bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 12
1 Kings 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
1
Ɀino Rehoboami wakaenda Shekemi, nokuti ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paShekemi kuzomuita mambo.
2
Ɀino Jeroboami mŋanakomana waNebati, wakati aciɀinzwa, (nokuti wakaŋga aciri Egipita kwaakaŋga atizira nokuɗa kwaSoromoni, Jeroboami akagara Egipita,
3
ʋakatuma nhume kundomuɗana;) Jeroboami neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri ʋakaȿika ʋakataura naRehoboami, ʋakati:
4
Ƃaɓa ʋenyu ʋakatitakudza joko rinogozha; naiɀoɀo ɀino imi cirerusai ɓasa raɓaɓa ʋenyu rakaŋga ricigozha; nejoko raʋo rinorema raʋakaisa pamsoro peɗu, tigokushumirai.
5
Iye akati kwaʋari: Cimboendai henyu, mugare mazuʋa matatu, mugodzokera kwandiri. Ʋanhu ʋakaenda.
6
Ipapo mambo Rehoboami akaraŋgana naʋakuru, ʋaimira pamberi paSoromoni ɓaɓa ʋake, ʋaciri ʋapenyu, akati: Muŋgandipa zano reiko, randiŋgapindura ʋanhu aʋa naro?
7
Iʋo ʋakataura kwaari, ʋakati: Kana mukatenda kuʋa muranda waʋanhu aʋa nhasi, mukaʋashumira, mukaʋapindura nokutaura mashoko akanaka kwaʋari, ipapo ʋacaʋa ʋaranda ʋenyu nokusiŋgaperi.
8
Asi iye wakaramba zano raʋakuru, raʋakaŋga ʋamupa, akaraŋgana namajaya ezero rake, aimira pamberi pake.
9
Akati kwaʋari: Imi muŋgandipa zano reiko, ratiŋgapindura naro ʋanhu aʋa ʋakataura neni, ʋaciti: Rerusai joko rakaiswa pamsoro peɗu naɓaɓa ʋenyu?
10
Ɀino majaya ezero rake akataura kwaari, aciti: Iti kuʋanhu aʋa ʋakataura newe, ʋaciti: Ƃaɓa ʋenyu ʋakatitakudza joko rinogozha, asi imi citirerusirai iro, utaure kwaʋari, uti: Munwe waŋgu muɗuku mukobvu kupfuʋura ciʋuno caɓaɓa ʋaŋgu.
11
Ɀino, ɓaɓa ʋaŋgu ɀaʋakakutakudzai joko rinorema, ini ndicawedzera pajoko renyu; ɓaɓa ʋaŋgu ʋaikuroʋai neshamhu; asi ini ndicakuroʋai neɀinyaʋaɗa.
12
Naiɀoɀo Jeroboami naʋanhu ʋose ʋakaȿika kunaRehoboami nomusi wetatu, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo, aciti: Dzokerai kwandiri ɀe nomusi wetatu.
13
Mambo akapindura ʋanhu nehasha, akarasha zano raʋakuru, raʋakaŋga ʋamupa;
14
akataura kwaʋari seɀaakaŋga apiwa zano namajaya, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu ʋakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndicawedzera pajoko renyu; ɓaɓa ʋaŋgu ʋaikuroʋai neshamhu, asi ini ndicakuroʋai neɀinyaʋaɗa.
15
Naiɀoɀo mambo haana‐kuterera ʋanhu; nokuti cinhu ico cakaŋga cabva kunaJehova, kuti Jehova asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kunaJeroboami mŋanakomana waNebati.
16
Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona kuti mambo haana‐kuʋaterera, ʋanhu ʋakapindura mambo ʋakati: Tinomugoʋe weiko kunaDavidi? Ʋuye hatinenhaka kumŋanakomana waJese; endai kumatente enyu, ʋaIsraeri; iwe Davidi, citarira hako imba yako; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakaenda kumatente aʋo.
