bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 5
1 Kings 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
1
Ɀino Hirami, mambo weTire, wakatumira ʋaranda ʋake kunaSoromoni, nokuti wakaŋga anzwa kuti ʋakamuzodza aʋe mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake; nokuti Hirami wakaŋga aciɗa Davidi ŋguʋa yose.
2
Soromoni akatuma nhume kunaHirami, akati:
3
Munoziʋa kuti Davidi ɓaɓa ʋaŋgu, ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋakira zita raJehova Mŋari waʋo imba, nokuɗa kwehondo dzairwiwa kumatiʋi ose, kuȿikira Jehova aʋaisa pasi petsoka dzake.
4
Asi ɀino Jehova Mŋari waŋgu wakandizorodza kumatiʋi ose, hakunomuʋeŋgi kana cimŋe cinhu cakaipa.
5
Ɀino tarirai, mŋoyo waŋgu unoɗa kuʋakira zita raJehova Mŋari waŋgu imba, seɀakataurwa naJehova kunaɓaɓa ʋaŋgu, aciti: Mŋanakomana wako, wandicagadza pacigaro cako coʋushe panɀimbo yako, ndiye ucaʋakira zita raŋgu imba.
6
Naiɀoɀo ɀino, cirairai kuti ʋanditemere miti yemisidari paRebanoni; ʋaranda ʋaŋgu ʋacaɓata pamŋe cete naʋaranda ʋenyu; ini ndicakupai muɓairo waʋaranda ʋenyu seɀamucareʋa; nokuti munoziʋa kuti pakati peɗu hapanomunhu unoziʋa kutema matanda uŋgafanana naʋaZidoni.
7
Ɀino Hirami wakati acinzwa mashoko aSoromoni, akafara kwaɀo, akati: Nhasi Jehova ŋgaaʋoŋgwe, iye wakapa Davidi mŋanakomana wakaŋgwara kuzoɓata ʋanhu aʋa ʋazhinji.
8
Ipapo Hirami akatuma nhume kunaSoromoni, akati: Ndanzwa shoko ramatuma kwandiri; ndicaita ɀose ɀamunoɗa pamsoro pamatanda emisidari, namatanda emisipresi.
9
Ʋaranda ʋaŋgu ʋacaaɓurusa paRebanoni ʋaciaisa kuguŋgwa; ndicaaɓatanidza aende neguŋgwa seɀamucandiraira, ndicaraira kuti asunuŋgurwe ipapo, muagamucire; imi mugoita seɀandinoɗa, mucipa ʋanhu ʋeimba yaŋgu ɀokudya.
10
Naiɀoɀo Hirami akapa Soromoni matanda emisidari namatanda emisipresi, ɀose seɀaaiɗa.
11
Soromoni akapa ʋo Hirami ɀiyero ɀineɀuru ɀamakumi maʋiri ɀeɀiyo, ɀ iʋe ɀokudya ɀaʋanhu ʋeimba yake; neɀiyero ɀinamakumi maʋiri ɀamafuta akaȿiniwa; Soromoni akapa Hirami saiɀoɀo gore rimŋe nerimŋe.
12
Jehova akapa Soromoni kuŋgwara, seɀaakamupikira; Hirami naSoromoni ʋainzwana, iʋo ʋaʋiri ʋakaita suŋgano.
13
Mambo Soromoni akaɗana ʋanhu ʋecibaro pakati paʋaIsraeri ʋose; ʋanhu ʋecibaro ʋaiʋa ɀuru ɀinamakumi matatu.
14
Akaʋatumira Rebanoni, mŋedzi mumŋe nomumŋe ɀuru ɀinegumi, ʋaciraʋana; ʋaiʋa paRebanoni mŋedzi mumŋe, nokumusha mŋedzi miʋiri; Adonirami ndiye wairaira ʋanhu ʋecibaro.
15
Ʋuye Soromoni wakaŋga anaʋatakuri ʋemitoro ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe, naʋatemi ʋamatanda pamakomo ʋaneɀuru ɀinamakumi masere;
16
ʋatariri ʋakuru ʋaSoromoni, ʋairaira ɓasa, ʋasiŋgaʋereŋgwi, iʋo ʋaiʋa neɀuru ɀitatu namazana matatu, ʋairaira ʋanhu ʋaiɓate‐ɓasa.
17
Mambo akaraira, ʋakaputsa mabge makuru, mabge aikosha, kuti ʋaroŋge nheyo dzeimba namabge akaʋezwa.
18
Ʋaʋaki ʋaSoromoni naʋaʋaki ʋaHirami naʋaGebari ʋakaaʋeza, ʋakagadzira matanda namabge kuzoʋaka imba.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22