bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 7
1 Kings 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
1
Soromoni wakepedza makore anegumi namatatu pakuʋaka imba yake, akapedza imba yake yose.
2
Nokuti wakaʋaka imba nemiti yamatondo eRebanoni; yakaŋgaya kaȿika makubiti anezana pakureɓa kwayo, namakubiti makumi mashanu paʋupamhi bgayo, namakubiti makumi matatu pakukwirira kwayo; akaiʋaka pamsoro pemisara minna yembiru dzemisidari, namatanda emisidari pamsoro pembiru.
3
Yakaŋga yakafukidzwa namatanda emisidari kumsoro, pamsoro pamakamuri aiʋa namakumi manna namashanu pamsoro pembiru, makamuri anegumi namashanu pamusara mumŋe.
4
Kwakaŋga kunemisara mitatu yamawindi, windi rimŋe rakatarisana nerimŋe windi, pamisara mitatu yakaturikidzana.
5
Magonhi ose namagwatidziro ɀaiʋa namatiʋi manna akaenzana; windi rimŋe rakaŋga rakatarisana nerimŋe windi, pamisara mitatu yakaturikidzana.
6
Akaita ɓiraʋira rembiru; rakaŋga rakaȿika makubiti makumi mashanu pakureɓa kwaro, namakubiti makumi matatu paʋupamhi bgaro, neɓiraʋira pamberi padzo, nedzimŋe mbiru namatanda makobvu pamberi padzo.
7
Akaita ʋo ɓiraʋira recigaro cake coʋushe, paaŋgatoŋga mhaka, iro ɓiraʋira rokutoŋga; iro rakaŋga rakafukidzwa namapuraŋga omusidari kubva paguʋa kuȿikira paɗeŋga.
8
Neimba yake yokugara, kunorumŋe ruʋazhe mukati meɓiraʋira, yakaŋga yakaitwa saiɀoɀo. Akaitira ʋo mukunda waFarao imba, (waakaŋga awana iye Soromoni,) yakaŋga yakafanana neɓiraʋira iro.
9
Idzi dzose dzakaŋga dzakaʋakwa namabge anokosha, ari mabge akaʋezwa, akaenzaniswa ɀakanaka, akacekwa namajeko mukati nokunze, kubva panheyo kuȿikira kumsoro, nokunze ʋo kuȿikira kuruʋazhe rukuru.
10
Nheyo dzakaŋga dzakaʋakwa namabge anokosha, mabge makuru, mabge akaȿika makubiti anegumi, namabge akaȿika makubiti masere.
11
Kumsoro kwakaŋga kunamabge anokosha, mabge akaʋezwa, akaenzaniswa ɀakanaka, namapuraŋga omusidari.
12
Ruʋazhe rukuru rwakaŋga rwakapoteredza, rwakaŋga runemisara mitatu yamabge akaʋezwa, nomusara mumŋe wamatanda omusidari; rwakaŋga rwakafanana noruʋazhe rwomukati rweimba yaJehova, neɓiraʋira reimba.
13
Ɀino mambo Soromoni akatuma ʋanhu kundotora Hirami paTire.
14
Iye wakaŋga ari mŋanakomana wecirikadzi yorudzi rwaNaftari; ɓaɓa ʋake ʋaiʋa munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakaŋga akaŋgwara kwaɀo anenjere noʋumhizha kuɓata maɓasa ose endarira. Akaʋuya kunamambo Soromoni, akaɓata maɓasa ake ose.
15
Nokuti wakaʋumba mbiru mbiri dzendarira, imŋe neimŋe yakaȿika makubiti anegumi namasere pakureɓa; ʋuye pakuyera rwonzi rwakaȿika makubiti anegumi namaʋiri rwakapoteredza mbiru imŋe neimŋe.
16
Akaʋumba ʋo misoro miʋiri yendarira yakanyauswa, kuti iiswe pamsoro pembiru; musoro mumŋe wakaȿika makubiti mashanu pakureɓa, nomumŋe musoro makubiti mashanu ʋo pakureɓa.
17
Misoro, yaiʋa pamsoro pembiru, yakaŋga inemimbure yakarukwa yendarira, neɀishoŋgo ɀamaketani; minomŋe yomusoro mumŋe, neminomŋe yomumŋe musoro ɀe.
