bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 14
1 Kings 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 15 →
1
Ɀino neŋguʋa iyo Abija mŋanakomana waJeroboami akarwara.
2
Jeroboami akati kumukadzi wake: Simuka hako, ushandure ŋguʋo dzako, kuti urege kuzikanwa kuti ndiwe mukadzi waJeroboami, ugoenda Shiro; tarira, muprofita Ahija uri’po, iye wakaɗeya kutaura pamsoro paŋgu, kuti ndizoʋa mambo waʋanhu aʋa.
3
Uende neɀiŋgwa ɀinegumi, neɀiŋgwa ɀiɗuku, necitende coʋuci, uɀiise kwaari; iye ucakuʋudza ɀicaitirwa mŋana.
4
Mukadzi waJeroboami akaita saiɀoɀo, akasimuka, akaenda Shiro, akaȿika paimba yaAhija. Ɀino Ahija wakaŋga asiŋgagoni kuʋona, nokuti meso ake akaŋga oʋonera madzerere nemhaka yokukwegura kwake.
5
Ɀino Jehova akati kunaAhija: Tarira, mukadzi waJeroboami unoʋuya kuzokubvunza pamsoro pomŋanakomana wake, nokuti unorwara; unofanira kutaura ɀokuti neɀokuti kwaari, nokuti kana acipinda, ucaɀiita somumŋe mukadzi.
6
Ɀino Ahija wakati acinzwa kufamba kwetsoka dzake, acipinda pamukoʋa, akati: Cipinda hako, iwe mukadzi waJeroboami, unoɀiitireiko somumŋe? Nokuti ndatumŋa kwauri namashoko anorwadza mŋoyo.
7
Enda, uʋudze Jeroboami, uti: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakukudza pakati paʋanhu, ndikakuita mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri,
8
ndikabvarura ʋushe, ndikabgubvisa paimba yaDavidi, ndikabgupa iwe; asi iwe hauna‐kuʋa saDavidi muranda waŋgu, waiceŋgeta mirairo yaŋgu, akanditeʋera nomŋoyo wake wose, aciita ɀakanaka ɀoga pameso aŋgu;
9
asi iwe wakaita ɀakaipa kupfuʋura ʋose ʋakakutaŋgira, ukandoɀiitira ʋamŋe ʋamŋari nemifananidzo yakaʋumbga, kuti unditsamŋise; ukandirashira shure kwomusana wako.
10
Naiɀoɀo, tarira, ndicaitira imba yaJeroboami ɀakaipa; ndicaparadza kunaJeroboami ʋana ʋakomana ʋose, ʋaɗuku naʋakuru kuʋaIsraeri, nditȿaire cose imba yaJeroboami, somunhu unotȿaira marara kuȿikira abva ose.
11
Aninani weimba yaJeroboami unofira paguta ucadyiwa nembga; unofira kusaŋgo ucadyiwa neshiri dzokuɗeŋga; nokuti Jehova wakataura saiɀoɀo.
12
Naiɀoɀo iwe, simuka uende kumba kwako; kana tsoka dzako dzicipinda paguta, mŋana ucafa.
13
ƲaIsraeri ʋose ʋacamucema, ʋakamuʋiga; nokuti ndiye woga waJeroboami ucaȿika pabgiro, nokuti maari makawanikwa cinhu cakanaka cakafadza Jehova Mŋari waIsraeri, paimba yaJeroboami.
14
Jehova ucaɀimutsira ʋo mambo kuʋaIsraeri, ucaparadza imba yaJeroboami nomusi uyo. Nomusi uyo here? Ɀotoitwa ɀino.
15
Nokuti Jehova ucaroʋa Israeri, sorutsaŋga runozunuŋguswa mumvura; ucadzura Israeri panyika ino yakanaka, yaakapa madziɓaɓa aʋo, nokuʋaparadzira mhiri kwoRwizi; nokuti ʋakaɀiitira matanda okunamata nawo ʋakatsamŋisa Jehova.
16
Ucaisa Israeri kuʋaʋeŋgi nokuɗa kweɀiʋi ɀaJeroboami, ɀaakaita iye, neɀaakatadzisa Israeri ʋo naɀo.
17
Ɀino mukadzi waJeroboami akasimuka, akaenda, akaȿika Tirza; wakati aciȿika pacikumbaridzo ceimba, mŋana akafa.
18
ƲaIsraeri ʋose ʋakamuʋiga, ʋakamucema, seɀakaŋga ɀarebga naJehova nomuromo womuranda wake muprofita Ahija.
19
Ɀino mamŋe maɓasa aJeroboami, kurwa kwake, nokuɓata kwake ʋushe, tarirai ɀakanyorwa pabuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri.
20
Mazuʋa okuɓata ʋushe kwaJeroboami akaŋga ari makore makumi maʋiri namaʋiri; akaʋata namadziɓaɓa ake, Nadabi mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe.
21
Ɀino Rehoboami mŋanakomana waSoromoni, wakaɓata ʋushe bgaJuda. Rehoboami wakaŋga anamakore makumi manna nerimŋe pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe makore anegumi namanomŋe paJerusarema, iro guta rakaŋga ratsaurwa naJehova pakati pamarudzi ose aIsraeri, kuti aise zita rake’po. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Naama muAmoni.
22
ƲaJuda ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakamutsa shuŋgu dzake neɀiʋi ɀaʋo ɀaʋakaŋga ʋaciita, ʋakapfuʋura ɀose ɀakaitwa namadziɓaɓa aʋo.
23
Nokuti naiʋo ʋakaɀiʋakira matunhu akakwirira, neshoŋgwe, namatanda okunamata nawo paɀikomo ɀose ɀakakwirira, napasi pemiti yose mitema.
24
Ʋasodomi ʋakaŋga ʋari’po ʋo panyika; iʋo ʋakaita nemitoʋo yokunyaŋgadza kwose kwendudzi dzakaŋga dzadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
25
Ɀino pagore recishanu ramambo Rehoboami, Shishaki mambo weEgipita akakwira kuzorwa naJerusarema;
26
akatora fuma yeimba yaJehova, nefuma yeimba yamambo; akaɀitora ɀose, akatora ʋo nhoʋo ɗuku dzose dzendarama dzakaŋga dzaitwa naSoromoni.
27
Ipapo mambo Rehoboami akaita panɀimbo yadzo nhoʋo ɗuku dzendarira, akadziisa pamaʋoko aʋakuru ʋaʋarindi, ʋairinda mukoʋa weimba yamambo.
28
Ɀino ŋguʋa dzose kana mambo acipinda mumba maJehova, ʋarindi ʋaidziɓata, ndokudzidzosera ɀe mumba maʋarindi.
29
Mamŋe maɓasa aRehoboami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here pabuku yamakoronike amadzimambo aJuda.
30
Asi kurwa kwaiʋa’po ŋguʋa dzose pakati paRehoboami naJeroboami.
31
Rehoboami akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi; zita ramai ʋake rakaŋga riri Naama muAmoni. Abijami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22