bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 2
1 Kings 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
1
Ɀino mazuʋa aDavidi okufa kwake akasweɗera, akaraira Soromoni mŋanakomana wake, akati:
2
Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naiɀoɀo iʋa nesimba, uʋe murume caiye.
3
Ceŋgeta ɀawakarairwa naJehova Mŋari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uciceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, neɀaakatoŋga, neɀipupuriro ɀake, seɀaɀakanyorwa pamurairo waMosesi, kuti ufare paɀose ɀaunoita, ʋuye kwose kwaunoenda.
4
Kuti Jehova asimbise shoko rake raakataura pamsoro paŋgu, aciti: Kana ʋana ʋako ʋakacenjera panzira dzaʋo, kuti ʋafambe pamberi paŋgu neɀokwaɗi nomŋoyo waʋo wose ʋuye nomŋeya waʋo wose, (ndiɀo ɀaakataura), hakuŋgazoshaikwi munhu pacigaro coʋushe caIsraeri.
5
Ʋuye unoziʋa ʋo ɀandakaitirwa naJoabi, mŋanakomana waZeruya, iɀo ɀaakaitira ʋakuru ʋaʋiri ʋehondo dzaIsraeri, ʋanaAbineri mŋanakomana waNeri, naAmasa mŋanakomana waJeteri, ʋaakaʋuraya, akateʋura paŋguʋa yorugare ropa raifanira kuteʋurwa paŋguʋa yokurwa, akaisa ropa rokurwa pabanhire rakaŋga riri paciʋuno cake, nomushaŋgu dzake dzakaŋga dziri patsoka dzake.
6
Naiɀoɀo ita nokuziʋa kwako, urege kutendera musoro wake wacena kuɓurukira mubgiro norugare.
7
Asi ʋanakomana ʋaBarzirai muGireadi, uʋaitire ʋunyoro, ʋaʋe pakati paiʋo ʋanodya patafura yako; nokuti ʋakaʋuya kwandiri saiɀoɀo paŋguʋa yandakatiza pamberi paAbsaromi mukuru wako.
8
Tarira, kwauri kunaShimei mŋanakomana waGera, muBenjamini weBahurimi, iye, wakandituka nokutuka kwakaipa pazuʋa randakaŋga ndicienda Mahanaimi; asi wakazoʋuya akasoŋgana neni paJoridani, ndikamupikira naJehova, ndikati: Handiŋgakuʋurayi nomunondo.
9
Asi ɀino usamurega aʋe somunhu usinemhoȿa, nokuti iwe uri munhu wakacenjera; ucaziʋa hako ɀaunofanira kumuitira, unofanira kuɓurusira musoro wake wacena mubgiro neropa.
10
Davidi akazoʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi.
11
Ŋguʋa yakaɓata Davidi ʋushe bgaIsraeri aiʋa makore makumi manna; akaɓata paHebroni makore manomŋe, ʋuye akaɓata paJerusarema makore makumi matatu namatatu.
12
Ɀino Soromoni akagara pacigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi; ʋushe bgake ʋukasimba kwaɀo.
13
Ipapo Adonia mŋanakomana waHagiti, akaȿika kunaBati‐sheba mai ʋaSoromoni. Iʋo ʋakati: Unoʋuya norugare here? Iye akati: Hoŋo, norugare.
14
Akati ɀe: Ndinecimŋe candinoɗa kukuʋudzai. Iʋo ʋakati: Taura hako.
15
Akati: Munoziʋa kuti ʋushe bgaiʋa bgaŋgu, meso aʋaIsraeri ʋose ainditarira, kuti ndiʋe mambo; asi ʋushe bgakashandurwa, ʋukazoʋa bgomunuŋuna waŋgu, nokuti bgakaŋga ʋuri bgake nokuɗa kwaJehova.
16
Ɀino ndinokumbira cinhu cimŋe coga kwamuri; musandirambira henyu cinhu ico. Iʋo ʋakati kwaari: Taura hako.
17
Akati: Ƌotauriranai henyu namambo Soromoni, nokuti haaŋgakurambiriyi cinhu, kuti andipe Abishagi muShunemi, aʋe mukadzi waŋgu.
18
Bati‐sheba akati: Ndiɀo haɀo, ndicakureʋera kunamambo.
19
Naiɀoɀo Bati‐sheba akaenda kunamambo Soromoni kundoreʋera Adonia. Mambo akasimuka kuzosoŋgana naye, akakotama pamberi pake, akagara pacigaro coʋushe, akaraira kuti cigaro coʋushe cigadzirirwe mai ʋamambo; iʋo ʋakagara kurutiʋi rwake rworudyi.
20
Ipapo ʋakati: Ndinokumbira kwauri cinhu ciɗuku; usandirambira hako cinhu ici. Mambo akati kwaʋari: Kumbirai henyu, mai ʋaŋgu, nokuti handiŋgakurambiriyi ico.
21
Ʋakati: Adonia mukuru wako ŋgaapiwe Abishagi muShunemi, aʋe mukadzi wake.
22
Ipapo mambo Soromoni akapindura, akati kunamai ʋake: Munokumbirira Adonia Abishagi muShunemi neiko? Mumukumbirirei ʋo ʋushe, nokuti ndiye mukuru waŋgu; mumukumbirirei iye, naAbiatari muprista, naJoabi mŋanakomana waZeruya.
23
Ipapo mambo Soromoni akapika naJehova, akati: Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, Adonia ucaripira shoko iri noʋupenyu bgake.
24
Naiɀoɀo ɀino, naJehova mupenyu, iye wakandisimbisa, akandigadza pacigaro coʋushe caɓaɓa ʋaŋgu Davidi, akandimutsira imba seɀaakandipikira, ɀirokwaɀo Adonia ucaʋurawa nhasi.
