bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 20
1 Kings 20
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 21 →
1
Ɀino Beni‐hadadi, mambo weSiria, wakakoka hondo dzake dzose; iye waiʋa namadzimambo anamakumi matatu namaʋiri, namabiza, neŋgoro pamŋe cete naye; akaenda, akakomba Samaria, akarwa naro.
2
Akatuma nhume kunaAhabi, mambo waIsraeri, mukati meguta, akati kwaari: Ɀanzi naBeni‐hadadi:
3
Sirveri yako nendarama yako ndeɀaŋgu, naʋakadzi ʋako naʋana ʋako ʋakanaka ndaʋaŋgu.
4
Mambo waIsraeri akapindura, akati: Ndiɀo haɀo ɀamareʋa, ishe waŋgu mambo; ndiri wenyu, neɀose ɀandinaɀo.
5
Nhume dzikadzoka, dzikati: Ɀanzi naBeni‐hadadi: Ndakatuma shoko kwauri, ndikati: Unofanira kundipa sirveri yako nendarama yako, naʋakadzi ʋako naʋana ʋako;
6
asi ndicatuma ʋaranda ʋaŋgu kwauri maŋgwana neŋguʋa ino; iʋo ʋacanɀera imba yako, nedzimba dzaʋaranda ʋako; ɀino, ɀose ɀinofadza meso ako ʋacaɀitora namaʋoko aʋo, ndokuenda naɀo.
7
Ipapo mambo waIsraeri wakaɗana ʋakuru ʋose ʋenyika, akati: Cerekedzai, muʋone, kuti munhu uyu unotȿaka kutiitira ɀakaipa; nokuti wakatuma shoko kwandiri, aciti ucatora ʋakadzi ʋaŋgu naʋana ʋaŋgu, nesirveri yaŋgu nendarama yaŋgu, ndikasamurambira cinhu.
8
Ipapo ʋakuru ʋose naʋanhu ʋose ʋakati kwaari: Regai kumuterera, kana kumutenda.
9
Naiɀoɀo akati kunhume dzaBeni‐hadadi: Ʋudzai ishe waŋgu mambo, muti: Ɀose ɀamakaziʋisa muranda wenyu pakutaŋga, ndicaɀiita; asi cinhu ici handiŋgagoni kuciita. Nhume dzikaenda, dzikadzokera kwaari nemhinduro.
10
Ipapo Beni‐hadadi akatuma shoko kwaari, akati: Ʋamŋari ŋgaʋandiroʋe, ʋarambe ʋaciɗaro, kana guruʋa reSamaria rikagona kuriŋgana kuti ʋanhu ʋose ʋanonditeʋera ʋatsamure tsama namaʋoko aʋo.
11
Mambo waIsraeri akapindura, akati: Muʋudzei muti: Unoshoŋga nhumbi dzake dzokurwa ŋgaarege kuɀirumbidza saiye wodzibvisa.
12
Ɀino iye wakati acinzwa shoko iro ari pakunwa, iye namadzimambo, pamisasa, akati kuʋaranda ʋake: Roŋgedzai! Iʋo ʋakaroŋgedza kundorwa neguta.
13
Ɀino mumŋe muprofita akasweɗera kunaAhabi mambo waIsraeri, akati: Ɀanzi naJehova: Waʋona ʋanhu aʋa ʋazhinji here? Tarira, ndicaʋapa mumaʋoko ako nhasi, ugoziʋa kuti ndini Jehova.
14
Ahabi akati: Naniko? Iye akati: Ɀanzi naJehova: Namajaya amacinda amatiʋi enyika. Iye akati: Ndianiko unofanira kuʋamba kurwa? Akapindura, akati: Iwe!
15
Ipapo akaʋereŋga majaya amacinda amatiʋi enyika, ʋakaȿika mazana maʋiri namakumi matatu namaʋiri; ɀino akaʋereŋga ʋanhu ʋose, iʋo ʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋakaȿika ɀuru ɀinomŋe.
16
Ʋakasimuka masikati makuru. Ɀino Beni‐hadadi wakaŋga ari pakunwa pamisasa, akaɓatwa, iye namadzimambo, iwo madzimambo makumi matatu namaʋiri akaŋga acimuɓatsira.
17
Ɀino majaya amacinda amatiʋi enyika akataŋga kutuŋgamira; Beni‐hadadi akatuma nhume, ʋakamuʋudza, ʋaciti: Kunaʋarume ʋanoɓuɗa Samaria.
18
Iye akati: Kunyaŋge ʋaɓuɗa ʋacitȿaka rugare, muʋaɓate ʋari ʋapenyu, kunyaŋge ʋaɓuɗa ʋacitȿaka kurwa, muʋaɓate ʋari ʋapenyu.
19
Naiɀoɀo ʋakaɓuɗa muguta, iwo majaya amacinda amatiʋi enyika nehondo yakaʋateʋera.
20
Mumŋe nomumŋe akaʋuraya munhu wake, ʋaSiria ʋakatiza, ʋaIsraeri ʋakaʋateʋerera; naBeni‐hadadi mambo weSiria akatiza, akataȿa biza anaʋamŋe ʋakaŋga ʋakataȿa mabiza.
21
Ipapo mambo waIsraeri akaɓuɗa, akaparadza mabiza neŋgoro, akaʋuraya ʋaSiria ʋazhinji‐zhinji.
22
Ɀino muprofita akasweɗera kunamambo waIsraeri, akati kwaari: Enda undoɀisimbisa, ucenjere, ufuŋge ɀakanaka ɀaunofanira kuita; nokuti kana gore rapera mambo weSiria ucaʋuya kuzorwa newe.
