bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 15
1 Kings 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 16 →
1
Ɀino negore regumi namasere ramambo Jeroboami mŋanakomana waNebati, Abijami wakataŋga kuɓata ʋushe bgaJuda.
2
Akaɓata ʋushe paJerusarema makore matatu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Maaka, mukunda waAbisharomi.
3
Iye akafamba paɀiʋi ɀose ɀaɓaɓa ʋake, ɀaʋakamutaŋgira kuita; mŋoyo wake wakaŋga usina‐kururama kwaɀo kunaJehova Mŋari wake, somŋoyo waDavidi ɓaɓa ʋake.
4
Kunyaŋge ɀakaɗaro nokuɗa kwaDavidi, Jehova Mŋari wake akamupa mŋenje paJerusarema, akamumutsira mŋanakomana wake shure kwake, asimbise Jerusarema;
5
nokuti Davidi waiita ɀakarurama pamberi paJehova, haana‐kutsauka pacinhu cimŋe caakamuraira mazuʋa ose oʋupenyu bgake, asi pamhaka yaUria muHiti ɓedzi.
6
Kurwa kwakaŋga kuri’po pakati paRehoboami naJeroboami mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
7
Ɀino mamŋe maɓasa aAbijami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda? Kurwa kwakaŋga kuri’po pakati paAbijami naJeroboami.
8
Abijami akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga muguta raDavidi; Asa mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
9
Negore ramakumi maʋiri raJeroboami mambo waIsraeri, Asa wakataŋga kuɓata ʋushe paJuda.
10
Akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi manna nerimŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Maaka mukunda waAbisharomi.
11
Asa akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀakaita Davidi ɓaɓa ʋake.
12
Akabvisa ʋasodomi panyika, akabvisa ʋo ɀifananidzo ɀose ɀakaitwa namadziɓaɓa ake.
13
Akabvisa ʋo Maaka mai ʋake paʋuhosi bgaʋo, nokuti ʋakaŋga ʋaitira matanda okunamata nawo cifananidzo cinonyaŋgadza; Asa akaparadza cifananidzo caʋo, akacipisa parukoʋa Kidroni.
14
Asi matunhu akakwirira haana‐kubviswa; kunyaŋge ɀakaɗaro mŋoyo waAsa wakaŋga wakarurama kwaɀo kunaJehova mazuʋa ake ose.
15
Akaisa mumba maJehova nhumbi dzakaŋga dzatsaurwa naɓaɓa ʋake, nenhumbi dzaakaŋga atsaura iye amene, sirveri, nendarama, nemidziyo.
16
Ɀino kurwa kwakaŋga kuri’po pakati paAsa naBaasha mambo waIsraeri mazuʋa aʋo ose.
17
Baasha mambo waIsraeri akakwira kundorwa naJuda, akaʋaka Rama, kuti arege kutendera munhu kuɓuɗa kana kupinda kunaAsa mambo waJuda.
18
Ipapo Asa akatora sirveri yose nendarama ɀakaŋga ɀasara pafuma yeimba yaJehova, napafuma yeimba yamambo, akaɀipa mumaʋoko aʋaranda ʋake, mambo Asa akaɀitumira kunaBeni‐hadadi mŋanakomana waTabrimoni, mŋanakomana waHezioni, mambo weSiria wakaŋga agere Damasko, akati:
19
Suŋgano iri’po pakati paŋgu nemi, pakati paɓaɓa ʋaŋgu naɓaɓa ʋenyu; tarirai, ndinokutumirai cipo cesirveri nendarama, endai muputse suŋgano yenyu naBaasha mambo waIsraeri, abve kwandiri.
20
Beni‐hadadi akaterera mambo Asa, akatuma ʋakuru ʋehondo dzake kundorwa namaguta aIsraeri, akakunda Ijoni, neDani, neAberi‐beti‐maaka, neKineroti rose, nenyika yose yaNaftari.
21
Ɀino Baasha wakati aciɀinzwa, akarega kuʋaka Rama, akandogara Tirza.
22
Ipapo mambo Asa akakoka ʋaJuda ʋose, hakuna‐wakaɗarikwa, ʋakandotora mabge eRama, namatanda aro, ɀaakaŋga aciʋaka naɀo iye Baasha; mambo Asa akaʋaka naɀo Geba rokwaBenjamini neMizpa.
23
Ɀino mamŋe maɓasa ose aAsa, nesimba rake rose, neɀose ɀaakaita, namaguta aakaʋaka, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadziɓaɓa aJuda? Asi paŋguʋa yokukwegura kwake wakaŋga acinzwa makumbo.
24
Asa akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake paguta raDavidi ɓaɓa ʋake; Josafati mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe.
25
Ɀino Nadabi mŋanakomana waJeroboami, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri negore recipiri raAsa mambo waJuda, akaɓata ʋushe bgaIsraeri makore maʋiri.
26
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaɓaɓa ʋake, nomuɀiʋi ɀake ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
27
Ipapo Baasha mŋanakomana waAhija, weimba yaIsakari, akamumukira; Baasha akamuʋuraya paGibetoni raiʋa raʋaFiristia; nokuti Nadabi naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋakomba Gibetoni.
28
Baasha akamuʋuraya negore retatu raAsa mambo waJuda, akamuteʋera paʋushe.
29
Ɀino wakati acaŋgogara ʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaJeroboami; haana‐kusiyira Jeroboami mumŋe wakaŋga acafema, kuȿikira amuparadza, seɀaɀakarebga naJehova nomuromo womuranda wake Ahija muShiro;
30
nokuɗa kweɀiʋi ɀaJeroboami, ɀaakaita iye, neɀaakatadzisa Israeri naɀo, nokuɗa kwokutambudza kwaakatambudza Jehova Mŋari waIsraeri nako.
31
Ɀino mamŋe maɓasa aNadabi, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
32
Kurwa kwakaŋga kuri’po ŋguʋa dzose pakati paAsa naBaasha mambo waIsraeri.
33
Negore recitatu raAsa mambo waJuda, Baasha mŋanakomana waAhija, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaʋaIsraeri ʋose paTirza, akaɓata makore makumi maʋiri namanna.
34
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaJeroboami, nomuɀiʋi ɀake, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22