18
Akaita ʋo matamba; kwakaŋga kunemisara miʋiri yakapoteredza pamsoro pomumbure mumŋe, kufukidza misoro yakaŋga iri pamsoro pembiru; akaitira mumŋe musoro saiɀoɀo.
19
Misoro, yaiʋa pamsoro pembiru paɓiraʋira, yakaŋga inamaruʋa amahapa akaʋezwa, akaȿika makubiti manna.
20
Kumsoro kwakaŋga kunemisoro ʋo pamsoro pembiru mbiri, pedyo neɗumbu rakaŋga riri parutiʋi rwomumbure wakarukwa; namatamba akaŋga anamazana maʋiri, akaita misara yakapoteredza pamsoro pomumŋe musoro.
21
Ɀino akamisa mbiru paɓiraʋira retembere, akamisa mbiru yorudyi, akatumidza zita rayo Jakini; akamisa mbiru yoruɓoshwe, akatumidza zita rayo Boazi.
22
Pamsoro pembiru pakaŋga paneɀishoŋgo ɀamaruʋa amahapa; naiɀoɀo ɓasa rapambiru rakapera.
23
Ɀino akaita dziʋa rendarira yakanyauswa, rakaȿika makubiti anegumi paʋupamhi pamuromo, rakatenderera; kukwirira kwaro kwakaȿika makubiti mashanu; ʋuye pakuyera rwonzi rwakaȿika makubiti makumi matatu rwakaripoteredza.
24
Pasi pomuromo waro pakaŋga panamafundo akaripoteredza, akaŋga anegumi pakubiti rimŋe nerimŋe, aipoteredza dziʋa; mafundo akaita misara miʋiri, akaʋumbga pamŋe cete naro.
25
Rakaŋga rimire pamsoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakaŋga dzakatarira kurutiʋi rwokumsoro, nhatu kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, nhatu kurutiʋi rwezasi, ʋuye nhatu kurutiʋi rwamabvazuʋa; dziʋa rakaŋga rakagadzwa pamsoro padzo, idzo dzakafuratirana.
26
Ʋukobvu bgaro bgaiʋa soʋupamhi bgecanza, ʋuye muromo waro wakaŋga wakafanana nomuromo wembiya, seruʋa rehapa; mukati maro maipinda mabati aneɀuru ɀiʋiri.
27
Akaita ʋo ɀiŋgoro ɀinegumi ɀendarira; ciŋgoro cimŋe necimŋe caiȿika makubiti manna pakureɓa, namakubiti manna paʋupamhi, namakubiti matatu pakukwirira.
28
Ɀiŋgoro ɀakaŋga ɀakaitwa kuɗai: Ɀaiʋa noʋukomba, ʋukomba ubgo bgakakombga nemiɗeŋgerero.
29
Paʋukomba ubgo pakati pemiɗeŋgerero paiʋa neshumba, nenzombe, namakerubi; pamsoro pemiɗeŋgerero pakaŋga pakaɗaro ʋo; pasi peshumba nenzombe paiʋa neɀishoŋgo ɀakarembera.
30
Ciŋgoro cimŋe necimŋe caiʋa namakumbo manna endarira neɀokumonerekera’po ɀendarira; makumbo aco manna aiʋa neɀitsigiro; ɀitsigiro iɀo ɀakaŋga ɀakaʋumbirwa pasi pomudziyo wokushambidzira, neɀishoŋgo kurutiʋi rumŋe norumŋe.
31
Muromo wawo pakati pomusoro nokumsoro kwawo wakaȿika kubiti rimŋe; muromo wawo wakaŋga wakatenderera, wakafanana necigadziko, kubiti rimŋe nehafu; pamuromo wawo paiʋa neɀakanyorwa, asi ʋukomba bgawo bgaiʋa namatiʋi manna akaenzana, ɀisina‐kutenderera.
32
Makumbo manna akaŋga ari pasi poʋukomba, ʋuye ɀokuɓatisa makumbo ɀaiʋa paŋgoro; gumbo rimŋe nerimŋe rakaȿika kubiti rimŋe nehafu pakukwirira kwaro.
