bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 19
1 Kings 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
1
Ɀino Ahabi wakaʋudza Izeberi ɀose ɀakaŋga ɀaitwa naEria, ɀokuʋuraya kwake ʋaprofita ʋose nomunondo.
2
Ipapo Izeberi akatuma nhume kunaEria, akati: Ʋamŋari ŋgaʋandiroʋe, ŋgaʋarambe ʋaciɗaro, kana ini ndikasafananidza ʋupenyu bgako noʋupenyu bgomumŋe waʋo maŋgwana neŋguʋa ino.
3
Ɀino wakati aciʋona iɀoɀo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuʋurawa, akaȿika paBeeri‐sheba raiʋa raJuda, akasiya muranda wake ipapo.
4
Asi iye wakafamba rwendo rwezuʋa rimŋe kurenje, akandogara pasi pomurara, akakumbira kuti afe hake; akati: Ɀariŋgana haɀo; ɀino Jehova, citorai henyu ʋupenyu bgaŋgu, nokuti handipfuʋuri madziɓaɓa aŋgu pakururama.
5
Akaʋata pasi, akaʋata hope pasi pomurara. Ɀino mutumŋa akamugunɀa, akati kwaari: Simuka, udye.
6
Akatarira, akaʋona pedyo nomusoro wake ciŋgwa ciɗuku cakaŋga cagocwa pamazimbe, neciroŋgo cemvura. Akadya, akanwa, akaʋata pasi ɀe.
7
Mutumŋa waJehova akaȿika ɀe rwecipiri, akamugunɀa, akati: Simuka, udye, nokuti ucakundwa norwendo.
8
Akasimuka, akadya, akanwa, akafamba asimbiswa neɀokudya iɀo, mazuʋa makumi manna noʋusiku bgunamakumi manna kuȿikira paHorebi, pagomo raMŋari.
9
Akapinda’po muɓako, akagara’po. Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, iye akati kwaari: Unoɓateiko pano Eria?
10
Iye akati: Ndakaŋga ndicishiŋgairira Jehova Mŋari wehondo kwaɀo, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarasha suŋgano yenyu, ʋakaputsa artari dzenyu, nokuʋuraya ʋaprofita ʋenyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara haŋgu; ɀino ʋotȿaka kundiʋuraya.
11
Iye akati: Enda, undomira pagomo pamberi paJehova. Ɀino Jehova akapfuʋura’po, mhepo huru inesimba ikapamura makomo, ikaputsanya mabge pamberi paJehova; asi Jehova wakaŋga asiri mumhepo. Mhepo yakati yapfuʋura, kuɗeŋgenyeka kwenyika kukaʋa’po; asi Jehova wakaŋga asiri mukuɗeŋgenyeka kwenyika.
12
Kuɗeŋgenyeka kwenyika kwakati kwapfuʋura, mŋoto ukateʋera; asi Jehova wakaŋga asiri mumŋoto; mŋoto wakati wapfuʋura, kufefetera kwokudzikama kukaʋa’po.
13
Ɀino Eria wakati aciɀinzwa, akafukidza ciso cake neŋguʋo yake, akaɓuɗa, akandomira pamuromo weɓako. Ipapo inzwi rikaȿika kwaari, rikati: Unoɓateiko pano, Eria?
14
Iye akati: Ndakaŋga ndicishiŋgairira Jehova Mŋari wehondo kwaɀo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarasha suŋgano yenyu, ʋakaputsa artari dzenyu, ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara haŋgu; ɀino ʋotȿaka kundiʋuraya.
15
Ɀino Jehova akati kwaari: Dzoka nenzira yako yokurenje reDamasko; kana waȿika’po, uzodze Hazaeri, aʋe mambo weSiria,
16
naJehu mŋanakomana waNimshi umuzodze aʋe mambo waIsraeri, naErisha mŋanakomana waShafati weAberi‐mehora, umuzodze aʋe muprofita panɀimbo yako.
17
Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, ucaʋurawa naJehu; unopukunyuka pamunondo waJehu, ucaʋurawa naErisha.
18
Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicasiya pakati paIsraeri ɀuru ɀinomŋe ɀaʋanhu ʋasina‐kufugamira Baari namabvi aʋo, ʋasina‐kumuȿeta nemiromo yaʋo.
19
Naiɀoɀo akabva’po, akandowana Erisha mŋanakomana waShafati, wakaŋga acirima nenzombe dzakasuŋgwa pamajoko anegumi namaʋiri, iye ari pajoko regumi namaʋiri; Eria akapfuʋura nokwaari, akakanda ŋguʋo yake pamsoro pake.
20
Iye akasiya nzombe, akamhanya aciteʋera Eria, akati: Nditenderei henyu ndimbondoȿeta ɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu, ndigokuteʋerai. Iye akati kwaari: Cidzoka hako, nokuti ndakuiteiko?
21
Akadzoka pakumuteʋera, akatora nzombe dzejoko iro, akadziɓaya, akagoca nyama yadzo aciita nhumbi dzadzo huni, ndokupa ʋanhu, iʋo ʋakadya. Ɀino wakasimuka, akateʋera Eria, akamuɓatira.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22