23
Ɀino ʋaranda ʋamambo weSiria ʋakati kwaari: Mŋari waʋo ndimŋari wamakomo, nemhaka iyo ʋakatikunda; asi ŋgatirwe naʋo paɓani, ipapo ɀirokwaɀo ticaʋakunda.
24
Naiɀoɀo itai cinhu ici: Mubvise madzimambo, mumŋe nomumŋe panɀimbo yake, mugoisa ʋaɓati panɀimbo yaʋo;
25
mugoɀiʋuŋganidzira hondo yakafanana nehondo yamakarashikirwa nayo, biza panɀimbo yebiza, neŋgoro panɀimbo yeŋgoro, tirwe naʋo paɓani; ɀirokwaɀo ticaʋakunda. Iye akaterera inzwi raʋo, akaita saiɀoɀo.
26
Pakupera kwegore Beni‐hadadi akaʋuŋganidza ʋaSiria, akaenda Afeki kundorwa naʋaIsraeri.
27
Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuŋganidzwa ʋo, ʋakapiwa mbuʋa, ʋakandorwa naʋo; ʋana ʋaIsraeri ʋakadzika matente aʋo pakatarisana naʋo, ʋakafanana namapoka maɗuku maʋiri embudzi, asi ʋaSiria ʋakaŋga ʋakazadza nyika.
28
Ɀino munhu waMŋari akasweɗera, akataura kunamambo waIsraeri, akati: Ɀanzi naJehova: ƲaSiria ɀaʋakati: Jehova ndimŋari wamakomo, asi haazi mŋari wamapani, naiɀoɀo ndicapa ʋanhu aʋa ʋose mumaʋoko ako, ʋaziʋe kuti ini ndiri Jehova.
29
Ɀino ʋakagara pamisasa ʋakatarisana mazuʋa manomŋe. Nomusi wecinomŋe ʋakasoŋgana ʋakarwa, ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuraya ʋaSiria ʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinezana nomusi mumŋe.
30
Asi ʋamŋe ʋakatizira muguta reAfeki, ruȿiŋgo ndokuwira pamsoro paʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinomŋe ʋakaŋga ʋasara. NaBeni‐hadadi akatiza ʋo, akaȿika muguta, akapinda mukamuri yomukati.
31
Ipapo ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Tarirai ɀino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri madzimambo anenyasha; ɀino ŋgatisuŋge magumbu paɀiʋuno ɀeɗu namakaʋi pamisoro yeɗu, tiɓuɗire kunamambo waIsraeri; ɀimŋe ucakuregai muri ʋapenyu.
32
Naiɀoɀo ʋakasuŋga magumbu paɀiʋuno ɀaʋo, namakaʋi pamisoro yaʋo, ʋakaenda kunamambo waIsraeri, ʋakati: Ɀanzi nomuranda wenyu Beni‐hadadi: Ndinokumbira kuti murege kundiʋuraya henyu. Akati: Uciri mupenyu here? Iye ihama yaŋgu.
33
Ɀino ʋarume aʋo ʋakacerekedza kwaɀo, ʋakakurumidza kugamucira shoko iro kwaari, ʋakati: Hoŋo, Beni‐hadadi hama yenyu. Ipapo iye akati: Endai, mumutore. Beni‐hadadi akaɓuɗira kwaari, akamukwidza paŋgoro.
34
Ɀino Beni‐hadadi akati kwaari: Ndicadzosa maguta akatorerwa ɓaɓa ʋako naɓaɓa ʋaŋgu; uŋgaɀiitira migwagwa muDamasko, seɀakaita ɓaɓa ʋaŋgu paSamaria. Ahabi akati: Ini ndicakutendera kuenda nokuɗa kwesuŋgano iyi. Naiɀoɀo akaita suŋgano naye, akamutendera kuenda.
35
Ɀino mumŋe murume waʋana ʋaʋaprofita akati kushamŋari yake arairwa naJehova: Ndiroʋe hako. Murume akaramba kumuroʋa.
36
Ipapo akati kwaari: Ɀausina‐kuterera inzwi raJehova, tarira, ucaʋurawa neshumba kana ucaŋgobva kwandiri. Ɀino wakati acaŋgobva kwaari, shumba ikamuwana, ikamuʋuraya.
37
Ɀino akawana ɀe mumŋe murume, akati: Ndiroʋe hako. Murume uyo akamuroʋa, akamukuʋadza kwaɀo.
38
Naiɀoɀo muprofita akabva, akandomirira mambo panzira, akaɀishandura nomuceka waakaŋga asuŋga kumeso kwake.
39
Ɀino mambo wakati acipfuʋura, akaɗanidzira kunamambo, akati: Muranda wenyu wakaŋga apinda pakati pokurwa, ndikaʋona munhu acitsauka, akaʋuya kwandiri nomumŋe murume, akati: Rinda munhu uyu; kana akatoŋgoshaikwa, ʋupenyu bgake bgucatsibga noʋupenyu bgako; kana iɀo ɀikakona, ucafanira kuripa netarenta resirveri.
40
Ɀino muranda wenyu wakati aciɓata‐ɓata hake pano napapo, iye akanyaŋgarika. Mambo waIsraeri akati kwaari: Ndiɀo ɀaucatoŋgerwa, waɀitoŋga umene.
41
Akakurumidza kubvisa muceka kumeso kwake, mambo waIsraeri akamuziʋa kuti ndomumŋe waʋaprofita.
42
Iye akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Ɀawatendera munhu kupukunyuka pamaʋoko ako, iye wakaŋga atukwa neni kuti aparadzwe, naiɀoɀo ʋupenyu bgake bgucatsibga noʋupenyu bgako, ʋuye ʋanhu ʋake ʋacatsibga naʋanhu ʋako.
43
Mambo waIsraeri akaenda kumba kwake aʋora mŋoyo aneshuŋgu, ndokuȿika paSamaria.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22