bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 22
1 Kings 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
1
Ɀino ʋakagara makore matatu kusino‐kurwa pakati paʋaSiria naʋaIsraeri.
2
Ɀino negore recitatu Jehoshafati mambo waJuda wakaɓurukira kunamambo waIsraeri.
3
Ipapo mambo waIsraeri akati kuʋaranda ʋake: Munoziʋa here kuti Ramoti‐gireadi ndereɗu? Asi isu tigere heɗu tinyerere, tisiŋgaritori kunamambo weSiria.
4
Akati kunaJehoshafati: Ucaenda neni kundorwa neRamoti‐gireadi here? Jehoshafati akati kunamambo waIsraeri: Ini ndakaita sewe, naʋanhu ʋaŋgu saʋanhu ʋako, namabiza aŋgu samabiza ako.
5
Jehoshafati akati kunamambo waIsraeri: Ƌombobvunza hako shoko raJehova nhasi.
6
Ɀino mambo waIsraeri akaʋuŋganidza ʋaprofita, ʋaneŋge ʋarume ʋaiʋa namazana manna, akati kwaʋari: Ndiende kundorwa neRamoti‐gireadi here, kana ndirege? Iʋo ʋakati: Endai, nokuti Ishe ucariisa mumaʋoko amambo.
7
Asi Jehoshafati akati: Hakucinomumŋe muprofita waJehova pano here, timubvunze?
8
Mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Mumŋe murume uci’ko, Mikaya mŋanakomana waImra, watiŋgabvunza kuɗa kwaJehova naye, asi ini ndinomuʋeŋga, nokuti haaprofiti ɀakanaka pamsoro paŋgu, asi ɀakaipa. Jehoshafati akati: Mambo ŋgaarege kuɗaro.
9
Ɀino mambo waIsraeri akaɗana muranda, akati: Kurumidza undotora Mikaya mŋanakomana waImra.
10
Ɀino mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJuda ʋakaŋga ʋagere mumŋe nomumŋe pacigaro cake coʋushe, ʋakafuka ŋguʋo dzaʋo dzoʋushe paɗare pasuʋo reSamaria; ʋaprofita ʋose ʋakaprofita pamberi paʋo.
11
Zedekia mŋanakomana waKenaani akaɀiitira nyaŋga dzamatare, akati: Ɀanzi naJehova: Nedzidzi mucatuŋga ʋaSiria, kuȿikira ʋapera.
12
Naʋamŋe ʋaprofita ʋose ʋakaprofita saiɀoɀo, ʋakati: Endai Ramoti‐gireadi, mucakunda, nokuti Jehova ucariisa muruʋoko rwamambo.
13
Ɀino nhume yakaŋga yandoɗana Mikaya yakataura kwaari, ikati: Tarirai, mashoko aʋaprofita anobvumirana acitaura ɀakanaka kunamambo; ɀino ndinokumbira kuti shoko renyu riʋe seshoko romumŋe waʋo, mutaure ʋo ɀakanaka.
14
Ipapo Mikaya akati: NaJehova mupenyu, iɀo ɀinorebga naJehova kwandiri, ndiɀo ɀandicataura.
15
Ɀino wakati aciȿika kunamambo, mambo akati kwaari: Mikaya, tiende kundorwa neRamoti‐gireadi here, kana tirege? Akamupindura, akati: Endai henyu, mucakunda, nokuti Jehova ucariisa muruʋoko rwamambo.
16
Mambo akati kwaari: Ndinofanira kukupikisa kaŋgani here kuti undiʋudze ɀokwaɗi yoga nezita raJehova?
17
Iye akati: Ndaʋona ʋaIsraeri ʋose ʋakapararira pamakomo samakwai asino‐mufudzi; Jehova akati: Aʋa haʋanatenzi, mumŋe nomumŋe ŋgaadzokere kumusha kwake norugare.
18
Mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Handina‐kukuʋudza here, kuti haaŋgaprofiti ɀakanaka pamsoro paŋgu, asi ɀakaipa?
19
Mikaya akati: Ɀino cinzwai shoko raJehova: Ndakaʋona Jehova agere pacigaro cake coʋushe, nehondo dzose dzokuɗeŋga dzimire naye kurudyi rwake nokuruɓoshwe rwake.
20
Ipapo Jehova akati: Ndianiko ucandonyeŋgera Ahabi, aende, andoʋurawa paRamoti‐gireadi? Ɀino mumŋe akati ɀokuti, nomumŋe ɀe akati ɀokuti.
21
Ɀino mŋeya ukaɓuɗa, ukamira pamberi paJehova, ukati: Ini ndicandomunyeŋgera.
22
Jehova akati kwauri: Neiko? Iwo ukati: Ndicaenda, ndicaʋa mŋeya wenhema mumiromo yaʋaprofita ʋake ʋose. Iye akati: Iwe ndiwe ucamunyeŋgera, ucakunda ʋo; enda hako, undoita saiɀoɀo.
23
Naiɀoɀo ɀino, tarirai, Jehova wakaisa mŋeya wenhema mumiromo yaʋaprofita ʋenyu aʋa ʋose, asi Jehova wakataura ɀakaipa pamsoro penyu.
24
Ipapo Zedekia mŋanakomana waKenaani akasweɗera, akaroʋa Mikaya paɗama rake, akati: Mŋeya waJehova wakaenda nepiko ucibva kwandiri kundotaura newe?
25
Mikaya akati: Ucaɀiʋona musi uyo waucandoʋanda mukamuri yomukati.