33
Makumbo akaŋga akafanana namakumbo eŋgoro; ɀokuɓatisa makumbo, namafero, namasipoki, namaneivi ɀakaŋga ɀakaʋumbga ɀose.
34
Paiʋa neɀitsigiro ɀinna pamakona manna eciŋgoro cimŋe necimŋe; ɀitsigiro ɀaiʋa ɀimŋe neŋgoro imene.
35
Pamsoro peciŋgoro paiʋa necitenderere cakaȿika hafu yekubiti pakukwirira, ʋuye pamsoro peŋgoro ɀitsigiro ɀayo noʋukomba bgayo ɀaiʋa ɀimŋe.
36
Panhiʋi dzeɀitsigiro ɀayo, ʋuye paʋukomba bgayo akaʋeza makerubi neshumba, nemiti yemicindwe paɀakariŋgana, neɀishoŋgo kunhiʋi dzose.
37
Akaita ɀiŋgoro ɀinegumi saiɀoɀo; ɀose ɀakaŋga ɀakafanana pakuʋumbga nokuenzana, nomufananidzo mumŋe.
38
Akaita midziyo yokushambidzira inegumi; mudziyo mumŋe nomumŋe waipinda mabati makumi manna emʋura; mudziyo mumŋe nomumŋe wakaȿika makubiti manna; paŋgoro dzose gumi pakaŋga panomudziyo paŋgoro imŋe neimŋe.
39
Akaisa ɀiŋgoro, ɀishanu kurutiʋi rworudyi rweimba, ʋuye ɀishanu kurutiʋi rworuɓoshwe rweimba; akagadzika dziʋa kurutiʋi rworudyi rweimba kumabvazuʋa necezasi.
40
Hirami akaita midziyo yokushambidzira, nefoshoro, nembiya. Naiɀoɀo Hirami akapedza maɓasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehova;
41
ɀaiti: Mbiru mbiri, nembiya mbiri dzemisoro miʋiri, yaiʋa pamisoro yembiru; ʋuye mimbure miʋiri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miʋiri yaiʋa pamsoro pembiru;
42
namatamba anamazana manna emi mbure miʋiri, misara miʋiri yamatamba pamumbure mumŋe nomumŋe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yaiʋa pamsoro pembiru;
43
neɀiŋgoro ɀinegumi, nemidziyo yokushambidzira inegumi pamsoro peɀiŋgoro;
44
nedziʋa rimŋe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziʋa;
45
nehari, nefoshoro, nembiya; nhumbi idzi dzose dzakaitirwa mambo Soromoni naHirami mumba maJehova, dzakaŋga dzakaitwa nendarira yakabginyiswa.
46
Mambo akadziʋumba paɓani raJoridani, pakati peSukoti neZaretani, paiʋa nevu rokuʋumba.
47
Soromoni haana‐kuyera nhumbi dzose, nokuti dzaiʋa zhinji kwaɀo; ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋereŋga kurema kwendarira.
48
Soromoni akaita nhumbi dzose dzaiʋa mumba maJehova, dzaiti: Artari yendarama, netafura yendarama paiʋa neɀiŋgwa ɀokuratidza;
49
nemŋenje yendarama yakaiȿo‐naka, mishanu kurutiʋi rworudyi, nemishanu kurutiʋi rworuɓoshwe, pamberi papaŋgataura Jehova; namaruʋa, nemŋenje, nembato dzendarama;
50
nemikombe, nembato dzemŋenje, nembiya, neɀiroŋgo, neɀaeŋga ɀomŋoto ɀendarama yakaiȿo‐naka; neɀiɓato ɀamagonhi ɀendarama, ɀamagonhi eimba yomukati, iyo nɀimbo tȿene‐tȿene, neɀamagonhi eimba, iyo tembere.
51
Naiɀoɀo ɓasa rose, rakaitwa namambo Soromoni paimba yaJehova, rakapera. Soromoni akaisa ʋo nhumbi dzakaŋga dzatsaurirwa Mŋari naDavidi ɓaɓa ʋake, sirveri, nendarama, nemidziyo, akadziisa padzimba dzokuceŋgeta fuma dzeimba yaJehova.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22