17
Asi kana ʋari ʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋagere mumaguta aJuda, Rehoboami wakaŋga ari mambo waʋo.
18
Ɀino mambo Rehoboami akatuma Adorami mutariri waʋanhu ʋecibaro, ʋaIsraeri ʋose ʋakamutaka namabge, akafa. Ipapo mambo Rehoboami akakurumidza kukwira ŋgoro yake, akatizira Jerusarema.
19
Saiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakamukira imba yaDavidi kuȿikira zuʋa ranhasi.
20
Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋacinzwa kuti Jeroboami wadzoka, ʋakatuma nhume kuzomuɗanira kuʋuŋgano, ʋakamuita mambo waʋaIsraeri ʋose; hakuna‐wakateʋera imba yaDavidi, asi rudzi rwaJuda ɓedzi.
21
Ɀino Rehoboami wakati aciȿika Jerusarema, akaʋuŋganidza ʋose ʋeimba yaJuda, noʋorudzi rwaBenjamini, ʋarume ʋakatsaurwa ʋaiʋa neɀuru ɀinezana namakumi masere, ʋaigona kurwa, kuzorwa neimba yaIsraeri, kuti ʋadzosere ʋushe ɀe kunaRehoboami mŋanakomana waSoromoni.
22
Asi shoko raMŋari rakaȿika kunaShemaya munhu waMŋari, riciti:
23
Taura naRehoboami mŋanakomana waSoromoni, mambo waʋaJuda, nokuimba yose yaJuda neyaBenjamini, nokunaʋamŋe ʋanhu, uti:
24
Ɀanzi naJehova: Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu iʋo ʋana ʋaIsraeri; mumŋe nomumŋe ŋgaadzokere kumba kwake, nokuti cinhu ici cinobva kwandiri. Naiɀoɀo ʋakaterera shoko raJehova, ʋakadzoka, ʋakaenda haʋo, seɀaʋakaʋudzwa naJehova.
25
Ipapo Jeroboami wakaʋaka Shekemi panyika yamakomo yaEfraimi, akagara’mo; akabva’po, akandoʋaka Penueri.
26
Jeroboami akati mumŋoyo make: Ɀino ʋushe bgucadzokera ɀe kuimba yaDavidi.
27
Kana ʋanhu aʋa ʋakakwira kundoɓayira ɀiɓayiro ɀaʋo mumba maJehova paJerusarema, ipapo mŋoyo yaʋanhu aʋa icadzokera kunashe waʋo, iye Rehoboami mambo waJuda; ʋacandiʋuraya, ʋakadzokera kunaRehoboami mambo waJuda.
28
Naiɀoɀo mambo akaraŋgana naʋakuru, akaʋumba mhuru mbiri dzendarama, akati kwaʋari: Kukwira Jerusarema kwaʋa kure; tarirai, ʋaIsraeri, ʋamŋari ʋenyu ʋakakuɓuɗisai panyika yeEgipita.
29
Akagadza imŋe paBeteri, imŋe akaiisa paDani.
30
Cinhu ici cikaʋa ciʋi, nokuti ʋanhu ʋakandonamata kwadziri idzo mbiri, kuȿikira paDani.
31
Akaʋaka ʋo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora ʋamŋe pakati paʋanhu akaʋaita ʋaprista, ʋasati ʋari ʋaʋana ʋaRevi.
32
Ɀino Jeroboami akaraira mutambo pamŋedzi worusere, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi, wakaŋga wakafanana nomutambo waiʋa kuʋaJuda; akaɓayira paartari; akaita ʋo saiɀoɀo paBeteri, akaɓayira mhuru dzaakaʋumba; akagadza ʋo paBeteri ʋaprista ʋamatunhu akakwirira aakaita.
33
Akandoɓayira paartari yaakaʋaka paBeteri nezuʋa regumi namashanu romŋedzi worusere, iwo mŋedzi waakafuŋga hake mumŋoyo make; akaraira ʋana ʋaIsraeri mutambo, akandoɓayira paartari, akapisa ɀinonhuwira.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22