26
Ipapo mambo waIsraeri akati: Ƃatai Mikaya, mumuise kunaAmoni muɓati weguta, nokunaJoashi mŋanakomana wamambo,
27
muti: Ɀanzi namambo: Pinzai munhu uyu mutoroŋgo, mumupe ɀokudya ɀokutambudzika, nemvura yokutambudzika, kuȿikira ndicidzoka norugare.
28
Ipapo Mikaya akati: Kana mukadzoka norugare, Jehova haana‐kutaura neni. Akati: Inzwai, imi ʋanhu, imi mose.
29
Naiɀoɀo mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJuda ʋakaenda Ramoti‐gireadi.
30
Ɀino mambo waIsraeri akati kunaJehoshafati: Ini ndicaɀishandura, ndigondorwa; asi iwe cifuka ŋguʋo dzako dzoʋushe. Mambo waIsraeri akaɀishandura, akandorwa.
31
Ɀino mambo weSiria wakaŋga araira ʋatariri ʋeŋgoro dzake, ʋanamakumi matatu naʋaʋiri, akati: Regai kurwa naʋaɗuku kana naʋakuru, asi namambo waIsraeri oga.
32
Ɀino ʋatariri ʋeŋgoro ʋakati ʋaciʋona Jehoshafati, ʋakati: Ɀirokwaɀo ndiye mambo waIsraeri. Ʋakatsaukira kundorwa naye; ɀino Jehoshafati akaridza mhere.
33
Ipapo ʋatariri ʋeŋgoro ʋakati ʋaciʋona kuti haazi mambo waIsraeri, ʋakadzoka pakumuteʋera.
34
Ɀino mumŋe murume akahwembura ʋuta bgake asiŋgashumbi hake, akafura mambo waIsraeri pakati peɀisuŋgo ɀeŋguʋo dzake dzokurwa nadzo; ipapo mambo akati kumufambisi weŋgoro yake: Dzoka, undiise kunze kwehondo, nokuti ndakuʋadzwa kwaɀo.
35
Kurwa kukanyanya kwaɀo nomusi uyo; mambo akatsigirwa muŋgoro yake pakurwa naʋaSiria, akafa maɗekwana; ropa rikaɓuɗa paʋaŋga rikayerera mukati meŋgoro.
36
Ɀino zuʋa rakati roʋira mhere ikanzwika pahondo yose, iciti: Mumŋe nomumŋe ŋgaadzokere kuguta rake, mumŋe nomumŋe kunyika yake.
37
Naiɀoɀo mambo akafa, akaiswa Samaria, ʋakaʋiga mambo paSamaria.
38
Ʋakasuka ŋgoro padziʋa reSamaria, imbga dzikananɀa ropa rake; (ndipo paishamba ɀifeʋe); seɀakaŋga ɀarebga neshoko raJehova.
39
Ɀino mamŋe maɓasa aAhabi, neɀose ɀaakaita, neimba yenyaŋga dzenzou yaakaʋaka, namaguta ose aakaʋaka, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
40
Naiɀoɀo Ahabi akaʋata namadziɓaɓa ake, Ahazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
41
Ɀino Jehoshafati mŋanakomana waAsa, wakataŋga kuɓata ʋushe bgaJuda negore recinna raAhabi mambo waIsraeri.
42
Jehoshafati wakaŋga aʋa namakore makumi matatu namashanu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata makore makumi maʋiri namashanu paJerusarema. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Azuba, mukunda waShirhi.
43
Akafamba panzira dzose dzaɓaɓa ʋake Asa; haana‐kutsauka padziri, asi wakaita ɀakarurama pamberi paJehova; kunyaŋge ɀakaɗaro matunhu akakwirira haana‐kubviswa, ʋanhu ʋakaramba ʋaciŋgoɓayira nokupisira ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
44
Jehoshafati akayanana namambo waIsraeri.
45
Ɀino mamŋe maɓasa aJehoshafati, nesimba rakaʋonekwa kwaari, nokurwa kwake, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
46
Ʋasodomi ʋo, ʋakaŋga ʋasiyiwa pamazuʋa aAsa ɓaɓa ʋake, akaʋabvisa ʋo panyika.
47
Asi paEdomi pakaŋga pasinamambo, mumŋe wakaŋga aciɓata panɀimbo yamambo.
48
Jehoshafati akaʋaka ɀikepe ɀeTarshishi kuenda Ofiri kuzotora ndarama; asi haɀina‐kuenda, nokuti ɀikepe ɀakaputsika paEzioni‐geberi.
49
Ɀino Ahazia mŋanakomana waAhabi akati kunaJehoshafati: Ʋaranda ʋaŋgu ŋgaʋaende naʋaranda ʋako neɀikepe. Asi Jehoshafati wakaramba.
50
Jehoshafati akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake paguta raDavidi ɓaɓa ʋake, Jehorami mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
51
Ahazia mŋanakomana waAhabi, akataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria pagore regumi namanomŋe raJehoshafati mambo waJuda, akaɓata ʋushe bgaIsraeri makore maʋiri.
52
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akafamba nenzira yaɓaɓa ʋake, ʋuye nenzira yamai ʋake, ʋuye nenzira yaJeroboami mŋanakomana waNebati, wakatadzisa Israeri.
53
Nokuti wakashumira Baari, akanamata kwaari, akatsamŋisa Jehova Mŋari waIsraeri, seɀakaita ɓaɓa ʋake paɀose.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22