bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 4
1 Kings 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 5 →
1
Ɀino mambo Soromoni wakaŋga ari mambo waʋaIsraeri ʋose.
2
Ndiwo macinda aaiʋa nawo: Azaria mŋanakomana waZadoki waiʋa muprista;
3
Erihorefi naAhija, ʋanakomana ʋaShisha, ʋaiʋa ʋanyori; Jehoshafati mŋanakomana waAhirudi waiʋa sahwira.
4
Benaya mŋanakomana waJehoyada, waiʋa mukuru wehondo, Zadoki naAbiatari ʋaiʋa ʋaprista;
5
Azaria mŋanakomana waNatani, waiʋa mukuru waʋatariri; Zabudi mŋanakomana waNatani waiʋa nheʋanji, shamŋari yamambo.
6
Ahishari waiʋa mutariri weimba; Adonirami mŋanakomana waAbda, waiʋa mutariri wecibaro.
7
Soromoni waiʋa naʋatariri ʋanegumi naʋaʋiri ʋairaira ʋaIsraeri ʋose, ʋaitȿakira mambo neimba yake ɀokudya; mumŋe nomumŋe waifanira kutȿaka ɀokudya ɀomŋedzi mumŋe gore rimŋe nerimŋe.
8
Ndiwo mazita aʋo: Beni‐huri, munyika yamakomo yaEfraimi;
9
naBeni‐dekeri paMakazi, napaShaarbimi, neBeti‐shemeshi, neEroni‐betihanani;
10
naBeni‐hesedi paAruboti; iye wakaŋga aneSoko, nenyika yose yeHeferi;
11
naBeni‐abinadabi panyika yose yeDori; mukadzi wake wakaŋga ari Tafati, mukunda waSoromoni;
12
naBaana mŋanakomana waAhirudi, paTaanaki neMegido, nenyika yose yeBeti‐sheani, iri parutiʋi rweZaretani, pazasi peJezreeri, kubva paBeti‐sheani kuȿikira paAberi‐mehora seri kweJokmeami;
13
naBeni‐geberi paRamoti‐gireadi; iye wakaŋga anemisha yaJairi, mŋanakomana waManase, yaiʋa paGireadi; iye wakaŋga anenyika yeArgobi, iri paBashani, maguta makumi matanhatu aiʋa namaȿiŋgo namazariro endarira;
14
naAhinadabi mŋanakomana waIdo, paMahanaimi;
15
naAhimaazi paNaftari; iye wakaŋga awana ʋo Basemati mukunda waSoromoni;
16
naBaana mŋanakomana waHushai, paAsheri neBearoti;
17
naJosafati mŋanakomana waParua, paIsakari;
18
naShimei mŋanakomana waEra, paBenjamini;
19
naGeberi mŋanakomana waUri, waiʋa panyika yeGireadi, nyika yaSihoni, mambo waʋana ʋaAmori neyaOgi, mambo weBashani; iye wakaŋga ari mutariri mumŋe woga panyika iyo.
20
ƲaJuda naʋaIsraeri ʋakaŋga ʋari ʋazhinji, ʋakaŋga ʋakawanda sejeca paguŋgwa, ʋakadya, ʋakanwa, ʋakafara.
21
Ɀino Soromoni wakaɓata ʋushe bgose, kubva paRwizi kuȿikira kunyika yaʋaFiristia, nokuȿikira kumuganho weEgipita; ʋanhu ʋakaʋuya neɀipo, ʋakashumira Soromoni mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
22
Ɀokudya ɀaSoromoni ɀezuʋa rimŋe ɀaiʋa ɀiyero ɀinamakumi matatu ɀoʋupfu bgakatsetseka, neɀiyero ɀinamakumi matanhatu ɀoʋupfu;
23
nenzombe dzakakora dzinegumi, nenzombe dzinamakumi maʋiri dzokumafuro, namakwai anezana, nenondo, nemhara, nemhembge, neshiri dzakakodzwa.
24
Nokuti wakaɓata ʋushe panyika yose necoʋuno kwoRwizi, kubva paTifsa kuȿikira paGaza, namadzimambo ose aiʋa necoʋuno kwoRwizi; akaʋa norugare kunhiʋi dzose dzakaŋga dzakamupoteredza.
25
ƲaJuda naʋaIsraeri ʋakaŋga ʋagere ɀakanaka, mumŋe nomumŋe pasi pomuzambiriŋga wake napasi pomuʋonde wake, kubva paDani kuȿikira paBeeri‐sheba, mazuʋa ose aSoromoni.
26
Soromoni wakaŋga aneɀidyiro ɀineɀuru ɀinamakumi manna ɀamabiza eŋgoro dzake, naʋataȿi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri.
27
Ʋatariri aʋa ʋaitȿakira mambo Soromoni ɀokudya, naʋose ʋaidya patafura yamambo Soromoni, mumŋe nomumŋe nomŋedzi wake; haʋana‐kushaisa cinhu cimŋe.
28
Nebari noʋuswa bgamabiza namabiza aimhanyisa ʋakaʋuya naɀo panɀimbo yakafanira, mumŋe nomumŋe seɀaakaŋga arairwa.
29
Mŋari akapa Soromoni kuŋgwara nokunzwisisa kukuru, nomŋoyo wakaziʋa ɀakanaka, ɀakafanana nejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa.
30
Kuŋgwara kwaSoromoni kwakapfuʋura kuŋgwara kwaʋana ʋamabvazuʋa, nokuŋgwara kwose kwaʋaEgipita.
31
Nokuti wakapfuʋura ʋanhu ʋose nokuŋgwara; wakakunda Etani muEzrahi, naHemani, naKarkori, naDarda, ʋana ʋaMahori; mukurumbira wake ukaȿika kundudzi dzose dzakaŋga dzakaʋapoteredza.
32
Wakataura ʋo shumo dzineɀuru ɀitatu, ʋuye nziyo dzake dzakaȿika curu cimŋe neshanu.
33
Akataura ɀemiti, kubva pamisidari iri paRebanoni kuȿikira pamuhisopi unomera paruȿiŋgo; akataura ʋo ɀemhuka, neshiri, neɀinokambaira, nehoʋe.
34
Ʋanhu ʋamarudzi ose ʋakaʋuya kuzonzwa kuŋgwara kwaSoromoni, ʋakabva kumadzimambo ose enyika, ʋakaŋga ʋanzwa ɀokuŋgwara kwake.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22