bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 11
1 Kings 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 12 →
1
Ɀino mambo Soromoni wakaŋga aciɗa ʋakadzi ʋazhinji ʋatorwa pamŋe cete nomukunda waFarao, ʋakadzi ʋaʋaMoabi, naʋaAmoni, naʋaEdomi, naʋaZidoni, naʋaHiti;
2
ʋaiʋa ʋendudzi dzakaŋga dzanzi naJehova kuʋana ʋaIsraeri: Musaenda pakati paʋo, naiʋo ŋgaʋarege kupinda pakati penyu; nokuti ɀirokwaɀo, ʋacatsausa mŋoyo yenyu mukazoteʋera ʋamŋari ʋaʋo; ɀino Soromoni wakanamatira iʋaʋo aciʋaɗa.
3
Wakaŋga anaʋakadzi ʋanamazana manomŋe, ʋakunda ʋamadzimambo, naʋaroŋgo ʋanamazana matatu; ʋakadzi ʋake ʋakatsausa mŋoyo wake.
4
Nokuti Soromoni wakati akwegura, ʋakadzi ʋake ʋakatsausa mŋoyo wake kuti ateʋere ʋamŋe ʋamŋari; mŋoyo wake hauna‐kuzoʋa wakarurama kwaɀo kunaJehova Mŋari wake, seɀakaŋga ɀakaita mŋoyo waDavidi ɓaɓa ʋake.
5
Nokuti Soromoni wakateʋera Ashtoreti, mŋarikadzi waʋaZidoni, naMirkomi mŋari unonyaŋgadza waʋana ʋaAmoni.
6
Naiɀoɀo Soromoni wakaita ɀakaipa pamberi paJehova, haana‐kuteʋera Jehova kwaɀo, seɀakaita Davidi ɓaɓa ʋake.
7
Ɀino Soromoni akaʋakira Kemoshi, mŋari unonyaŋgadza waMoabi, ɗunhu rakakwirira pagomo riri pamberi peJerusarema; naMoreki, mŋari unonyaŋgadza waʋana ʋaAmoni.
8
Saiɀoɀo akaitira ʋo ʋakadzi ʋake ʋose ʋatorwa, ʋaipisira ʋamŋari ʋaʋo ɀinonhuwira nokuʋaɓayira.
9
Ɀino Jehova akatsamŋira Soromoni, nokuti mŋoyo wake wakatsauka kunaJehova Mŋari waIsraeri, iye wakaŋga aɀiratidza kaʋiri kwaari,
10
akamuraira pamsoro pecinhu ici, kuti arege kuteʋera ʋamŋe ʋamŋari; asi haana‐kuita iɀo ɀaakaŋga arairwa naMŋari.
11
Naiɀoɀo Jehova akati kunaSoromoni: Ɀawaita iɀoɀi, ukasaceŋgeta suŋgano yaŋgu nemitemo yaŋgu, yandakakuraira, ɀirokwaɀo ndicabvarura ʋushe bgako, ndibgubvise kwauri, ndibgupe muranda wako.
12
Kunyaŋge ɀakaɗaro handiŋgaɀiiti pamazuʋa ako nokuɗa kwaDavidi ɓaɓa ʋako; asi ndicabgubvarura, ndikabgubvisa paruʋoko rwomŋanakomana wako.
13
Kunyaŋge ɀakaɗaro handiŋgabgubvaruri ndikabgubvisa bgose, asi ndicapa mŋanakomana wako rudzi rumŋe nokuɗa kwaDavidi muranda waŋgu, ʋuye nokuɗa kweJerusarema, iro guta randakatsaura.
14
Ɀino Jehova akamutsira Soromoni Hadadi muEdomi, kuti arwe naye; iye wakaŋga ari worudzi rwamambo paEdomi.
15
Nokuti paŋguʋa iya Davidi ari paEdomi, Joabi mukuru wehondo wakati akwira kundoʋiga ʋakaŋga ʋaʋurawa, apedza kuʋuraya ʋarume ʋose paEdomi;
16
(nokuti Joabi naʋaIsraeri ʋose ʋakagara’po mŋedzi mitanhatu, kuȿikira aparadza ʋarume ʋose paEdomi;)
17
Hadadi akatiza, akaenda Egipita, iye naʋamŋe ʋaEdomi pakati paʋaranda ʋaɓaɓa ʋake, iye Hadadi aciri mŋana muɗuku.
18
Iʋo ʋakasimuka, ʋakabva Midiani, ʋakaȿika Parani; ʋakatora ʋamŋe ʋarume ʋeParani, ʋakaenda Egipita kunaFarao mambo weEgipita; iye akamupa imba, akaraira kuti apiwe ɀokudya, akamupa ʋo nyika pokugara.
19
Hadadi akazofarirwa kwaɀo naFarao; naiɀoɀo akamupa muramu wake, munuŋuna waʋahosi ʋake Tapenesi, aʋe mukadzi wake.
20
Munuŋuna waTapenesi akamuɓerekera mŋanakomana wake Genubati, wakarumurwa naTapenesi mumba maFarao; Genubati akagara mumba maFarao, pakati paʋanakomana ʋaFarao.
21
Ɀino Hadadi wakati acinzwa paEgipita, kuti Davidi waʋata namadziɓaɓa ake, ʋuye kuti Joabi mukuru wehondo wafa, Hadadi akati kunaFarao: Regai ndiende haŋgu kunyika yaŋgu.
