bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 21
1 Kings 21
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
1
Ɀino shure kwaiɀoɀo Naboti muJezreeri wakaŋga anomunda wemizambiriŋga, waiʋa paJezreeri, pedyo neimba yoʋushe yaAhabi mambo weSamaria.
2
Ɀino Ahabi akataura naNaboti, akati: Ndipe munda wako wemizambiriŋga, ndiuite munda wemiriʋo, nokuti uri pedyo neimba yaŋgu; ini ndigokupa mumŋe munda wemizambiriŋga unokunda uyu; ɀimŋe, kana uciɗa, ndiŋgakupa mari yakariŋgana muteŋgo wawo.
3
Ipapo Naboti akati kunaAhabi: Jehova ŋgaandidziʋise, ndirege kukupai nhaka yamadziɓaɓa aŋgu.
4
Ipapo Ahabi akapinda mumba make, aʋora mŋoyo, aneshuŋgu, nokuɗa kweshoko raakaŋga aʋudzwa naNaboti muJezreeri; nokuti iye wakaŋga ati: Handiŋgakupiyi nhaka yamadziɓaɓa aŋgu. Akaʋata panhoʋo yake, akatendeʋudza ciso cake, akaramba kudya.
5
Ɀino Izeberi mukadzi wake akaenda kwaari, akati: Mŋoyo wenyu uneshuŋgu neiko, ɀamusiŋgaɗi kudya?
6
Iye akati kwaari: Nokuti ndakataura naNaboti muJezreeri, ndikati kwaari: Ndipe munda wako wemizambiriŋga, ndiuteŋge nemari; asi kana uciɗa hako, ndicakupa mumŋe munda wemizambiriŋga panɀimbo yawo, iye akapindura, akati: Handiŋgakupiyi munda waŋgu wemizambiriŋga.
7
Ɀino Izeberi mukadzi wake akati kwaari: Ko hamuzi’mi munoɓata ʋushe pakati paIsraeri here? Mukai, mudye, mŋoyo wenyu ufare, nokuti ini ndicakupai munda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri.
8
Naiɀoɀo akanyora ŋwadi nezita raAhabi, akadzisimbisa necisimbiso cake, akatuma ŋwadi idzo kuʋakuru, nokumacinda, ʋaiʋa muguta rake, ʋakaŋga ʋagere naNaboti.
9
Akanyora paŋwadi idzo, aciti: Tarai musi wokuɀinyima ɀokudya nawo, mukudze Naboti pakati paʋanhu.
10
Mugoraira ʋanhu ʋaʋiri ʋakaiȿo‐ipa ʋamire pamberi pake, ʋamupupurire, ʋaciti: Iwe wakatuka Mŋari namambo. Ipapo muende naye kunze kweguta, mumutake namabge, afe.
11
Ipapo ʋarume ʋeguta rake, iʋo ʋakuru namacinda, ʋakaŋga ʋagere muguta rake, ʋakaita seɀaʋakarairwa naIzeberi, seɀakanyorwa paŋwadi dzaʋakaŋga ʋatumirwa naye.
12
Ʋakatara zuʋa rokuɀinyima ɀokudya, ʋakakudza Naboti pakati paʋanhu.
13
Ɀino ʋarume ʋaʋiri ʋakaiȿo‐ipa ʋakapinda, ʋakandogara pamberi pake; ʋarume aʋa ʋakaiȿo‐ipa ʋakamupupurira, iye Naboti, pamberi paʋanhu, ʋakati: Naboti wakatuka Mŋari namambo. Ɀino ʋakaɓuɗa naye paguta, ʋakamutaka namabge, akafa.
14
Ipapo ʋakatuma shoko kunaIzeberi, ʋakati: Naboti watakwa namabge, wafa.
15
Ɀino Izeberi wakati acinzwa kuti Naboti watakwa namabge, wafa, Izeberi akati kunaAhabi: Simukai, mundoɀitorera munda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri, uyo waakaɗeya kuramba kukupai, ŋguʋa yamakaɗa kumupa mari, nokuti Naboti haaciri mupenyu, asi wafa.
16
Ɀino Ahabi wakati acinzwa kuti Naboti wafa, Ahabi akasimuka, akaɓuruka kumunda wemizambiriŋga waNaboti muJezreeri, kundoɀitorera iwo.
17
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaEria muTishbi, riciti:
18
Simuka, ɓuruka undosoŋgana naAhabi mambo waIsraeri, unogara Samaria; ucamuwana ari mumunda wemizambiriŋga waNaboti, kwaaɓurukira kundoɀitorera iwo.
19
Umuʋudze, uti: Ɀanzi naJehova: Waʋuraya, ɀino watora ʋo here? Ɀino umuʋudze ʋo, uti: Ɀanzi naJehova: Apo pakananɀa imbga ropa raNaboti, ndipo padzicananɀa ropa rako ʋo.
20
Ahabi akati kunaEria: Wandiwana, iwe muʋeŋgi waŋgu, here? Akapindura, akati: Ndakuwana; nokuti waɀiteŋgesa kuti uite ɀakaipa pamberi paJehova.
21
Tarira, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro pako, ndicakutȿaira cose, ubve, ndicaparadza ʋanakomana ʋose ʋaAhabi, ʋaɗuku naʋakuru kuʋaIsraeri.
22
Imba yako ndicaiita seimba yaJeroboami mŋanakomana waNebati, neimba yaBaasha mŋanakomana waAhija, nemhaka yokuti wakanditsamŋisa iwe, ukatadzisa Israeri.
23
Ʋuye Jehova akataura pamsoro paIzeberi, akati: Imbga dzicadya Izeberi paruȿiŋgo rweJezreeri.
24
Aninani waAhabi, unofira muguta, ucadyiwa nembga, aninani, unofira kusaŋgo, ucadyiwa neshiri dzokuɗeŋga.
25
(Asi hakunomunhu wakafanana naAhabi, wakaɀiteŋgesa kuti aite ɀakaipa pamberi paJehova, acikurudzirwa naIzeberi mukadzi wake.
26
Akaita ɀakanyaŋgadza kwaɀo, nokuti wakateʋera ɀifananidzo netsika dzose dzaʋaAmori, iʋo ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri).
27
Ɀino Ahabi wakati acinzwa mashoko iwayo, akabvarura ŋguʋo dzake, akasimira magumbu pamuʋiri wake, akaɀinyima ɀokudya, akaʋata pasi namagumbu, akanatso‐famba.
28
Ɀino shoko reJehova rikaȿika kunaEria muTishbi, riciti:
29
Unoʋona here kuti Ahabi unoɀininipisa pamberi paŋgu? Ɀaanoɀininipisa pamberi paŋgu, handiŋgaʋuyisi ɀakaipa iɀo pamazuʋa ake; asi pamazuʋa omŋanakomana wake ndicaʋuyisa ɀakaipa iɀo pamsoro peimba yake.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22