bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 10
1 Kings 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 11 →
1
Ɀino mambokadzi weSheba, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamsoro pezita raJehova, akaʋuya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu.
2
Akaȿika Jerusarema naʋanhu ʋazhinji namakamera aitakura ɀinonhuwira, nendarama zhinji‐zhinji, neɀibge ɀinokosha; ɀino wakati aȿika kunaSoromoni, akataurirana naye pamsoro peɀose ɀaiʋa mumŋoyo make.
3
Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakunecinhu cakaŋga cakaʋanzirwa mambo, caakaŋga asiŋgagoni kumuʋudza.
4
Ɀino mambokadzi weSheba wakati aʋona kuŋgwara kwose kwaSoromoni, neimba yaakaŋga aʋaka,
5
neɀokudya ɀaiʋa patafura yake, nokugara kwaʋaranda ʋake, nokushumira kwaʋaɓatiri ʋake, neŋguʋo dzaʋo, naʋaɗiri ʋake, necikwiriso cake caaikwira naco kuimba yaJehova, akapera mŋeya.
6
Akati kunamambo: Guhu randakanzwa munyika yaŋgu ramashoko enyu nokuŋgwara kwenyu rakaŋga riri raɀokwaɗi.
7
Asi handina‐kutenda mashoko iwayo, kuȿikira ndaʋuya, ndikaʋona nameso aŋgu; asi tarirai, handina‐kuʋudzwa kunyaŋge hafu yaɀo; kuŋgwara kwenyu neɀakanaka ɀenyu ɀinokunda ɀose ɀandakanzwa.
8
Ʋarume ʋenyu ʋanomufarwa, naʋaranda ʋenyu aʋa ʋanomufarwa, ʋanomira pamberi penyu ŋguʋa dzose ʋacinzwa kuŋgwara kwenyu.
9
Jehova Mŋari wenyu ŋgaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pacigaro coʋushe caIsraeri; Jehova wakaɗa Israeri nokusiŋgaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutoŋge nokururamisa.
10
Akapa mambo matarenta anezana namakumi maʋiri endarama, neɀinonhuwira ɀizhinji kwaɀo, neɀibge ɀinokosha; ɀinonhuwira ɀakawanda ɀakaɗai, ɀakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weSheba, haɀina‐kuzoʋuyiswa ɀe.
11
Ɀikepe ɀaHirami, ɀaibva Ofiri nendarama, ɀaiʋuya ʋo nemiti yemiarmugi neɀibge ɀinokosha ɀaibva Ofiri.
12
Mambo akaita namatanda iwayo emiarmugi mbiru dzeimba yaJehova, nedzeimba yamambo, ʋuye mbira, nemiteŋgeranwa ɀaʋaimbi; miti yemiarmugi yakaɗai haina‐kumboʋuyiswa kana kuʋonekwa kuȿikira nhasi.
13
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weSheba ɀose ɀaaiɗa neɀaakakumbira; ɀimŋe ɀaakapiwa naSoromoni ɀefuma yake ɀisiŋgaʋereŋgwi. Naiɀoɀo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye naʋaranda ʋake.
14
Ɀino ndarama yakaʋuyiswa kunaSoromoni gore rimŋe nerimŋe yakaȿika matarenta anamazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;
15
ʋasiŋgaʋereŋgi iyo yaiʋuya naʋashambadziri, neyaiʋuya nokuteŋga kwaʋateŋgesi, neyaibva kumadzimambo ose endudzi dzakaveŋgana, nokuʋaɓati ʋenyika.
16
Mambo akaita nhoʋo huru dzinamazana maʋiri nendarama yakapambadzirwa; nhoʋo imŋe neimŋe yakaŋga yakaitwa namashekeri anamazana matatu endarama;
17
akaita ʋo nhoʋo ɗuku dzinamazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama, yakaȿika mapaundi matatu pakurema, yaiiswa panhoʋo imŋe neimŋe; mambo akaɀiisa muimba yeɗondo reRebanoni.
18
Mambo akaita ʋo cigaro cikuru coʋushe cenyaŋga dzenzou, akacifukidza nendarama yakaiȿo‐naka.
19
Cigaro ico coʋushe caiʋa neɀikwiriso ɀitanhatu, ʋuye musoro wecigaro wakaŋga wakatenderedzwa shure kwaco; kwaiʋa neɀitsigiro kunhiʋi mbiri dzecigaro, ʋuye shumba mbiri dzakaŋga dzimire kunhiʋi dzecitsigiro.
20
Kwaiʋa neshumba gumi nembiri dzakaŋga dzimire paɀikwiriso ɀitanhatu, mbiri‐mbiri kunhiʋi dzecimŋe necimŋe; hakuna‐kumboitwa cakaɗai kunobgumŋe ʋushe.
21
Mikombe yose yokunwira nayo yamambo Soromoni yaiʋa yendarama, ʋuye midziyo yose yeimba yeɗondo reRebanoni yaiʋa yendarama yakaiȿo‐naka; kwakaŋga kusinecinhu cimŋe cesirveri; iyo yainzi hainomurimo pamazuʋa aSoromoni.
22
Nokuti mambo waiʋa neɀikepe ɀeTarshishi paguŋgwa pamŋe cete neɀikepe ɀaHirami; ɀikepe ɀeTarshishi ɀaiʋuya kamŋe pamakore matatu ɀinendarama, nesirveri, nenyaŋga dzenzou, netsoko, namatendera.
23
Naiɀoɀo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokucenjera.
24
Ʋanhu ʋenyika dzose ʋaiʋuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kuŋgwara kwake, kwakaŋga kwaiswa naJehova mumŋoyo make.
25
Mumŋe nomumŋe waiʋuya necipo cake cemidziyo yesirveri, nemidziyo yendarama, neŋguʋo, nenhumbi dzokurwa nadzo, neɀinonhuwira, namabiza, namahesera, gore rimŋe nerimŋe.
26
Soromoni akaʋuŋganidza ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza; wakaŋga aneŋgoro dzinecuru cimŋe namazana manna, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ʋaakaisa kumaguta eŋgoro, nokunamambo paJerusarema.
27
Mambo akaʋuŋganidza sirveri paJerusarema, ikawanda ikaita samabge, nemisidari ikaita semiʋonde yaiʋa pamapani.
28
Mabiza aSoromoni aaiʋa nawo aibva Egipita; ʋateŋgesi ʋamambo ʋaindoatora’ko, ʋaciita mapoka‐mapoka, ɓoka rimŋe nerimŋe rinomuteŋgo waro.
29
Ŋgoro imŋe neimŋe, yaibva Egipita, yaiteŋgwa namashekeri esirveri anamazana matanhatu, ʋuye biza rimŋe nerimŋe namashekeri anezana namakumi mashanu; saiɀoɀo ʋo madzimambo ose aʋaHiti, namadzimambo aʋaSiria, aiʋigirwa iɀoɀo naʋo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22