroŋga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamsoro pehuni, akati: Cizadzai ɀiroŋgo ɀinna nemvura, muiɗire pamsoro pecipiriso cinopiswa, napamsoro pehuni.
34
Akati: Itai iɀoɀo rwecipiri, ʋakaɀiita rwecipiri. Akati: Itai iɀoɀo rwecitatu; ʋakaɀiita rwecitatu.
35
Mvura ikayerera, ikapoteredza artari; akazadza negoroŋga ʋo nemvura.
36
Neŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana, muprofita Eria akasweɗera, akati: Imi Jehova, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaIsraeri, ŋgakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mŋari pakati paIsraeri, ʋuye kuti ini ndiri muranda wenyu, ʋuye kuti ndakaita iɀi ɀose ndarairwa nemi.
37
Ndinzwei Jehova, ndinzwei, kuti ʋanhu aʋa ʋaziʋe kuti imi Jehova ndimi Mŋari, ʋuye kuti ndimi makadzosa ɀe mŋoyo yaʋo.
38
Ipapo mŋoto waJehova wakaɓuruka, ukapedza cipiriso cinopiswa, nehuni, namabge, neguruʋa, ukananɀa mvura yakaŋga iri mugoroŋga.
39
Ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakati: Jehova ndiye Mŋari, Jehova ndiye Mŋari!
40
Eria akati kwaʋari: Ƃatai ʋaprofita ʋaBaari, ʋarege kupukunyuka kunyaŋge nomumŋe waʋo. Ʋakaʋaɓata. Eria akaɓuruka naʋo kurukoʋa Kishoni, akaʋaʋurayira’po.
41
Eria akati kunaAhabi: Ciroŋgedzai, mudye, munwe, nokuti kunokuwuŋga kwemvura zhinji.
42
Naiɀoɀo Ahabi akaroŋgedza kundodya nokunwa. Eria akakwira pamsoro pegomo reKarmeri, akagwaɗamira pasi, akaisa ciso cake pakati pamabvi ake;
43
akati kumuranda wake: Cikwira ɀino, utarire kurutiʋi rweguŋgwa. Akakwira akatarira, akati: Hakunecinhu. Akati: Enda ɀe, kanomŋe.
44
Ɀino paŋguʋa yecinomŋe akati: Tarirai, kunegore ɗuku, rinokwira ricibva muguŋgwa, rakafanana necanza comunhu. Akati: Enda, undoti kunaAhabi: Suŋgai ŋgoro yenyu, muɓuruke, kuti murege kudziʋirirwa nemvura.
45
Ɀino ŋguʋa ɗuku yakati yapfuʋura, ɗeŋga rikaȿiɓa namakore nemhepo, mvura zhinji ikanaya. Ahabi akaenda neŋgoro, akaȿika Jezreeri.
46
Ruʋoko rwaJehova rukasimbisa Eria; akaɀisuŋga ciʋuno cake, akamhanya pamberi paAhabi kuȿikira pasuʋo reJezreeri.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22