bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Kings 6
1 Kings 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
1
Ɀino pagore ramazana manna namakumi masere shure kwokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita, pagore recinna rokuɓata ʋushe kwaSoromoni pakati paIsraeri, nomŋedzi weZifi, ndiwo mŋedzi wecipiri, wakataŋga kuʋaka imba yaJehova.
2
Imba yakaʋakirwa Jehova namambo Soromoni yakaȿika makubiti makumi matanhatu pakureɓa kwayo, namakubiti makumi maʋiri paʋupamhi bgayo, namakubiti makumi matatu pakukwirira kwayo;
3
ʋuye ɓiraʋira pamberi petembere yeimba yaJehova rakaȿika makubiti makumi maʋiri pakureɓa kwaro, ɀicienzana noʋupamhi bgeimba; ʋupamhi bgaro bgakaȿika makubiti anegumi pamberi peimba.
4
Akaitira ʋo imba mawindi eɀitanda ɀakacinjikwa.
5
Akaʋaka dzimba dzakaturikidzana pacidziro ceimba kunhiʋi dzose, pamadziro eimba kunhiʋi dzose, etembere napaitaura Jehova; akaita ʋo makamuri panhiʋi dzose dzakapoteredza;
6
ʋupamhi bgeimba yapanyasi bgaiʋa namakubiti mashanu, noʋupamhi bgeimba yapakati makubiti matanhatu, noʋupamhi bgeimba yecitatu makubiti manomŋe; nokuti necokunze wakaʋaka ɀitukuriso pamadziro eimba kunhiʋi dzose, kuti matanda arege kupinda mukati mamadziro eimba.
7
Ɀino imba pakuʋakwa kwayo, yakaʋakwa namabge akaŋga agadzirwa ipapo paʋaiaputsa; pakuʋakwa kwayo hakuna‐kunzwika mukati meimba nyundo, kana sanhu, kana nhumbi ipi neipi yeɗare.
8
Mukoʋa wamakamuri apanyasi enhiʋi wakaŋga uri kurutiʋi rworudyi rweimba; ɀino ʋaikwira neɀikwiriso ɀinomonereka kumakamuri apakati, ʋuye kana ʋobva panaapakati ʋacienda kuneecitatu.
9
Naiɀoɀo akaʋaka imba, akaipedza; ndokufukidza imba namatanda ʋuye namapuraŋga emisidari.
10
Akaʋaka dzimba dzakaturikidzana paimba yose, imŋe neimŋe yakaŋga yakaita makubiti mashanu pakukwirira kwayo, dzikaɓatanidzwa paimba namatanda emisidari.
11
Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaSoromoni, riciti:
12
Kana iri imba iyi yaunoʋaka, kana ukafamba nemitemo yaŋgu, ukaita ɀandakatoŋga, ukaceŋgeta mirairo yaŋgu yose ukafamba nayo, ini ndicasimbisa shoko raŋgu newe, iro randakataura kunaDavidi ɓaɓa ʋako.
13
Ndicagara pakati paʋana ʋaIsraeri, handiŋgarashi ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri.
14
Naiɀoɀo Soromoni akaʋaka imba, akaipedza.
15
Akaʋaka madziro eimba mukati namapuraŋga omusidari; kubva paguʋa reimba kuȿikira paɗeŋga ramadziro, akaafukidza necomukati namapuraŋga; akafukidza guʋa reimba namapuraŋga omusipresi.
16
Akaʋaka ʋo neceshure kweimba imŋe imba yakaȿika makubiti anamakumi maʋiri namapuraŋga omusidari kubva paguʋa kuȿikira pamsoro pamadziro; akaiʋaka iyo paʋe paŋgataura Jehova, iri nɀimbo tȿene‐tȿene.
17
Ɀino imba, iyo tembere, yakaŋga iri pamberi, yakaȿika makubiti makumi manna.
18
Matanda omusidari mukati meimba akaŋga akaʋezwa namafundo namaruʋa akazaruka; yaiʋa misidari yoga, kwaŋga kusinebge rakaʋonekwa.
