bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 17
1 Kings 17
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 18 →
1
Ɀino Eria muTishbi, waigara Gireadi, wakati kunaAhabi: NaJehova mupenyu, Mŋari waIsraeri, iye wandimire pamberi pake, hapaŋgaʋi neɗoʋa kana mvura makore ano, asi kana ndareʋa ini.
2
Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, riciti:
3
Cibva pano, uende kurutiʋi rwamabvazuʋa, undoʋanda parukoʋa Keriti, ruri pamberi paJoridani.
4
Unofanira kunwa mvura yorukoʋa, ʋuye ndakaraira makuŋguʋu kukupa ɀokudya ipapo.
5
Naiɀoɀo akaenda, akaita seɀaakaʋudzwa naJehova; nokuti wakandogara parukoʋa Keriti ruri pamberi paJoridani.
6
Makuŋguʋu akamuʋigira ciŋgwa nenyama maŋgwanani, neciŋgwa nenyama maɗekwana; akanwa mvura yorukoʋa.
7
Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura rukoʋa rukapxa, nokuti mvura yakaŋga isiŋgani panyika.
8
Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, riciti:
9
Simuka, uende Zarefati panyika yeZidoni, ugare’po; tarira, ndaraira cirikadzi igere’po, kuti ikupe ɀokudya.
10
Naiɀoɀo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati aȿika pasuʋo reguta, akaʋona cirikadzi yakaŋga igere’po, iciʋuŋganidza ʋutsotso; akamuɗana, akati: Nditorere ʋo mvura shomanene mumukombe, ndinwe.
11
Ɀino wakati acienda kuzoitora, akamuɗana, akati: Ƌondiʋigira ʋo cimeɗu ceciŋgwa muruʋoko rwako.
12
Iye akati: NaJehova Mŋari wenyu mupenyu, handineciŋgwa, asi tsama imŋe yoʋupfu muɗende, namafuta mashomanene mucinu; tarirai, ndakaŋga ndiciʋuŋganidza ʋutsotso ʋuʋiri, ndiciti ndoenda ndiɀigadzirire ini nomŋanakomana waŋgu, tidye, tife heɗu.
13
Ipapo Eria akati kwaari: Usatya hako, enda undoita seɀandataura; asi cimbondiitira ini ciŋgwa ciɗuku, undiʋigire ico, ugoɀiitira iwe nomŋanakomana wako pashure.
14
Nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ʋupfu bguri muɗende habguŋgaperi, namafuta ari mucinu haaŋgashaikwi, kuȿikira pazuʋa Jehova raacanisa naro mvura panyika.
15
Iye akaenda, akandoita seɀakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, ʋakadya mazuʋa mazhinji.
16
Ʋupfu bgakaŋga bguri muɗende habguna‐kupera, namafuta akaŋga ari mucinu haana‐kushaikwa, seɀakaŋga ɀarebga naJehova nomuromo waEria.
17
Ɀino pashure paiɀoɀo mŋanakomana womukadzi, mŋene weimba, akarwara; kurwara kwake kukanyanya kwaɀo, kuȿikira apererwa nomŋeya.
18
Mukadzi akati kunaEria: Ndineiko nemi, imi munhu waMŋari? Makapinda mumba maŋgu kuti ɀiʋi ɀaŋgu ɀiraŋgarirwe, ʋuye kuti mŋanakomana waŋgu aʋurawe here?
19
Akati kwaari: Ndipe mŋanakomana wako. Akamutora pacifuʋa comukadzi, akamutakurira kuimba yokumsoro, kwaaigara, akamuradzika panhoʋo dzake,
20
akaɗanidzira kunaJehova, akati: Jehova Mŋari waŋgu, makaitireiko cirikadzi yandigere nayo cakaipa cakaɗai, ɀamaʋuraya mŋanakomana wake?
21
Akatsiʋama pamsoro pomŋana katatu, akaɗanidzira kunaJehova, akati: Jehova Mŋari waŋgu, ndinokumbira, mŋeya womŋana uyu ŋgaudzokere ɀe kwaari.
22
Jehova akanzwa inzwi raEria, mŋeya womŋana ukadzokera ɀe kwaari, akararama ɀe.
23
Ipapo Eria akatora mŋana, akaɓuruka naye paimba yokumsoro, akamuisa mumba, akamupa mai ʋake. Eria akati: Tarira, mŋana wako mupenyu.
24
Mukadzi akati kunaEria: Ɀino ndinoziʋa kuti muri munhu waMŋari, ʋuye kuti shoko raJehova, riri mumuromo menyu, nderaɀokwaɗi.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22