bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 16
1 Kings 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
1
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaJehu mŋanakomana waHanani, pamsoro paBaasha, riciti:
2
Ndakakukudza ndikakubvisa paguruʋa, ndikakuita mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; asi wakafamba nenzira yaJeroboami, ukatadzisa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, ʋakamutsa shuŋgu dzaŋgu neɀiʋi ɀaʋo.
3
Tarira, ndicabvisa Baasha neimba yake cose; ndicaita imba yako seɀandakaita imba yaJeroboami mŋanakomana waNebati.
4
Aninani weimba yaBaasha unofira muguta, ucadyiwa nembga; aninani unofira kusaŋgo, ucadyiwa neshiri dzokuɗeŋga.
5
Mamŋe maɓasa aBaasha, neɀaakaita, nesimba rake, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
6
Baasha akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa paTirza, Era mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe.
7
Shoko raJehova rikaʋuya ʋo nomuromo womuprofita Jehu mŋanakomana waHanani, pamsoro paBaasha, napamsoro peimba yake, nokuɗa kweɀakaipa ɀose ɀaakaita pamberi paJehova, akamutsa shuŋgu dzake pamsoro pamaɓasa amaʋoko ake, akaŋga akafanana neeimba yaJeroboami, ʋuye nokuti wakaŋga amuparadza.
8
Negore ramakumi maʋiri namatanhatu raAsa mambo waJuda, Era mŋanakomana waBaasha, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paTirza, akaɓata makore maʋiri.
9
Ipapo muranda wake Zimri, mukuru wehafu yeŋgoro dzake, akamumukira; ɀino iye wakaŋga ari paTirza, acinwa aciɓatwa mumba maArza, mutariri weimba yake paTirza.
10
Zimri akapinda, akamuɓaya, akamuʋuraya negore ramakumi maʋiri namanomŋe raAsa mambo waJuda, akamuteʋera paʋushe.
11
Ɀino pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, acaŋgogara pacigaro cake coʋushe, akaʋuraya ʋose ʋeimba yaBaasha; haana‐kumusiyira mŋana mumŋe womukomana, kana mumŋe wehama dzake, kana mumŋe weshamŋari dzake.
12
Naiɀoɀo Zimri wakaparadza imba yose yaBaasha, seɀakaŋga ɀarebga naJehova, shoko iro raakataura pamsoro paBaasha nomuprofita Jehu,
13
nokuɗa kweɀiʋi ɀose ɀaBaasha, neɀiʋi ɀaEra mŋanakomana wake, ɀaʋakaita, neɀaʋakatadzisa Israeri naɀo, ʋakamutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri, neɀinhu ɀaʋo ɀisinamaturo.
14
Mamŋe maɓasa aEra, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
15
Negore ramakumi maʋiri namanomŋe raAsa mambo waJuda, Zimri akaɓata ʋushe paTirza mazuʋa manomŋe. Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋaciɗa kurwa naʋaGibetoni raiʋa raʋaFiristia.
16
Ɀino ʋanhu, ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋakanzwa, ɀicinzi: Zimri wamukira mambo akamuʋuraya; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose, ʋakaŋga ʋari kumisasa, ʋakagadza Omri, mukuru wehondo, aʋe mambo waIsraeri zuʋa iro.
17
Ipapo Omri akabva paGibetoni, akaenda naʋaIsraeri ʋose kuzokomba Tirza.
18
Ɀino Zimri wakati aciʋona kuti guta rakundwa, akapinda munhare paimba yamambo, akapisira imba yamambo pamsoro pake, akafa;
19
nokuɗa kweɀiʋi ɀake pakuita kwake ɀakaipa pamberi paJehova, acifamba nenzira yaJeroboami, nomuɀiʋi ɀake ɀaakaita, acitadzisa Israeri naɀo.
20
Mamŋe maɓasa aZimri, nokumukira kwake mambo, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
21
Ɀino ʋanhu ʋaIsraeri ʋakaparadzana, ʋakaita mapoka maʋiri; ʋamŋe ʋakateʋera Tibni mŋanakomana waGinati, ʋaciɗa kumuita mambo waʋo, asi ʋamŋe ʋakateʋera Omri.
22
Asi ʋanhu, ʋakateʋera Omri, ʋakakunda ʋanhu ʋakateʋera Tibni mŋanakomana waGinati; naiɀoɀo Tibni akafa, Omri akaɓata ʋushe.
23
Negore ramakumi matatu nerimŋe raAsa mambo waJuda, Omri akataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri, akaɓata makore anegumi namaʋiri; akaɓata ʋushe paTirza makore matanhatu.
24
Akateŋga gomo reSamaria kunaShemeri namatarenta maʋiri esirveri, akaʋaka pagomo, akatumidza zita reguta raakaʋaka Samaria, aciteʋedzera zita raShemeri, mŋene wegomo.
25
Asi Omri wakaita ɀakaipa pamberi paJehova, akapfuʋura ʋose ʋakamutaŋgira pakuita ɀakaipa.
26
Nokuti wakafamba nenzira yose yaJeroboami mŋanakomana waNebati, nomuɀiʋi ɀaakatadzisa Israeri naɀo, ʋakamutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri neɀinhu ɀaʋo ɀakaŋga ɀisinamaturo.
27
Mamŋe maɓasa aOmri, aakaita, nesimba rakaʋonekwa kwaari, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
28
Naiɀoɀo Omri akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa paSamaria, Ahabi mŋanakomana wake, akamuteʋera paʋushe.
29
Negore ramakumi matatu namasere raAsa mambo waJuda, Ahabi mŋanakomana waOmri wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri; Ahabi mŋanakomana waOmri akaɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria makore anamakumi maʋiri namaʋiri.
30
Ahabi mŋanakomana waOmri akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akakunda ʋose ʋakamutaŋgira.
31
Cakaŋga ciri cinhu ciɗuku haco kwaari kufamba muɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, asi wakawana Izeberi mukunda waEti‐baari, mambo waʋaZidoni, akandoshumira Baari, akanamata kwaari.
32
Akaʋakira Baari artari muimba yaBaari, yaakaʋaka paSamaria.
33
Ahabi akaita ʋo matanda okunamata nawo, Ahabi akawedzera kumutsa shuŋgu dzaJehova Mŋari waIsraeri, kupfuʋura madzimambo ose akamutaŋgira.
34
Pamazuʋa ake Hieri muBeteri akaʋaka Jeriko; akafirwa neɗaŋgwe rake, Abirami, ŋguʋa yaakaroŋga nheyo dzaro, ʋuye akafirwa nomŋanakomana wake worugotwe, Segubi, paŋguʋa yaakamisa masuʋo; seɀaɀakarebga naJehova nomuromo waJoshua mŋanakomana waNuni.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22