19
Akagadzira paŋgataura Jehova mukati meimba, kuti agadzike’po areka yesuŋgano yaJehova.
20
Paŋgataura Jehova mukati pakaȿika makubiti makumi maʋiri pakureɓa kwapo, namakubiti makumi maʋiri paʋupamhi bgapo, namakubiti makumi maʋiri pakukwirira kwapo; akaɀifukidza ɀose nendarama yakaiȿo‐naka; neartari akaifukidza nomusidari.
21
Naiɀoɀo Soromoni wakafukidza imba yose necomukati mayo nendarama yakaiȿo‐naka; akacinjikisa maketani endarama pamberi papaŋgataura Jehova, akaifukidza nendarama.
22
Akafukidza imba yose nendarama kuȿikira imba yose yapera; akafukidza ʋo artari yose yaiʋa yapaŋgataura Jehova nendarama.
23
Akaitira paŋgataura Jehova makerubi maʋiri omuorivi, rimŋe nerimŋe rakaȿika makubiti anegumi pakureɓa.
24
Ƃapiro rimŋe rekerubi rakaȿika makubiti mashanu pakureɓa kwaro, nerimŋe ɓapiro ʋo rekerubi makubiti mashanu; kubva pamuromo weɓapiro rimŋe kuȿikira pamuromo werimŋe ɀe, aiʋa makubiti anegumi.
25
Rimŋe kerubi rakaȿika ʋo makubiti anegumi; makerubi ose maʋiri akaŋga akaenzana pakukura nokuʋumbga.
26
Rimŋe kerubi rakaȿika makubiti anegumi, ʋuye ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita rimŋe ʋo.
27
Akagadza makerubi mukati meimba yomukati; mapapiro amakerubi akaŋga akatambanudzwa, ɓapiro rimŋe rekerubi rimŋe rakaȿika kumadziro mamŋe, ʋuye ɓapiro rimŋe rekerubi rimŋe ɀe rakaȿika kunamamŋe madziro; mapapiro awo akagunɀana pakati peimba.
28
Akafukidza makerubi nendarama.
29
Akaʋeza pamadziro ose eimba kunhiʋi dzose mifananidzo yakaʋezwa yamakerubi nemicindwe, namaruʋa akazaruka, mukati nokunze;
30
akafukidza ʋo guʋa reimba nendarama, mukati nokunze.
31
Akaitira mikoʋa yapaŋgataura Jehova magonhi omuorivi; ciʋiʋo capamsoro namagwatidziro ɀakaita makona mashanu.
32
Naiɀoɀo akaita magonhi maʋiri omuorivi, akaʋeza pamsoro pawo mifananidzo yamakerubi nemicindwe, namaruʋa akazaruka, akaafukidza nendarama; akaisa ndarama pamsoro pamakerubi napamicindwe.
33
Saiɀoɀo ʋo akaitira mikoʋa yetembere ɀiʋiʋo ɀemiorivi, ɀakaŋga ɀinenhiʋi inna dzakaenzana;
34
namagonhi maʋiri omusipresi; mapeŋga maʋiri egonhi rimŋe aipetwa, ʋuye mapeŋga maʋiri erimŋe gonhi ɀe aipetwa.
35
Akaʋezera’po makerubi nemicindwe namaruʋa akazaruka; akaɀifukidza nendarama, yakanatso‐iswa pamsoro peɀakaʋezwa.
36
Akaʋaka ruʋazhe rwomukati nemisara mitatu yamabge akaʋezwa, nomusara wamatanda omusidari.
37
Nheyo dzeimba yaJehova dzakaʋambga negore recinna raSoromoni, nomŋedzi weZivi.
38
Negore regumi nerimŋe, nomŋedzi weBuri, ndiwo mŋedzi worusere, imba ikapera cose neɀose ɀayo, seɀayaifanira kuʋakwa. Naiɀoɀo wakapedza makore manomŋe pakuiʋaka.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22