25
Ipapo mambo Soromoni akatuma Benaya mŋanakomana waJehoyada, iye akamuʋamba akamuʋuraya.
26
Mambo akati kunaAbiatari muprista: Enda Anatoti kunyika yako, nokuti waifanira kufa; asi handiŋgakuʋurayi nhasi, nokuti wakambotakura areka yaJehova Mŋari pamberi paɓaɓa ʋaŋgu Davidi, ʋuye nokuti wakatambudzika pamŋe cete naɓaɓa ʋaŋgu pakutambudzika kwaʋo kwose.
27
Naiɀoɀo Soromoni akadziŋga Abiatari, kuti arege kuʋa muprista pamberi paJehova; kuti aite shoko raJehova, raakaŋga ataura pamsoro peimba yaEri paShiro.
28
Ɀino shoko iro rikaȿika kunaJoabi, nokuti Joabi wakaŋga ateʋera Adonia, kunyaŋge asina‐kuteʋera Absaromi. Joabi akatizira kuTente raJehova, akandoɓata nyaŋga dzeartari.
29
Ipapo mambo Soromoni akaʋudzwa, ɀicinzi: Joabi watizira kuTente raJehova, tarirai, uri paartari. Ipapo Soromoni akatuma Benaya mŋanakomana waJehoyada, akati: Enda undomuʋamba.
30
Benaya akaenda kuTente raJehova, akati kwaari: Ɀanzi namambo: Ƃuɗa! Iye akati: Kwete, ndicafira pano haŋgu. Benaya akaʋudza mambo ɀe, akati: Ndiɀo ɀataura Joabi, ndiɀo ɀaandipindura.
31
Ipapo mambo akati kwaari: Ita seɀaataura, umuʋambe, ugomuʋiga; kuti ubvise kwandiri napaimba yaɓaɓa ʋaŋgu ropa rakateʋurwa naJoabi rakaŋga risinemhoȿa.
32
Jehova ucadzosera ropa rake pamusoro wake, nokuti wakaʋuraya ʋanhu ʋaʋiri ʋakaŋga ʋakamupfuʋura pakururama nokunaka, akaʋaʋuraya nomunondo, ɓaɓa ʋaŋgu Davidi ʋasiŋgaɀiziʋi, iye Abineri mŋanakomana waNeri, mukuru wehondo yaIsraeri, naAmasa mŋanakomana waJeteri, mukuru wehondo yaJuda.
33
Naiɀoɀo ropa raʋo ricadzokera pamusoro waJoabi napamisoro yorudzi rwake nokusiŋgaperi; asi rugare runobva kunaJehova rucaʋa naDavidi, norudzi rwake, neimba yake, necigaro cake coʋushe nokusiŋgaperi.
34
Ipapo Benaya mŋanakomana waJehoyada, akaenda, akamuʋamba, ndokumuʋuraya; akaʋigwa mumba make murenje.
35
Ɀino mambo akagadza Benaya mŋanakomana waJehoyada, panɀimbo yake aʋe mukuru wehondo; mambo akagadza ʋo Zadoki aʋe muprista panɀimbo yaAbiatari.
36
Mambo akatuma munhu kundoɗana Shimei, akati kwaari: Uɀiʋakire imba paJerusarema, ugare’po, usabva’po ucienda kumŋe.
37
Nokuti nomusi waunoɓuɗa nawo, ukayambuka rukoʋa Kidroni, uziʋe kwaɀo kuti ucaʋurawa ɀirokwaɀo; ropa rako ricaʋa pamusoro wako.
38
Ipapo Shimei akati kunamambo: Ishoko rakanaka; muranda wenyu ucaita seɀakarebga nashe waŋgu mambo. Shimei akagara mazuʋa mazhinji paJerusarema.
39
Ɀino makore matatu akati apfuʋura, ʋaranda ʋaʋiri ʋaShimei ʋakatizira kunaAkishi mŋanakomana waMaaka, mambo weGati. Ʋakaʋudza Shimei, ʋaciti: Tarira ʋaranda ʋako ʋari Gati.
40
Ipapo Shimei akasimuka, akasuŋgira cigaro pamboŋgoro yake, akaenda Gati kunaAkishi, kundotȿaka ʋaranda ʋake; Shimei akatora ʋaranda ʋake Gati.
41
Ɀino Soromoni akaʋudzwa kuti Shimei wakaŋga aɓuɗa Jerusarema, akaenda Gati, akadzoka ɀe.
42
Mambo akatuma munhu kundoɗana Shimei, akati kwaari: Handina‐kukupikisa naJehova here, ndikakunyeʋera, ndiciti: Uziʋe kwaɀo kuti nomusi waunoɓuɗa nawo, ukafamba kumŋe, ucaʋurawa ɀirokwaɀo? Iwe ukati kwandiri: Shoko randanzwa rakanaka.
43
Ɀino wakaregereiko kuceŋgeta mhiko yawakapika kunaJehova, nomurairo wandakakuraira?
44
Mambo akati ʋo kunaShimei: Iwe unoziʋa kwaɀo ɀakaipa ɀose ɀawakaitira ɓaɓa ʋaŋgu Davidi; naiɀoɀo Jehova ucadzosera ɀakaipa ɀako pamusoro wako.
45
Asi mambo Soromoni ucaropafadzwa, necigaro coʋushe caDavidi cicasimbiswa pamberi paJehova nokusiŋgaperi.
46
Naiɀoɀo mambo akaraira Benaya mŋanakomana waJehoyada, iye akaenda, akandomuʋamba, ndokumuʋuraya. Naiɀoɀo ʋushe, bgakaŋga bgakaɓatwa naSoromoni, bgakasimbiswa.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22