22
Farao akati kwaari: Washaiweiko kwandiri, ɀowoɗakudzokera kunyika yako? Akapindura, akati: Handina‐kushaiwa cinhu; kunyaŋge ɀakaɗaro ndiregei henyu ndiende.
23
Ɀino Jehova akamumutsira ɀe mumŋe kuzorwa naye, Rezoni mŋanakomana waEriada, wakaŋga atiza kunashe wake Hadadezeri mambo weZoba;
24
akaʋuŋganidzira ʋanhu kwaari, akaʋa mukuru wehondo paŋguʋa Davidi yaakaʋuraya ʋeZoba; ʋakaenda Damasko, ʋakagara’po, ʋakaɓata ʋushe paDamasko.
25
Iye akarwa naIsraeri mazuʋa ose aSoromoni, ɀimŋe ɀakashata ɀakaitwa naHadadi ɀisiŋgarebgi; iye akaʋeŋga ʋaIsraeri, akaɓata ʋushe paSiria.
26
Jeroboami ʋo, mŋanakomana waNebati, muEfraimi weZereda, muranda waSoromoni, zita ramai ʋake rainzi Zerua, yaiʋa cirikadzi, wakamukira ʋo mambo.
27
Iye wakamukira mambo nemhaka yokuti Soromoni wakaŋga aʋaka Miro, akagadzira pakaŋga pakaputsika paguta raDavidi ɓaɓa ʋake.
28
Ɀino murume uyu Jeroboami wakaŋga ari murume wesimba noʋumhare, Soromoni akaʋona kuti jaya iro raiɓata kwaɀo, akamuita mutariri wamaɓasa ose eimba yaJosefa.
29
Ɀino paŋguʋa iyo Jeroboami wakati aciɓuɗa Jerusarema, muprofita Ahija muShiro akasoŋgana naye panzira; ɀino Ahija wakaŋga akafuka ŋguʋo itȿa; iʋo ʋakaŋga ʋari ʋaʋiri ʋoga kusaŋgo.
30
Ahija akaɓata ŋguʋo itȿa yaakafuka, akaibvaruranya akaita mapande anegumi namaʋiri.
31
Akati kunaJeroboami: Ciɀitorera mapande anegumi, nokuti ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Tarira, ndinobvarura ʋushe, ndibgubvise kunaSoromoni, ndikupe marudzi anegumi.
32
(Asi iye ucaʋa norudzi rumŋe nokuɗa kwaDavidi muranda waŋgu, ʋuye nokuɗa kweJerusarema, guta randakatsaura kumarudzi ose aIsraeri;)
33
nokuti ʋakandirasha, ʋakanamata kunaAshtoreti mŋarikadzi waʋaZidoni, naKemoshi mŋari waʋaMoabi, naMirkomi mŋari waʋana ʋaAmoni; haʋana kufamba panzira dzaŋgu, nokuita ɀakarurama pamberi paŋgu, nokuceŋgeta mitemo yaŋgu neɀandakatoŋga, seɀakaita Davidi ɓaɓa ʋake.
34
Kunyaŋge ɀakaɗaro handiŋgabvisi ʋushe bgose paruʋoko rwake, asi ndicamuita mucinda mazuʋa ose oʋupenyu bgake nokuɗa kwaDavidi muranda waŋgu, wandakatsaura; nokuti wakaceŋgeta mirairo yaŋgu neɀandakatema.
35
Asi ndicabvisa ʋumambo kumŋanakomana wake, ndibgupe iwe, iwo marudzi anegumi.
36
Asi mŋanakomana wake ndicamupa rudzi rumŋe, kuti Davidi muranda waŋgu aʋe nomŋenje ŋguʋa dzose pamberi paŋgu paJerusarema, iro guta randakaɀitsaurira, ndiise zita raŋgu’po.
37
Ndicakutora iwe, ugoɓata ʋushe seɀinoɗa mŋoyo wako, ugoʋa mambo waIsraeri.
38
Kana ukaterera ɀose ɀandinokuraira, ukafamba munzira dzaŋgu, ukaita ɀakarurama pamberi paŋgu, ukaceŋgeta ɀandatema nemirairo yaŋgu, seɀakaita Davidi muranda waŋgu, ini ndicaʋa newe, ndicakuʋakira imba yakasimba, seɀandakaʋakira Davidi, ndigokupa Israeri.
39
Nokuti nemhaka iyi ndicatambudza ʋana ʋaDavidi, asi handiŋgaɀiiti nokusiŋgaperi.
40
Naiɀoɀo Soromoni akatȿaka kuʋuraya Jeroboami; asi Jeroboami wakasimuka, akatizira Egipita kunaShishaki mambo weEgipita, akagara’po paEgipita kuȿikira pakufa kwaSoromoni.
41
Ɀino mamŋe mashoko aSoromoni, neɀose ɀaakaita, nokuŋgwara kwake, haɀina‐kunyorwa here pabuku yamaɓasa aSoromoni?
42
Ɀino ŋguʋa yakaɓata Soromoni ʋaIsraeri ʋose paJerusarema aiʋa makore makumi manna.
43
Ipapo Soromoni akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi ɓaɓa ʋake, Rehoboami mŋanakomana wake akazomuteʋera pakuɓata ʋushe.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22