bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 13
1 Kings 13
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
1
Ɀino tarira, mumŋe munhu waMŋari wakaŋga arairwa neshoko raJehova, wakabva kwaJuda, akaȿika Beteri; Jeroboami wakaŋga amire paartari acipisa ɀinonhuwira.
2
Iye akaɗanidzira kuartari, neshoko raJehova, akati: Iwe artari, artari, ɀanzi naJehova: Tarirai, imba yaDavidi icaponerwa mŋanakomana, ucanzi Josia; iye ucaɓaya pamsoro pako ʋaprista ʋamatunhu akakwirira, ʋanopisira ɀinonhuwira pamsoro pako, ʋuye ʋacapisa mafupa aʋanhu pamsoro pako.
3
Akaʋapa ciratidzo nezuʋa iro, akati: Ndico ciratidzo cakataurwa naJehova: Tarirai, artari icapamuka, namaɗota ari pamsoro payo acarashirwa pasi.
4
Ɀino mambo wakati acinzwa shoko romunhu waMŋari, raakaɗanidzira kuartari paBeteri, Jeroboami akasimudza ruʋoko rwake paartari, akatendeka narwo, akati: Muɓatei! Ipapo ruʋoko rwake rwaakaŋga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosa ɀe.
5
Artari ʋo yakapamuka, namaɗota akarashirwa pasi paartari, ciratidzo cakaŋga capiwa nomunhu waMŋari cikaitika, ico cakaŋga carairwa naJehova.
6
Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMŋari: Kumbira hako kunaJehova Mŋari wako andinzwire nyasha, undinyeŋgeterere, kuti ndiporeserwe ɀe ruʋoko rwaŋgu. Munhu waMŋari akanyeŋgetera kunaJehova, mambo akaporeserwa ɀe ruʋoko rwake, rukaita sakare.
7
Ipapo mambo akati kumunhu waMŋari: Enda neni kumba kwaŋgu, uɀisimbise’po, ini ndikupe ʋo muɓairo.
8
Asi munhu waMŋari wakati kunamambo: Kunyaŋge mukandiganhurira imba yenyu napakati, handiŋgapindi kwamuri, kunyaŋge kudya ɀokudya, kana kunwa pano;
9
nokuti Jehova wakandiraira neshoko rake, akati: Usadya ɀokudya, kana kunwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.
10
Naiɀoɀo akadzoka neimŋe nzira, haana‐kudzoka nenzira yaakaŋga aenda nayo Beteri.
11
Ɀino paBeteri pakaŋga pagere muprofita mutana; mŋanakomana wake akandomuʋudza maɓasa ose akaitwa nomunhu waMŋari paBeteri pazuʋa iro; namashoko aakataura kunamambo, naiwo ʋakaʋudza ʋo ɓaɓa ʋaʋo.
12
Ipapo ɓaɓa ʋaʋo ʋakati kwaʋari: Waenda nenzira ipiko? Ɀino ʋana ʋake ʋakaŋga ʋaʋona nzira yaendwa nayo nomunhu waMŋari wokwaJuda.
13
Akati kuʋanakomana ʋake: Ndisuŋgirei cigaro pamboŋgoro; iʋo ʋakamusuŋgirira cigaro pamboŋgoro, akaitasa.
14
Akateʋera munhu waMŋari, akamuwana agere pasi pomuti womuouki, ndokuti kwaari: Ndiwe munhu waMŋari wakabva kwaJuda here? Akati: Ndini.
15
Ipapo akati kwaari: Hendei kumba kwaŋgu, undodya ɀokudya.
16
Iye akati: Handiŋgagoni kudzoka nemi, kana kupinda kwamuri, handiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura nemi pano;
17
nokuti ndakarairwa neshoko raJehova, akati: Usadya ɀokudya, kana kunwa mvura’po, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.
18
Ipapo akati kwaari: Neni ʋo ndiri muprofita sewe; ɀino mutumŋa wakandiʋudza shoko raJehova, akati: Dzoka naye kumba kwako, adye ɀokudya nokunwa mvura. Akareʋa nhema kwaari.
19
Naiɀoɀo akadzoka naye, akandodya ɀokudya mumba make nokunwa mvura.
20
Ɀino ʋakati ʋagere patafura, shoko raJehova rikaȿika kumuprofita wakamudzosa,
21
akaɗanidzira kumunhu waMŋari, wakaŋga abva kwaJuda, akati: Ɀanzi naJehova: Ɀausina‐kuterera muromo waJehova, ukasaceŋgeta murairo wawakarairwa naJehova Mŋari wako,
22
ukadzoka, ukadya ɀokudya, ukanwa mvura ipapo paakati kwauri: Usadya ɀokudya nokunwa mvura, naiɀoɀo citunha cako haciŋgaȿiki mubgiro bgamadziɓaɓa ako.
23
Ɀino wakati adya ɀokudya, nokunwa, akamusuŋgirira cigaro pamboŋgoro, iye muprofita waakadzosa.
24
Ɀino wakati aenda, shumba ikasoŋgana naye munzira, ikamuʋuraya, citunha cake cikakandirwa munzira, mboŋgoro ikamira naco, ʋuye shumba ʋo ikamira pacitunha.
25
Ɀino ʋonei, ʋanhu ʋakapfuʋura napo, ʋakaʋona citunha cakakandirwa munzira, ʋuye shumba imire pacitunha; ʋakaenda, ʋakandoɀiʋudza ʋanhu muguta, makaŋga mugere muprofita mutana.
26
Ɀino muprofita, wakamudzosa panzira, wakati aciɀinzwa, akati: Ndiye munhu waMŋari usina‐kuterera muromo waJehova; naiɀoɀo Jehova wakamukweʋerera pashumba, ikamubvambura, ikamuʋuraya, seɀakarebga neshoko raJehova raakataura kwaari.
27
Akati kuʋanakomana ʋake: Ndisuŋgirirei cigaro pamboŋgoro, ʋakaisuŋgira cigaro.
28
Akaenda, akandowana citunha cake cakakandirwa munzira, ʋuye mboŋgoro neshumba ɀimire pacitunha; shumba yakaŋga isina‐kudya citunha kana kubvambura mboŋgoro.
29
Ipapo muprofita akasimudza citunha comunhu waMŋari, akaciisa pamsoro pemboŋgoro, akadzoka naco; akaȿika kuguta romuprofita mutana, akamucema nokumuʋiga.
30
Akaisa citunha cake mubgiro bgake; ʋakamucema, aciti: Haiwa, munuŋuna waŋgu!
31
Ɀino wakati amuʋiga, akataura naʋanakomana ʋake, akati: Kana ndafa, mundiʋige mubgiro makaʋigwa munhu waMŋari; muise mafupa aŋgu kurutiʋi rwamafupa ake;
32
nokuti iɀo ɀaakataura, paakaɗanidzira acirairwa naJehova, kuartari paBeteri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, ɀicaitika ɀirokwaɀo.
33
Pashure pecinhu ici Jeroboami haana‐kutendeʋuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaura ɀe ʋamŋe pakati paʋanhu ʋose, akaʋaita ʋaprista pamatunhu akakwirira; aninani waaiɗa, waimugadza, akaʋaita ʋaprista pamatunhu akakwirira.
34
Cinhu ici cikaʋa ciʋi paimba yaJeroboami, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22