bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 9
1 Kings 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 10 →
1
Ɀino Soromoni wakati apedza kuʋaka imba yaJehova, neimba yamambo, neɀose Soromoni ɀaakaŋga aciɗa kuita,
2
Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni rwecipiri, seɀaakaɀiratidza kwaari paGibeoni.
3
Jehova akati kwaari: Ndakanzwa kunyeŋgetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi paŋgu; ndakatsaura imba iyi yawakaʋaka, kuti ndiise zita raŋgu’po nokusiŋgaperi; meso aŋgu nomŋoyo waŋgu ɀicaʋa’po ŋguʋa dzose.
4
Kana uri’we, kana ukafamba pamberi paŋgu saɓaɓa ʋako Davidi nomŋoyo usiŋganyeŋgeri, nokururama, ukaita ɀose ɀandakakuraira, ukaceŋgeta ɀandatema neɀandatoŋga,
5
ipapo ini ndicasimbisa cigaro cako coʋushe pakati paIsraeri nokusiŋgaperi, seɀandakapikira ɓaɓa ʋako Davidi, ndiciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri.
6
Asi kana mukatsauka pakunditeʋera, imi kana ʋana ʋenyu, mukasaceŋgeta mirairo yaŋgu neɀandatema ɀandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukanamata kwaʋari;
7
ipapo ndicaparadza Israeri panyika yandakaʋapa; neimba iyi yandakatsaurira zita raŋgu, ndicairashira kure ndirege kuiʋona; ʋaIsraeri ʋacaʋa shumo neciseko pakati paʋanhu ʋose;
8
ʋuye imba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka nokuridza muridzo, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba ino?
9
Ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya Jehova Mŋari waʋo, wakaŋga aɓuɗisa madziɓaɓa aʋo munyika yeEgipita, ʋakanamatira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakanamata kwaʋari, nokuʋashumira; saka Jehova wakaʋapinza panjodzi idzi dzose.
10
Makore anamakumi maʋiri akati apera, Soromoni aakaʋaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehova neimba yamambo;
11
(ɀino Hirami mambo weTire wakaŋga atȿakira Soromoni misidari, nemisipresi, nendarama, neɀose ɀaakaŋga aciɗa), mambo Soromoni akapa Hirami maguta anamakumi maʋiri panyika yeGarire.
12
Hirami akabva Tire kuzoʋona maguta aakaŋga apiwa naSoromoni, asi haana‐kumufadza.
13
Akati: Maguta kunyiko awa awandipa, hama yaŋgu? Akaitumidza nyika yeKaburi kuȿikira zuʋa ranhasi.
14
Hirami akatumira mambo matarenta endarama anezana namakumi maʋiri.
15
Ɀino ndiro shoko recibaro cakarairwa namambo Soromoni, kuzoʋaka imba yaJehova, neimba yake, neMiro, noruȿiŋgo rweJerusarema, neHazori, neMegido, neGezeri.
16
Farao mambo weEgipita wakaŋga andokunda Gezeri, akaripisa nomŋoto, akaʋuraya ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni.
17
Soromoni akaʋaka Gezeri, neBeti‐horoni rezasi,
18
neBarati, neTamari, murenje munyika iyo,
19
namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta eŋgoro dzake, namaguta aʋataȿi ʋamabiza ake, neɀose Soromoni ɀaaiɗa kuɀiʋakira paJerusarema, napaRebanoni, napanyika yose yakaŋga yakaɓatwa naye.
20
Kuʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara ʋaʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi, ʋakaŋga ʋasi ʋana ʋaIsraeri;
21
naʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋasara panyika shure kwaʋo, iʋo ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋaparadza cose, kunaiʋaʋo Soromoni wakaraira cibaro caʋaranda kuȿikira nhasi.
22
Asi Soromoni haana‐kuita ʋaranda pakati paʋana ʋaIsraeri, asi iʋo ʋaiʋa ʋarwi ʋake, naʋaɓatiri ʋake, namacinda ake, naʋakuru ʋake, naʋarairi ʋeŋgoro dzake, naʋataȿi ʋamabiza ake.
23
Ndiʋo ʋaiʋa ʋatariri ʋakuru ʋamaɓasa aSoromoni, ʋaiʋa namazana mashanu namakumi mashanu, ʋairairira ʋanhu ʋaiɓate‐ɓasa.
24
Ɀino mukunda waFarao wakabva kuguta raDavidi, akaenda kuimba yake, yaakaŋga aʋakirwa naSoromoni; ipapo akaʋaka Miro.
25
Katatu pagore Soromoni waiɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa pamsoro peartari yaakaŋga aʋakira Jehova, akapisa ɀinonhuwira pamŋe cete naɀo paartari yakaŋga iri pamberi paJehova. Naiɀoɀo akapedza imba.
26
Mambo Soromoni wakaʋaka ʋo ɀikepe ɀizhinji paEzioni‐geberi, pedyo neEroti, pamhenderekedzo yeGuŋgwa Dɀuku, panyika yaEdomi.
27
Hirami akatuma neɀikepe iɀo ʋaranda ʋake, ʋaiʋa ʋafambisi ʋeɀikepe ʋaiziʋa guŋgwa kwaɀo, pamŋe cete naʋaranda ʋaSoromoni.
28
Ʋakaȿika Ofiri, ʋakatora’po ndarama yakaȿika matarenta anamazana manna namakumi maʋiri, ʋakaʋuya nayo kunamambo Soromoni.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22